2021
Jesu Kristu Akatiponesa kubva muChivi uye Rufu
Kubvumbi 2021


“Jesu Kristu Akatiponesa kubva muChivi uye Rufu,” Liahona, Kubvumbi 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Kubvumbi 2021

Jesu Kristu Akatiponesa kubva muChivi uye Rufu

Nokuda kwokuzvipira Kwake, tose tine mukana wokuwana runyararo nomufaro zvokusingaperi.

Mufananidzo
Chirairo Chekupedzisira

Christ Creating the Earth (Jesu Achisika Nyika), naRobert T. Barrett

Tinotaura Jesu Kristu seMuponesi wedu. Tinodaro nokuda kwokuti Akaripira mutengo wezvivi zvedu uye akakunda simba rorufu. Akatiponesa! Kuzvipira kwake kuitira isu, uko kunodaidzwa kunzi Rudzikinuro, ndicho chiitiko chakanyanyisa kukosha chakamboti chakaitika. Nokuda Kwake, rufu harusirwo mugumo. Nokuda Kwake, tinokwanisa kuregererwa pazvivi zvedu, tova vakachena zvakare, uye tova nani zuva nezuva.

Jesu Kristu Ndiye Aiva Dangwe

Tisati tauya panyika , taigara navabereki vedu vokudenga. SeDangwe, Jesu Kristu akabatsira kusika nyika yakanaka ino. Akasuradzwa kuva Muponesi wedu uye akabvuma kuzvarwa panyika kuitira kuti Akwanise kumisa muenzaniso wakarurama, kudzidzisa vhangeri Rake, uye nokuzadzikisa Rudzikinuro kuitira isu.

Mufananidzo
Jesu Kristu Achinamata muGetsemani

O My Father, (O Baba Vangu), naSimon Dewey

Jesu Kristu Akaripira Zvivi Zvedu

Apo Jesu paakaziva kuti Aiva ava pedyo nokufa, Akaenda kumunda wainzi Getsemani kuno namata. Panguva yomunamato iwowo, Akatanga kuripa mutengo wezvivi zvedu. Nekuzvidira akatambura kuitira kuti isu tisazotambura—kana tikatendeuka. Apo patinofuratira kubva kuzvivi zvedu uye totevera Muponesi, tinokwanisa kuwana ruregerero uye kuporeswa. Nokuda kwezvakaitika kwaAri muGetsemani, Jesu anonzwisisa chaizvo zvazviri kuva mumwe nomumwe wedu. Akanzwa rusuwo rwedu rwose, urwere hwedu hwose, uye namarwadzo edu ose. Ichi ndicho chikamu chokutanga choRudzikinuro.

Mufananidzo
kuvigwa kwaKristu

The Burial of Christ (Kuvigwa kwaKristu), naCarl Heinrich Bloch

Jesu Kristu Akakunda Rufu

Mushure memunamato wake muGetsemani, Jesu akatengeswa, akasungwa, uye akatongerwa kufa nokurovererwa pamuchinjikwa. Kunyangwe zvazvo Aiva aine masimba makurusa, Jesu Akazvibvumira kufa pamuchinjikwa. Vateveri vake norudo vakaisa muviri Wake mubwiro. Havana kuziva kuti kunyangwe muviri Wake waiva wafa, Mweya wake waiva uchiri mupenyu munyika yemweya. Mushure memazuva matatu, Jesu akamuka kuva mupenyu zvakare uye akavashanyira, achiratidza kuti Aikwanisa kukunda rufu. Izvi zvakapedzisa Rudzikinuro. Nokuda kwokuti Jesu akamuka kuvakafa, mumwe nomumwe wedu anozorarama zvakare mushure mokunge tafa.

Mufananidzo
Kristu naMaria pabwiro

He Lives, (Anorarama), naSimon Dewey

Zvinorehwa neKirisimasi uye neIsita

Vakawanda munyika vanopemberera mazuva ezororo maviri ayo anotibatsira kurangarira Rudzikinuro rwaJesu Kristu. Panguva yeKirisimasi, tinorangarira norutendo kuti Jesu aida kugamuchira basa rokuuya panyika, kunyangwe zvazvo zvaisanganisira kutitamburira uye nokutifira. Isita inopemberera kukunda kweMuponesi pamusoro pezvivi uye rufu, izvo zvinotipa tariro yeramangwana rokusingaperi rine mufaro.

Mufananidzo
Kristu achidaidza Petro naAndrea

Christ Calling Peter and Andrew (Kristu Achidaidza Petro naAndrea), naJames Taylor Harwood

Magwaro Matsvene Anotii pamusoro poRudzikinuro rweMuponesi?

Nokuda kwokuti Jesu anotiziva zvakakwana, Anokwanisa “kutiyamura,” kana kutibatsira (ona Aruma 7:11–12).

Muponesi anonzwisisa rusuwo namarwadzo edu (ona Muporofita Isaya 53:2–5).

Mwari vakatuma Jesu kuzotiponesa nokuda kwokuti Mwari vanoda mumwe nomumwe wedu (ona Johane 3:16–17).

Jesu akanamatira vateveri Vake, kusanganisira isu, kuti tichengetedzwe kubva kuzvakaipa uye kuti tive vamwechete Naye uye naBaba Vokudenga (ona Johane 17).

Muponesi wedu anotikoka kuti tiMutevere uye tidzokere pamberi Pake (ona Dzidziso neZvibvumirano 19:16–19, 23–24; 132:23).

Dhinda