2016
Hubereki iBasa Rinoyera
Gunyana 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gunyana 2016

Hubereki iBasa Rinoyera

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Baba vedu Vokudenga vakamisa mhuri kutibatsira kudzidzisa misimboti kwayo mumamiriro ezvinhu anorudo. Mutungamiri Thomas S. Monson vakati: “Ipa mwana wako rumbidzo uye mumbundire; iti, ‘ndinokuda’ kakawanda; nguva dzose taura kutenda kwako. Usamboita kuti dambudziko rinoda kugadziriswa rive rinonyanya kukosha kupfuura munhu anofanira kudiwa.”1

Susan W. Tanner, uyo waimbova mutungamiri mukuru weVasikana Vechidiki, akadzidzisa kuti: “Baba vedu vari Kudenga muenzaniso wemutoo watinofanira kutevera. Vanotida, vanotidzidzisa, vane moyo murefu nesu, uye vanotipa simba rekuzvisarudzira. … Dzimwe nguva kuraira, uko kunoreva ‘kudzidzisa’, kunovhiringidzwa nekushoropodza. Vana—pamwepo nevanhu vemazera ose—vanozonatsa maitiro avo nokukurumidza nokuda kwerudo nekuridziro kupinda kubva mukushoropodzwa.”2

“Kana tikatendeka pakuita munamato wemhuri, pakunzvera magwaro matsvene, pakuita nguva yemhuri pamba, pakupa maropafadzo ehupirisita, uye pakuchengetedza zuva reSabata,” vakadaro Gosa Quentin L. Cook veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri, “vana vedu vanozova… vakagadzirira kupinda mumba mokusingaperi kudenga, zvisinei nezvinozoitika kwavari munyika inonetsa.”3

ZvimweZvinyorwaZvitsvene

1 Nifai 8:37; 3 Nifai 22:13; Dzidziso neZvibvumirano 93:40; 121:41

Nyaya dzeVanhu Vanorarama Nhasi

“Ndakanga ndichiverenga pepanhau apo mumwe wevazukuru komana vangu vadiki akauya akagara pedyo neni,” vakadaro Gosa Robert D. Hales veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. “Apo pandaiverenga, ndakafara zvikuru kunzwa inzwi rake rinotapira richitaura pandaiveri. Fungai kushamiswa kwangu apo, chinguva chidiki pashure, akauya akamira pakati pangu nepepanhau randakanga ndakabata. Achibata chiso changu nemaoko ake uye achiisa mhuno yake paneyangu, akabvunza, ‘Sekuru! Muripo here?’

“… Kuva po zvinoreva kunzwisisa mwoyo yevechidiki vedu uye kuyanana navo. Uye kuyanana navo zvinoreva kwete kungotaurirana navo asi kuitawo zvinhu navo. …

“Tinofanira kuronga nokutora mukana wenguva dzokudzidzisa. …

“… Nokureba kunoita nguva yandinorarama, ndinonyanyawo kuona kuti nguva dzokudzidzisa munguva dzoudiki hwangu, kunyanya idzo dzaipuwa nevabereki vangu, dzakaumba upenyu hwangu uye dzikandiita munhu wandiri.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “Love at Home—Counsel from Our Prophet,” Liahona, Nyamavhuvhu 2011, 4.

  2. Susan W. Tanner, “Did I Tell You … ?” Liahona, Kubvumbi 2003, 74.

  3. Quentin L. Cook, “The Lord Ish My Light,” Liahona, Kubvumbi 2015, 64.

  4. Robert D. Hales, “Our Duty to God: The Mission of Parents and Leaders to the Rising Generation,” Liahona, Kubvumbi 2010, 96, 95.

Funga Izvi

Sei vhangeri richidzidziswa zvakanyanyonaka nerurimi nemuenzaniso werudo?