2017
Apo Shamwari Yangu Payakafa
Chikunguru 2017


Vechidiki

Apo Shamwari Yangu Payakafa

Munyori wenyaya iyi anogara muUtah, USA.

Mumakore angu apo pandaive muchikoro chesekondari chepazasi, shamwari yangu yakabatwa nechirwere chokuputika kwetsinga huru inopa ropa kuuruzvi uye akashaya zuva raitevera. Kunyangwe zvazvo ndaive nhengo yeChechi, ndakashushikana chaizvo. Ndakange ndadzidziswa muhupenyu hwangu hwose kuti ndaikwanisa kutendeukira kuna Baba Vokudenga uye kuMuponesi pane chose chandaida, asi handina kumbenge ndasangana nechinhu chakadai.

Ndakachema kwemaawa akawanda, ndichiedza kuwana chimwe chinhu—chipi zvacho—chaizondipa runyararo. Usiku ihwohwo mushure mekushaya kwake, ndakatendeukira kubhuku renziyo. Apo pandaivhura mapeji, ndakasvika pana “Abide with Me; ’Tis Eventide” (Hymns, nhamba 165). Ndima yechitatu yakabata mwoyo wangu:

Garai neni, madekwani ano,

Uye kusurikirwa kuchava usiku

Kana ndisingagoni kutaurirana nemi,

Kana kuwana mamuri chiedza changu.

Rima renyika, ndinoritya,

Ndinoda kuti mugare mumba mangu.

Muponesi, garai usiku huno neni;

Tarirai, ave madekwani.

Ndima iyi yakandizadza norunyararo rukurusa. Ndakabva ndaziva ipapo kuti Muponesi aigona kugara usiku ihwohwo neni uyewo kuti Aizivavo chaizvo zvandakange ndichinzwa. Ndinoziva kuti rudo rwandakanzwa kuburikidza nerwiyo urwu, harwuna chete kundibatsira usiku ihwohwo asi rwakandibatsirawo nemune mimwe miedzo yakawanda iyo yandakasangana nayo.

Dhinda