2016
Moto neZvidzidzo zveKuteerera
Gumiguru 2016


Vechidiki

Moto neZvidzidzo zveKuteerera

Mutungamiri Thomas S. Monson paneimwe nguva vakambotaura pamusoro penguva iyo yavakadzidza kukosha kwekuteerera. Apo pavaiva nemakore masere okuzvarwa, mhuri yavo vakashanyira imba yavo yemapango mumakomo. Ivo neshamwari yavo vaida kukura chinzvimbo chaiva neuswa kuti vagovesa moto. Vakaedza kudzura huswa nemaoko vachikakata nokugwinha nesimba rose ravaikwanisa, asi zvose zvavakakwanisa kudzura zvaingova zvitsama zvidiki zveuswa. Mutungamiri Monson vakatsanangura, “Zvino ipapo izvo zvandakafunga kuti zvaiva mhinduro yakanakisa zvakauya mupfungwa dzangu dzemakore masere. Ndakati kuna Danny, ‘Zvatinofanira kuita chete kupisa sora iri nemoto. Tinongo pisa denderedzwa musora!”

Kunyangwe zvazvo vaiziva kuti vakanga vasingabvumidzwi kushandisa machisi, vakamhanyira kuimba yemapango kundotora machisi, uye ivo naDanny vakavesa moto mudiki munzvimbo iya yaiva neuswa. Vaitarisira kuti uchadzima voga, asi wakazokura kuita moto mukurukuru unenjodzi. Ivo naDanny vakamhanya kunotsvaga rubatsiro, uye nenguva diki vakuru vakanga vomhanya kuenda kunodzima moto uyu usati wasvika kumiti.

Mutungamiri Monson vakaenderera, “Danny neni takadzidza zvidzidzo zvakaoma zvakawanda asi zvakakosha musi iwoyo—kunyanya chidzidzo chekukosha kwekuteerera.” (Ona “Kuteerera Kunounza Maropafadzo,” Liahona, Chivabvu 2013, 89–90.)

SaMutungamiri Monson, wakambodzidza here chidzidzo chokuteerera kuburikidza nemubairo wekusateerera. Ndezvipi zvinangwa zvaunokwanisa kuita kuitira kuzvidzivirira kubva munjodzi kuburikidza nokuteerera mune ramangwana.

Dhinda