2021
Nzvera Magwaro Matsvene Uchinyora Manotsi
Chikunguru 2021


“Nzvera Magwaro Matsvene Uchinyora Manotsi,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2021, 18–19.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2021

Nzvera Magwaro Matsvene Uchinyora Manotsi

Kunyora pfungwa dzako apo paunonzvera magwaro matsvene kunokwanisa kukubatsira chaizvo kudzidza.

“Nguva dzose pandinotanga kuverenga magwaro matsvene, ndinobatwa nehope!” mumwe mushumiri akaudza mutungamiri wake weushumiri kudaro. “Zvinoita sekunge magwaro matsvene mapiritsi ekurarisa!”

Mutungamiri wake akapindura kuti, “Unombonyora manotsi here apo paunoverenga?”

“Kwete,” akadaro mushumiri.

“Zviri nyore kubatwa nehope kana kurega pfungwa dzako dzichivarairwa paunenge uchingoverenga chete,” mutungamiri wacho akadaro, “asi izvozvo hazviitike apo paunowedzera nekunyora!”

Zano rakapiwa nemutungamiri weushumiri uyu kumushumiri wake ainetseka rakaita mutsauko mukuru. Saka kana uri kutsvaga nzira itsva yekusimbisa kunzvera kwako kwemagwaro matsvene, zviedze. Apo paunonyora pamusoro peizvo zvaurikuverenga, unogona kuzviwana wakanangisa pfungwa dzako mazviri uye uchidzidzawo zvirinani.

Hedzino dzimwe nzira dzatakawana dzichinyatsobatsira.

Bhuratha Steven Lund:

Mufananidzo
Steven Lund

Ndinochengeta bepa pedyo apo pandinoverenga. Apo Mweya paunondifemera munguva yekunzvera kwangu, ndinonyora femero idzodzo pasi.

Ndakawana pfungwa iyi kubva kuna Gosa Richard G. Scott (1928–2015) veChita cheVaapositori Gumi neVaviri, avo vakati: “Nyora pasi munzvimbo yakachengeteka zvinhu zvakakosha zvaunodzidza kubva kuMweya. Unozoona kuti apo paunonyora pasi manzwiro akakosha, kazhinji mamwe akawanda anozouya. Uyewo, ruzivo rwaunowana rwunozovapo nemuupenyu hwako hwese” (“To Acquire Knowledge and the Strength to Use It Wisely,” Ensign, Chikumi 2002, 32).

Ndinoziva kuti mazwi iwayo ndeechokwadi. Apo pandinogadzirira nhaurwa nezvidzidzo, ndinoenda kwete chete kumagwaro matsvene asiwo kune izvo zvandakanyora pasi apo pandaiaverenga.

Bhuratha Ahmad Corbitt:

Mufananidzo
Ahmad Corbitt

Ndinoda kunzvera ndichitevedza misoro yenyaya. Ndinoverenga magwaro matsvene kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira, asi ndinodawo kunzvera maererano nemisoro yenyaya. Semuenzaniso, ndinoshandisa Nhungamiro kuMagwaro Matsvene kutsvaga zvinyorwa zvitsvene pamusoro perutendo kana kuunganidzwa kweIsraeri. Zvino handingonyori chete manotsi, asi ndinonyora pasi zvandirikudzidza kuita chokwadi chekuti ndinyatsozvinzwisisa. Ndinogara ndichishamiswa nemanzwisisiro andinoita zvinhu zvirinani apo pandinoita izvi. Ndinosarudzawo zvimwe zvinyorwa zvitsvene zvekuziva nemusoro.

Bhuratha Bradley Wilcox:

Mufananidzo
Bradley Wilcox

Ndinochengeta jenari rekunzvera umo mandinonyora zvinyorwa zvitsvene nemashoko angu pachangu. Semuenzaniso, “Nokuti munhu wenyama imhandu yaMwari” (Mosaya 3:19) inova “Nekuti munhu anodada uye asingatendeuke anosarudza kuva muvengi kuna Mwari, asi Mwari havasi muvengi wake. Mwari ndivo shamwari yake yepamwoyo.”

Ndinonyorawo mibvunzo. Inokwanisa kuve mibvunzo yandiri kufunga nezvayo ndisati ndaverenga, kana kuti inokwanisa kuve mibvunzo inokurudzirwa nezvandinenge ndaverenga. Chero chingava chipi pazviviri izvi, chinoita kuti ndirambe ndakanangisa pfungwa pakunzvera.

Simba reKunyora Pfungwa Dzako

Mumwe nemumwe wedu muhutungamiri hwedu anonzvera magwaro matsvene nenzira yakasiyana, asi tese tinonyora pasi zvinhu apo patinoverenga!

Kuverenga kunotibatsira kuita kuti zvinotaurwa mumagwaro matsvene zvive chikamu chemaitiro edu. Izvozvo zvakakosha. Uye apo patinotaura kana kunyora, tinowana uye tinoburitsa pfungwa nemanzwiro kubva mukati memwoyo zvichiratidzwa kunze mumaitiro edu. Tinonzwa kuti izvozvo zvinotibatsira kuti chokwadi chevhangeri chinyatsoshanda patiri zviri nani.

Mumwe mukomana wechidiki akazviwanira chokwadi ichi paakakumbirwa kuti ape nhaurwa mumusangano wesakaramende. Akanga anzwa vamwe vanhu vazhinji vachipa nhaurwa asi aisakwanisa kurangarira zvakawanda zvaiva munhaurwa idzi. Nguva yakanga yakasiyana. Apo paakanyora pasi chikamu chenhaurwa yake, hazvina chete kungomubatsira kupa nhaurwa yakarongeka, asi akairangarira kwenguva yakareba.

Chinhu chimwechetecho chinokwanisa kuitika mukunzvera kwako magwaro matsvene. Kana uchibatwa nehope apo paunovhura magwaro matsvene ako, yava nguva yekumuka. Edza kuburitsa penzura, chinyoreso chepeni, nhare mbozha, kana kombiyuta uye wotanga kunyora. Uchashamiswa nemutsauko wazvinokwanisa kuita!

Dhinda