2021
Zvakatora Mukomana Kuponesa Musha
Kubvumbi 2021


“Zvakatorera Mukomana Kuponesa Musha,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2021, 10–11.

Shoko reMwedzi Woga Woga For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kubvumbi 2021

Zvakatora Mukomana Kuponesa Musha

Tom Fanene aiva namakore gumi namaviri chete okuzvarwa, asi apo chirwere chaiparadza pachakabata musha wake wemuSamoa, akakumbirwa kuti aite zvinhu zvikuru.

Mufananidzo
Chitsuwa cheSamoa nemukomana achibatsira mugari wemumusha anorwara

Mufananidzo naJames Madsen; mufananidzo kubva kuGetty Images

Sokutaura kunoita musoro wenyaya wevechidiki wegore rino, muri “kumisa hwaro hwebasa guru” (Dzidziso neZvibvumirano 64:33). Nomunhoroondo yose yeChechi, vanhu vechidiki kazhinji vakaita basa rakakosha zvikuru panguva dzakakomba zvikuru kuitira kuvaka umambo hwaMwari. Heuno muenzaniso mumwechete.

Denda reChitsuwa

Makore anodarika zana akapfuura ayo, muzviChitsuwa zveSamoa zveGungwa rePacific, mukomana wechidiki ainzi Tom Fanene aiva chibatsiro chakakosha panguva yamamiriro ezvinhu eupenyu norufu enhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

Tom aigara mumusha waidaidzwa kunzi Sauniatu, uyo wakanga wawanikwa naVatendi Vamazuva Ekupedzisira munharaunda iyoyo senzvimbo yokuti vaungane uye vave nzanga. Savamwe Vatendi vaMwari mune dzimwe nguva uye nzvimbo, vakasangana nezviedzo pamwepo nezvishamiso apo pavaishanda kuvaka umambo hwaMwari pamwechete. Chimwe chiedzo chakauya muna 1918, apo denda refuruwenza parakasvika mumusha wavo.

Apo Urwere uhwu pahwakangosvika, hwakatanga kuparadza, uye hwakapararira nokukurumidza. Zvingangoita munhu wose wavagari vomumusha vangangodakusvika mazana mana akarwara zvikuru zvokutadza kumuka nokuda kwahwo. Vaviri vavo chete ndivo vaiva vari vatano zvokukwanisa kufamba famba: murume wechikuru uye mukomana aiva namakore gumi namaviri ainzi Tom.

Rutendo uye Kushanda neSimba

Mhuri yaTom yakanga yashandisa rutendo mukutarisana nourwere kare uye vakanga vaona zvishamiso somugumisiro. Munun’una waTom Ailama aiva arwara pamakore mashoma akanga apfuura. Baba vavo, Elisala, vakanga vaita chiroto umo mavakapuwa mirayiridzo chaiyo panezvokuita kuti vataririre Ailama: wana muti wemuwili-wili, wobvisa makwati, uye wotswa gavi kuti ri+bude muto. Elisala akaita izvi uye akaunza muto kuna Ailama, uyo akaunwa uye nechinguva chidiki akapora. Saka Tom akanga aona kuti kuita zvinhu murutendo kunobatsira sei pakukunda urwere.

Panguva yedenda refuruwenza ra1918, Tom akashandisa rutendo apo paishanda nesimba rose kutaririra vanhu vemumusha. Mangwanani oga oga ndaienda paimba neimba kunopa zvokudya nokushambidza vanhu uye nokuona kuti ndiani akanga afa, akadaro.

Aitakura migomo yemvura kubva kutsime uye ounza mvura kuimba yoga yoga. Aikwira mumiti yamakokonati, otanha makokonati, obvisa makwati awo, uye oavhura kuti atore muto agonoupa kune vairwara. Akaurayawo huku dzose dzaiva mumusha kuti abike mutosvupu okupa mhuri yoga yoga.

Kuita Mutsauko

Panguva yedenda iri, vangangosvika chikamu chimwechete pazvina vavanhu vose vomuSamoa vakafa nefuruwenza. Vamwe vevanhu vomumusha waTom vakafawo. Tom akabatsira kuchera makuva nokuviga vanopfuura makumi maviri vavo, kusanganisira baba vake pachake, Elisala.

Asi nokuda kwekushanda nesimba kwaTom uye nokutaririra norudo kwake, vanhu vakawanda mumusha make vakararama. Akaita mutsauko mukuru kuvanhu ivavo uye mukuvakwa kweumambo hwaIshe muSamoa. Aiva “achimisa hwaro hwebasa guru.”

Uye nemunzira yako pachako, iwewo uri kudaro.

Pamwe haungadaidzwi kuita marudzi ezvinhu zvakaitwa naTom, asi uri, pachokwadi, kushandisa rutendo munzira dzakasiyana siyana idzo dzinozoita mutsauko mukuru kwauri, kuna vamwe, uye kubasa rokuvaka umambo hwaMwari.

Uri kumisa muenzaniso kumhuri yako, shamwari, uye navamwe kuburikidza nokuratidza hunhu, mwoyo murefu, tsitsi, uye rudo. Uri kushandira vamwe. Uri kutora chinhano mukunzvera mangwaro matsvene nokunamata. Uri kugovera zvokwadi zvevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu.

Mugore rapfuura iri, vakawanda venyu vanga vachitoita zvinhu izvi apo vaishingirira zvinetso zvedenda. Pamwe hamuna kundochera mvura nokutanha makokonati uye nokupepa vanhu mazana mana kusvika vapora, asi makaunzira vanhu nyaradzo, tariro, mufaro, uye runyararo nedzimwe nzira zhinji.

Zera rako rinokosha zvishoma pane rutendo rwako uye chido chako chokuita basa uye kushandira vamwe. Mienzaniso yezvakaitwa kare, sezvakaita waTom Fanene, inokwanisa kukubatsira kuona kuti unodikanwa mukuisa hwaro hwebasa guru raMwari.

Dhinda