2016
Maropafadzo eKuteerera
Gumiguru 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2016

Maropafadzo eKuteerera

“Chidzidzo chikurusa chatinokwanisa kudzidza muupenyu huno hwenyama,” Mutungamiri Thomas S. Monson vakadzidzisa, ndechekuti apo Mwari paVanotaura uye isu toteerera, nguva dzose tinozoita zvinhu kwazvo.”1

Tinozoropafadzwawo. Sokutaura kwakaita Mutungamiri Monson panguva yemusangano mukuru uchangopfuura: “Apo patinochengeta mirairo, upenyu hwedu hwunozova hune rufaro, hunonyanya kugutsa, uye husina zvimhingamupinyi zvakanyanya. Zvimhingamipinyi nenhamo dzedu zvinozova nyore kutakura, uye tinozotambira maropafadzo akavimbiswa a[Mwari].”2

Muzvitapwa zvinotevera zvinobva mudzidziso dzaMutungamiri Monson, seMutungamiri weChechi, vanotiyeuchidza kuti mirairo ndiyo nhungamiri yechokwadzi kurufaro nerunyararo.

Nhungamiri dzeRwendo

“Mirairo yaMwari haisi inopihwa kutikangaidza kana kuti ive zvidziviriro kurufaro rwedu. Asi chokwadi ndechekuti haitikangaidzi kana kudzivirira rufaro rwedu asi kutoti inotibatsira kuruwana. Iye wakatisika uye unotida zvakarurama anoziva chaizvo mararamiro atinofanira kuita upenyu hwedu kuitira kuti tiwane rufaro rukurusa zvinokwanisika. Akatipa nhungamiri idzo, kana tikadzitevera, dzinotitungamira zvakanaka nemuupenyu huno hwenyama uhwo kazhinji huzere nenjodzi huru. Tinoyeuka manzwi erwiyo runozikanwa: “Keep the commandments! Umu mune dziviriro; umu mune runyararo’ [ona “Keep the Commandments,” Hymns, no. 303].”3

Simba neRuzivo

Kuteerera mucherechedzo wehunhu hunowanikwa muvaporofita vose; kwakavapa simba neruzivo nemumakore ose. Zvakakosha kwatiri kuti tizive kuti isu, pamwepo, tinekodzero yenyuko iyi yesimba neruzivo. Inowanikwa zvirinyore kune mumwe nemumwe wedu nhasi apo patinoteerera kumirairo yaMwari. …

“Ruzivo urwo rwatinotsvaka, mhinduro idzo dzatinoshuvira zvikuru, uye simba ratinoda nhasi kuti tisangane nezviedzo zvepanyika panonetsa kunzwisisa uye panochinja nguva dzose zvinokwanisa kuva zvedu apo patinoteerera nechido kumirairo yaIshe.”4

Sarudza Kuteerera

“Wirirano yenguva dzedu ndeye mwoyo murefu wokungotambira zvose. Mamagazini nemitambo yepaterevhizheni zvinotaridza vanhu vanembiri mumafirimu, nyanzvi dzemitambo yemakwikwi—avo vanofarirwa nevechidiki vazhinji vavanoda kutevedzera—vachionekwa sevanhu vasingateereri mitemo yaMwari uye vanoita tsika dzeuipi zviripachena, zvichiratidza sezvisina mugumisiro wakaipa. Musazvibvuma kuti hakuna mubairo wakaipa wechivi! Kune nguva iyo yatichatongwa—kunyangwe yakaita sekuenzaniswa kwesamhu dzeakaunzi. Munhu wega wega anenguva yake yekuyerwa—kana isiri muupenyu huno, zvino iri muupenyu hunotevera. Zuva Rokutongwa richauya kuna vose. … Ndinoteterera kunemi kuti musarudze kuteerera”5

Mufaro neRunyararo

Zvingangoratidzika kwamuri pane dzimwe nguva kuti avo vari munyika vari kunakidzwa kupinda zvamuri kuita imi. Vamwe venyu mungangonzwa semurikudzivirirwa kuita zvakawanda nemwero wemaitiro uyo isu tiri muChechi watinotevedzera zvakakwana. Mabhuratha nemasisita angu, ndinotaura pachena kwamuri, zvisinei, kuti hakuna chimwe chinokwanisa kuunza rufaro rwakawedzerwa muupenyu hwenyu kana runyararo rwakawedzerwa kumweya yedu kupinda Mweya uyo unokwanisa kuuya kwatiri apo tinotevera Muponesi nokuchengeta mirairo.”6

Fambai Zvakarurama

“Ndinopupura kwamuri kuti maropafadzo edu akavimbiswa anopfuura mwero wekuyerwa. Kunyangwe zvazvo makore emvura zhinji akaungana, kunyange mvura ikatinaya nesimba: ruzivo rwedu rwevhangeri uye rudo rwedu rwaBaba vedu Vokudenga nerweMuponesi wedu zvinozotinyaradza nokutitsigira uye nokuunza rufaro kumoyo yedu apo patinofamba zvakarurama nokuchengeta mirairo. Hapazovi nechinhu munyika muno chinokwanisa kutikurira.”7

Teverai Muponesi

“Aiva ani uyu Murume wokusuwa, wakaziva kurwadziwa kukurusa kwewafirwa? Ndianiko uyo Mambo wokubwinya, Jehova wehondo? Ndiye Tenzi wedu. Ndiye Muponesi wedu Mwanakomana waMwari. Ndiye Muvambi weRuponeso rwedu. Anodaidza, ‘Nditevere.’ Anoraira, “Endai, mundoita saizvozvo? Anoteterera, ‘Chengetai mirairo yangu.’

“Ngatimutevere. Ngatitevere muenzaniso Wake. Ngatitevere mashoko Ake. Nokuita kudaro, tinopa kwaAri chipo chehumwari cherutendo.”8

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “They Marked the Path to Follow,” Liahona, Gumi. 2007, 5.

  2. “Keep the Commandments,” Liahona, Mbudzi. 2015, 83.

  3. “Keep the Commandments,” 83.

  4. “Obedience Brings Blessings,” Liahona, Chivabvu 2013, 90, 92.

  5. “Believe, Obey, and Endure,” Liahona, Chivabvu 2012, 129.

  6. “Stand in Holy Places,” Liahona, Mbudzi 2011, 83.

  7. “Be of Good Cheer,” Liahona, Chivabvu 2009, 92.

  8. “Finding Joy in the Journey,” Liahona, Mbudzi 2008, 88.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Monson vanotidzidzisa pamusoro pemaropafadzo akawanda atinokwanisa kutambira kuburikidza nokuteerera, anosanganisira simba, ruzivo, rufaro, nerunyararo. Funga kubvunza avo vaunodzidzisa kuti vakaropafadzwa sei nokuchengeta mirairo. Ungangovakurudzira kuti varambe vachifungisisa pamarapafadzo avo uye vanyore pfungwa dzavo nezviitiko zvavo mujenari. Ungangodawo kuvakurudzira kuti vataridze rutendo kuna Mwari nokuda kwemaropafadzo avo nokuramba vari vanoteerera.

Dhinda