2021
Baba Vedu Vokudenga Vanoda Kuti Tifare
Chikunguru 2021


“Baba Vedu Vokudenga Vanoda Kuti Tifare,” Liahona (Riahona), Chikunguru 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) Chikunguru 2021

Baba Vedu Vokudenga Vanoda Kuti Tifare

Apo patinorangarira chirongwa chaMwari cherufaro, tinokwanisa kuwana mufaro kunyangwe apo upenyu pahunenge hwakaoma.

Mufananidzo
Kristu aine vana

Tisati tazvarwa panyika, tese takagara naBaba Vokudenga sevana Vavo vemweya. Vakapa chirongwa chekubatsira vana Vavo kudzidza nekukura. Kuburikidza nechirongwa Chavo, tinokwanisa kunyanya kuve saivo uye tigokodzera kufadzwa neupenyu husingaperi. Chirongwa ichi chinokwanisika nekuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akauya panyika kuzotamburira zvivi zvedu, kuzvipira kunonzi Rudzikinuro.

Chirongwa chaBaba Vokudenga chinonzi chirongwa

Sezvinoratidzwa nezvinyorwa zvitsvene izvi nezvimwe, Baba Vokudenga vanoda kuti tive saIvo, tidzokere kwaVari, uye tigofara zvechokwadi (ona Mosesi 1:39).

Tinouya Panyika Kuti Tidzidze uye Tikure

Mwari vakatitumira panyika, apo pataikwanisa kuve nemuviri wenyama (ona Genesi 1:26–27). Taida miviri yekutibatsira kurarama upenyu panyika.

Mwari vaiziva kuti hataizonzwa kufara nguva dzese. Tinosangana nezvigumbu, marwadzo, uye kunyangwe rufu. Asi kuburikidza nezvinetso zveupenyu, Baba Vokudenga vanotibatsira kudzidza nekukura.

Mwari vakatipawo kuzvisarudzira, kana kuti kwaniso yekusarudza pakati pechakanaka nechakaipa. Vanotirega tichizvisarudzira zvatinofunga uye zvatinoita. Vakatipa magwaro matsvene uye vaporofita vanorarama kuti vatibatsire kudzidza kusarudza izvo zvakanaka (ona Abrahama 3:25).

Mufananidzo
muti weupenyu

Edza Kuva saJesu Kristu

Mwari havana kutitumira panyika tisina muenzaniso wekutevera (ona Johane 13:15). Vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, kuti azotiratidza nzira. Kuti tidzidze maMuteverero okuita, tinokwanisa kuverenga magwaro matsvene kuti tidzidze kuti Iye ndiyani uye izvo zvaAkaita panguva yeupenyu Hwake panyika. Tinokwanisawo kuita zvese zvatinogona kuti tive saKristu kuburikidza nekuteerera Mwari uye nekuda vamwe.

Apo patinoita zvikanganiso, tinokumbira ruregerero uye toshandisa simba reRudzikinuro rwaJesu Kristu kuti ritibatsire kuchinja. Tinokwanisa kufara apo patinoedza zuva rega rega kuti tinyanye kuva saIye.

Rufu Harusi Magumo

Apo patinofa, mweya yedu inoenda kunyika yemweya. Ikoko tinoenderera mberi kudzidza apo patinenge tichigadzirira Kumuka Kuvakafa.

Munguva yeKumuka Kuvakafa, miviri yedu nemweya yedu inozoabatanazve. Miviri yedu inozova yakakwana, uye hatizombotambura zvakare nerufu kana chirwere (ona Aruma 11:44–45). Sezvakaita Jesu Kristu kufa uye akamuka zvakare, tese tichararama zvakare.

Apo Mwari pavachatitonga, Vachafunga pamusoro pezviito zvedu nezvido zvedu. Kana takaedza kuchengeta mirairo nezvivimbiso zvatakaita kuna Baba Vokudenga, zvino tinozokwanisa kugara naVo zvakare.

Upenyu naMwari uye neMhuri Dzedu Kudenga

Muumambo hweseresitiyaro, tinozogara naMwari uye naJesu Kristu. Tinozokwanisawo kugara imomo nemhuri dzedu nariinhi nariinhi kana takasunganidzwa kwavari. Tinozowana runyararo, rufaro, nezororo (ona Mosaya 2:41).

Upenyu hwedu hwepanyika hunogona kunge hwakaoma pane dzimwe nguva, asi kana tikatevera Jesu Kristu, tinokwanisa kuwana mufaro muupenyu huno uye rufaro rwekusingaperi muupenyu huchauya.

Magwaro Matsvene Anotikudii Pamusoro peChirongwa cheRufaro?

Mararamiro atinoita upenyu hwedu akakosha. Mwari vanozotitonga nekutipa mubairo maererano nepfungwa nezviito zvedu (ona Aruma 41:3).

Satani ndiye muvengi kurufaro rwedu. Anotiyedza kuti tishandise zvisiriizvo upenyu hwedu hwepanyika uye kuti tiite zvivi. Anoda kuti tive vakasuwa saiye (ona 2 Nifai 2:27).

Apo patinova nerutendo muchirongwa chaMwari kwatiri, tinokwanisa kuva nerunyararo zvisinei nemiedzo yakadii zvayo yatingasangana nayo. Tinokwanisa kutarisira kurarama nariinhi nariinhi naMwari (ona Dzidziso neZvibvumirano 59:23).

Mifananidzo yese naJ. Kirk Richards

Dhinda