Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gunyana 2016
Mushure meRudoChii Chinotevera?
Muporofita wedu anodikanwa, Mutungamiri Thomas S. Monson, vakadzidzisa kuti “rudo ndirwo musimboti chaiwo wevhangeri”1
Rudo rwakakosha zvekuti Jesu akaruti ndirwo “murairo mukuru nowokutanga” uye akati chimwe chikamu chese chemutemo nemanzwi evaporofita zvinomisirwa paruri.2
Rudo ndicho chikonzero chikuru chezvose zvatinoita muChechi. Chirongwa chose, musangano wose, chiito chose chatinoita sevadzidzi vaJesu Kristu chinofanira kuitika semugumisiro wehunhu uhwu—nokuti pasina rudo rwakadzama, “rudo rwakarurama rwaMwari,” hatisi chinhu.3
Kana tichinge tanzwisisa izvi nepfungwa nemwoyo wedu, kana tichinge tazivisa rudo rwedu rwaMwari nerwe vamwe vedu—chii zvino chinotevera?
Kunzwa tsitsi nerudo kuna vamwe kwakakwana here? Kuzivisa rudo rwedu rwaMwari nevavakidzani vedu kunozadzikisa here basa redu kuna Mwari.
Rungano rweMufananidzo rweVanakomana Vaviri
Patemberi muJerusarema, vapirisita nemagosa vakuru vechiJuda vakaenda kuna Jesu vachida kuedza kuita kuti ataure chimwe chinhu chavaizokwanisa kuMupikisa nacho. Muponesi, zvisinei, akachinja zvavaifunga akazviita chimuko kwaari nokutaura rungano rwemufananidzo.
“Mumwe munhu wakanga anavanakomana vaviri,” Akatanga kutaura. Baba vakaenda kumwanakomana wokutanga vakamukumbira kuti aende anoshanda mumunda wemuzambiringa. Asi mwanakomana akaramba. Pashure mwanakomana uyu “akazvidya mwoyo, akaenda.”
Baba zvino vakaenda kumwanakomana wavo wechipiri vakamukumbira kuti aende anoshanda mumunda wemuzambiringa. Mwanakomana wechipiri akavavimbisa kuti aizoenda, asi haana kumboenda.
Zvino Muponesi akacheukira kuvapirisita nemagosa uye akabvunza, “Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake?”
Vakabvuma kuti akanga ari mwanakomana wokutanga—uyo akati haaizoenda asi pashure akatendeuka uye akaenda kunoshanda mumunda wemuzambiringa.4
Muponesi akashandisa rungano rwemufananidzo urwu kusimbisa musimboti wakakosha—ndeavo vanoteerera mirairo vanoda Mwari zvechokwadi.
Pamwe ichi ndicho chikonzero Jesu chaakakumbira vanhu kuti vateerere nokutevera manzwi eVafarisei nevanyori asi kuti vasatevera muenzaniso wavo.5 Vadzidzisi vechitendero ava vakanga vasingaiti zvinhu zvavaitaura kuti vaizoita. Vaida kutaura pamusoro pechitendero asi zvinosuwisa ndezvokuti vakanga vasinganzwisisi kukosha chaiko kwazvo.
Zviito neRuponeso Rwedu
Mune imwe yedzidziso dzokupedzisira dzeMuponesi kuvadzidzi Vake, Akataura kwavari nezve Kutonga kwekupedzisira. Vakaipa nevakarurama vachaparadzaniswa. Vakanaka vachagara nhaka yeupenyu hwekusingaperi; vakaipa vachaendeswa kukurangwa kusingaperi.
Chii chakanga chakasiyana pakati pemapoka maviri aya?
Avo vakataridza rudo rwavo kuburikidza nezviito vakaponeswa. Avo vasina vakatukwa.6 Rutendeuko rwechokwadi kuvhangeri raJesu Kristu netsika dzinokosheswa nemisimboti yaro rwunoonekwa kuburikidza nezviito zvedu muupenyu hwedu hwemazuva ose.
Mukupedzisira, kungozivisa chete nezve rudo kuna Mwari nekuna vamwe vedu hakuzotikodzeresi kuwana kusimudzirwa kwepamusoro. Nokuti, sekudzidzisa kwakaitwa naJesu “havasi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”7
Chii Chinotevera mushure meRudo?
Mhinduro kumubvunzo unoti, “Mushure merudo, chii chinotevera?” inokwanisa kuva yakareruka uye iri nyore kunzwisisa. Kana tichida Muponesi zvechokwadi, tinorerereka mwoyo yedu kwaAri uye zvino tofamba nemunzira yeudzidzi. Apo patinoda Mwari, tinozoedza napose patinokwanisa kuchengeta mirairo yavo.8
Kana tichida vamwe vedu zvechokwadi, tinozoedza napose patinokwanisa kubatsira “varombo nevanoshaya, varwere nevanonetsekana.”9 Nokuti avo vanoita zviito izvi zvisina undingoveni zvetsitsi nekushandira,10 vamwechetewo vadzidzi vaJesu Kristu.
Izvi ndizvo zvinotevera mushure merudo.
Izvi ndizvo musimboti wevhangeri raJesu Kristu.
© 2016 ne Intellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/16. Mvumo yedudziro 6/16 Dudziro ye First Presidency Message, August 2016. Shona. 12869 731