2017
Kuti Vave Vamwechete
Chikunguru 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikunguru 2017

Kuti Vave Vamwechete

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa chinangwa cheChita cheRubatsiro kunozogadzirira sei vanasikana vaMwari kuwana maropafadzo eupenyu husingaperi?

Mufananidzo
Relief Society seal

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Jesu akakwanisa kuwana kubatana kwakakwana naBaba kuburikidza nokuZviisa pasi pechido chaBaba zvose panyama nepamweya,” vakadzidzisa kudaro Gosa D. Todd Christofferson veChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri.

“… Zvechokwadi hatikwanisi kuve vamwechete naMwari uye naKristu kusvikira taita kuti zvido Zvavo uye izvo Zvavafarira zvive zvinhu zvatinodisisa isu pachedu. Kuzvininipisa kwakadaro hakukwanisi kuwanikwa muzuva rimwechete, asi kuburikidza neMweya Mutsvene, Ishe vanozotidzidzisa kana tiine chido kusvikira, nekupfuura kwenguva, zvinozogona pachokwadi kunzi Ari matiri sekuva kuri Baba maAri.”1

Linda K. Burton, Mutungamiriri Mukuru weChita cheRubatsiro, akadzidzisa mawaniro atingaita kubatana uku: “Kuita nekuchengeta zvibvumirano chiratidzo chekuzvipira kwedu kuti tive takafanana neMuponesi. Muenzaniso wakanaka ndewekuedza nepose patinokwanisa kuva nemafungiro avo anoratidzwa zvakanakisa nemashoko mashomanana erwiyo runofarirwa: ‘Ndichaenda uko imi kwamunoda kuti ndiende. … Ndichataura izvo imi zvamunoda kuti nditaure. … Ndichava izvo imi zvamunoda kuti ndive.’”2

Gosa Christofferson vanotiyeuchidzawo kuti “Apo patinoedza zuva rega rega uye svondo rega rega kutevera muenzaniso waKristu, mweya wedu unomisa nekutsinhira hukuru hwawo nesimba rahwo mukudzikisira utera hwedu sevanhu, kurwidzana kuri mukati memoyo yedu kunoderera, uye zviedzo zvinorega kutitambudza.”3

Neill F. Marriot, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hukuru hweBato reVasikana veChidiki vanopa uchapupu hwemakomborero ekuedza kufananidza chido chedu nechido chaMwari: “Ndakatambudzika kubvisa chido chenyama chekuti zvinhu zviitike nenzira yangu, pekupedzisira ndakazoona kuti nzira yangu haina kukwana, ine mugumo uye haina kukosha senzira yaJesu Kristu. Nzira ‘[yaBaba vedu Vari Kudenga] ndiro gwara rinotiunzira mafaro muupenyu huno nemuupenyu hwokusingaperi munyika ichauya.’”4 Ngatiedzei nekuzvininipisa kuti tive vamwevo naBaba vedu Vekudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Johane 17:20–21; VaEfeso 4:13; Dzidziso neZvibvumirano 38:27; reliefsociety.lds.org

Zvimwe Zvinyorwa

  1. D. Todd Christofferson, “That They May Be One in Us,” Liahona, Mbudzi 2002, 72, 73.

  2. Linda K. Burton, “The Power, Joy, and Love of Covenant Keeping,” Liahona, Mbudzi 2013, 111.

  3. D. Todd Christofferson, “That They May Be One in Us,” Liahona, Mbudzi 2002, 71.

  4. Neill F. Marriott, “Yielding Our Hearts to God,” Liahona, Mbudzi 2015, 32.

Dhinda