2016
Mhuri Yakagadzwa naMwari
Gumiguru 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2016

Mhuri Yakagadzwa naMwari

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Mumanzwi e[rwiyo rwePuraimari], ‘The Family Is of God,’ … tinoyeuchidzwa nezve dzidziso tsvene,” akadaro Carol M. Stephenes, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro. “Tinodzidza kwete chete kuti mhuri ndeya Mwari asiwo kuti mumwe nemumwe wedu chikamu chemhuri yaMwari. …

“… Chirongwa chaBaba kuvana Vavo chirongwa cherudo. Chirongwa chokubatanidza vana Vavo—mhuri Yavo—Navo.”1

Gosa L. Tom Perry (1922–2015) veChikwata chevaApositora vane Gumi neVaviri vakati: “Tinobvumawo kuti mhuri dzakasimba idzo dzaizikanwa kubvira kare (dzina baba, mai nevana vavo) hadzingori idzo zvikamu zvakakosha zvekugara kwevanhu kwakatsiga, upfumi hwenyika hwakatsiga, uye mwero wetsika dzakanaka nedzakaipa wakatsiga—asi kuti ndidzowo zvikamu zvakakosha zvekusingaperi uye zveumambo nehurumende yaMwari.

“Tinobvuma kuti hurongwa nehurumende yekudenga zvichavakwa zvichitevedzera mhuri nemhuri huru dzinosanganisira zvizvarwa zvadzo zvose2

“Munhu wese, zvisinei nemamiriro ezvinhu emuchato wavo kana huwandu hwevana vavo, vanokwanisa kuva vadziviriri vechirongwa chaIshe chakatsanangurwa muchiziviso chemhuri,” akadaro Bonnie L. Oscarson, Mutungamiri Mukuru weVasikana veChidiki. “Kana chiri chirongwa chaIshe, chinofanirawo kuva chirongwa chedu!”3

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Dziziso neZvibvumirano 2:1–3; 132:19

Dzidziso yeMhuri

Sisita Julie B. Beck, vaimbova Mutungamiri Mukuru weChita Chorubatsiro, vakadzidzisa kuti dzidziso yemhuri yakamisirwa paKusikwa, Kuputsika, uye paRudzikinuro rwaJesu Kristu:

“Kusikwa kwepasi kwakapa nzvimbo iyo mhuri dzinokwanisa kurarama. Mwari vakasika murume nemukadzi avo vaiva zvidimbu zvakaenzana zviviri zvakakosha zvemhuri. Chaiva chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga kuti Adamu naEva vasunganidzwe uye vamise mhuri yekusingaperi.

“… Kuputsika kwakaita kuti vakwanise kuva nevanakomana nevanasikana.

“Rudzikinuro [rwaKristu] runobvumira mhuri kuti dzisunganidzwe pamwechete nokusingaperi. Runobvumira mhuri kuti dzive nekukura neururami nekusingaperi. Chirongwa chorufaro, icho chinodaidzwawo kuti chironga cheruponeso, chaiva chirongwa chakasikirwa mhuri. …

“… Iyi ndiyo yaiva dzidziso yaKristu. … Kana pasina mhuri, hapana chirongwa; hapana chikonzero cheupenyu huno hwenyama.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Carole M. Stephens, “The Family Is of God,” Liahona, Chivabvu 2015, 11. 13.

  2. L. Tom Perry, “Why Marriage and Family Matter—Everywhere in the World,” Liahona, Chivabvu 2015, 41.

  3. Bonnie L. Oscarson, “Defenders of the Family Proclamation,” Liahona, Chivabvu 2015,15.

  4. Julie B. Beck, “Teaching the Doctrine of the Family,” Liahona, Kurume 2011, 32, 34.

Funga Izvi

Sei mhuri iri chikamu chakakoshesesa munguva ino nomukusingaperi?

Dhinda