2017
Mubayiro wekuShingirira Zvakanaka
Chikunguru 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikunguru 2017

Mubairo weKushingirira Zvakanaka

Pandaive mukomana wechidiki, ndakashanda muChechi semutevedzeri kumutungamiri wenharaunda aive akachenjera. Aiedza nguva dzose kundidzidzisa. Ndinorangarira rairo yaakambondipa: “Kana ukasangana nemumwe munhu, mubate sokunge ari mudambudziko rakakomba, uye uchange uri pachokwadi munguva zhinji dzacho.” Panguva iyoyo ndakafunga kuti aive munhu anongotarisira zvakaipa chete kubva kuzvinhu zvose. Iye zvino, mushure memakore anopfuura makumi mashanu, ndavekuona kunzwisisa zvakanaka kwaaiita nyika neupenyu.

Tose tinemiedzo yatinosangana nayo—pane dzimwe nguva, miedzo yakaomesesa. Tinoziva kuti Ishe vanotibvumira kusangana nemiedzo kuti tikure isu pachedu uye tiruramiswe kuitira kuti tigokwanisa kunogara navo nokusingaperi.

Ishe vakadzidzisa Muporofita Joseph Smith muTirongo reLiberty kuti mubayiro wekushingirira pamiedzo yake zvakanaka waizomubatsira kuti akodzere kuwana upenyu hwekusingaperi:

“Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako; matambudziko ako nemarwadzo ako zvichave kwechinguva chidiki;

“Uye zvino, kana ukashingaira mazviri zvakanaka, Mwari vachakusimudzira pamusoro; iwe uchakunda vose vavengi vako” (D&Z 121:7–8).

Tinowana matambudziko akawanda nemiedzo yakawanda muupenyu hwedu zvokuti zvingangotaridzika sezvakaoma kushingirira zvakanaka. Zvinogona kutaridzika sokudaro kumhuri inotarisira pazvirimwa kana kukasava nemvura inonaya. Vanogona kufunganya kuti , “Tinokwanisa kushingirira kwenguva yakareba zvakadii tisina mvura inonaya?” Zvinogona kutaridzika sokudaro kune wechidiki akatarisana nekuedza kukunda huwandu hunoramba hwuchikura hwezvakaipa nemiedzo. Zvinogona kutaridzika sokudaro kune mukomana wechidiki arikutambudzika kuwana dzidzo kana kudzidzira kunodikanwa kuti awane basa kuitira kuti azokwanisa kuchengeta mudzimai nemhuri. Zvinogona kutaridzika sokudaro kune munhu asiri kukwanisa kuwana basa kana uyo akarasikirwa nebasa mushure merimwe basa apo mabhizimusi paaivhara misuwo yawo zvachose. Zvinogona kutaridzika sokudaro kune avo vakatarisana nokuderera kweutano, uye kwesimba renyama, uko kungangouya pakutanga kana kumagumo muhupenyu hwavo kana kune avo vavanoda.

Asi Mwari vanerudo havana kuisa miedzo yakadaro pamberi pedu kungotivaone kana tichigona kushingirira pazvinhu zvakagozha asi kuti vaone kana tichigona kushingirira zvakanaka pazviri uye nokudaro tigove vanhu vakanatsurudzwa.

Vatungamiri Vekutanga vakadzidzisa Gosa Parley P. Pratt (1807–57) apo paaive achangobva kusheedzwa senhengo yeChikwata cheVaapostori vaneGumi neVaviri: “Wadeedzwa mubasa rinoda kuzvipira kwako kwose; … iva museve wakakwenenzverwa. … Unofanirwa kushingirira mumatambudziko akawanda, mumabasa akawanda, uye nemuzvinetso zvakawanda kuti uve wakanatsurudzwa zvizere. … Baba vako Vokudenga ndizvo zvavanotarisira, munda ndeWavo; basa ndeRavo; uye Vacha …kukurudzira …nekukutsigira.”1

Mubhuku revaHeberu, Pauro anotaura nezvemuchero wekushingirira zvakanaka: “Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama”. (VaHeberu12:11).

Miedzo yedu uye matambudziko edu zvinotipa mukana wekudzidza nekukura, uye zvingangogona kushandura hunhu hwedu chaihwo. Kana tikazviunza kune Muponesi munguva dzemiedzo yedu yakagozhesesa, mweya yedu inokwanisa kunatsurudzwa apo patinenge tichishingirira.

Naizvozvo, chinhu chekutanga kurangarira ndecho kunamata nguva dzose (ona D&C 10:5; Aruma 34:19–29).

Chinhu chechipiri ndecho kushingirira nguva dzose kuchengetedza mirairo—zvisinei nokuti kune pikiso yakadii kune zviedzo zvakadii kana vhiringidzo dzakadii patiri (ona Mosaya 4:30).

Chinhu chechitatu chakakoshesa chokuita ndecho kushandira Ishe (ona D&Z 4:2; 20:31).

Mukushandira Tenzi, tinosvika pakuVaziva nekuVada. Tinokwanisa, kana tikatsungirira mumunamato nemukuvashandira zvakatendeka, kuzotanga kuona ruoko rweMuponesi nerushanduro rweMweya Mutsvene muhupenyu hwedu. Vazhinji vedu kwenguva takapa mushando wakadaro uye tikanzwa hufambidzani hwemweya ihwohwo. Ukafunga shure panguva idzodzo, unozorangarira kuti paiva neshanduko mauri. Chiedzo chokuita zvakaipa chakaratikidza kuderera. Chido chekuita zvakanaka chakawedzera. Avo vaikuziva zvakanyanya uye vaikuda vangangova vakati: “Wava netsiye nyoro nekuzvininipisa zvakawedzerwa. Hauratidzike semunhu mumwecheteyo wawaiva.”

Wakanga usiri munhu mwecheteyo wawava. Wakashandurwa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu, nekuda kwekuti wakavimba Naye munguva dzekuedzwa kwako.

Ndinokuvimbisa kuti Ishe vanouya kurubatsiro rwako munguva yekuedzwa kwako kana ukaVatsvaga nekuVashandira uye kuti mweya wako uchanatsurudzwa mukuita ikoko. Ndinokukurudzira zvikuru kuti uise ruvimbo rwako maVari mumatambudziko ako ose.

Ndinoziva kuti Mwari Baba vanorarama uye kuti Vanonzwa nekupindura minamato yedu yose. Ndinoziva kuti Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, akabhadhara mutengo wezvivi zvedu zvose uye kuti Anoda kuti tiuye kwaAri. Ndinoziva kuti Baba neMwanakomana vanotitaririra uye vakatigadzirira nzira yekuti tishingirire zvakanaka uye kuti tidzokere kumba zvakare.

Chinyorwa

  1. Nhorondo yeupenyu hwaParley P. Pratt, ed. Parley P. Pratt Jr. (1979), 120.

Dhinda