2021
Hupirisita Isimba raMwari.
Nyamavhuvhu 2021


“Hupirisita Isimba raMwari,” Liahona, Nyamavhuvhu 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Nyamavhuvhu 2021

Hupirisita Isimba raMwari.

Mwari vanotiropafadza kuburikidza nesimba rehupirisita. Maropafadzo ehupirisita anowanikwa nemunhu wese.

Hupirisita isimba raMwari. Vanoshandisa simba iri kuropafadza vana Vavo vese uye nekuvabatsira kudzokera kunogara naVo. Mwari vakapa simba rehupirisita kuvana Vavo panyika. Nesimba iri, vatungamiri vehupirisita vanokwanisa kutungamira Chechi, uye avo vane hupirisita vanokwanisa kuita zvisungo zvinoera, serubhabhatidzo, izvo zvinotibatsira kuti tiswedere pedyo naMwari. Murume nemudzimai wese uyo anogashira zvakakodzera zvisungo zvehupirisita uye anochengeta zvibvumirano (zvivimbiso zvinoera) anowana simba raMwari.

Mufananidzo
sakaramende

Simba reHupirisita Rakapuwa kuna Joseph Smith

Apo Jesu Kristu paaive panyika, Akatungamira Chechi Yake nesimba rehupirisita. Akapawo simba iri kuvaApositora Vake. Mumazana emakore mushure mekufa kwavo, nhengo zhinji dzakatsauka kubva muChechi. Vakachinja zvisiri kwazvo vhangeri uye nemashandiro aiitwa neChechi. Hupirisita hwaMwari hwakange husisiri panyika. Muna 1829, Jesu akatuma Johane Mubhabhatidzi uye vaApositora Petro, Jakobo naJohane kuti vape Joseph Smith hupirisita. Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndiyo chete sangano panyika rine mvumo kubva kuna Mwari.

Mufananidzo
kudzorerwa kweHupirisita hwaMerkizedeki

Inzwi raPetro, Jakobo naJohane, naLinda Curley Christensen uye Michael T. Malm

Makiyi eHupirisita

Makiyi ehupirisita imvumo yekutungamira mashandisirwo ehupirisita, sezvakaita kupa mvumo yekuita zvisungo. Jesu Kristu ane makiyi ose ehupirisita. Mutungamiri weChechi ndiye chete munhu panyika anokwanisa kushandisa makiyi ehupirisita kutungamira Chechi yose. Vari pasi pehutungamiri hwake, vamwe vanokwanisa kushandisa mamwe makiyi kuita basa raMwari. Vatungamiri vakaita semabhishopi nevatungamiri vemasiteki vanoshandisa makiyi ehupirisita kutungamira mumawadhi avo nemasiteki avo. Nekuda kwokuti daidzo idzi dzekushandira dzinouya kubva kuvatungamiri vane makiyi ehupirisita, varume nemadzimai avo vanoshandira mudaidzo vanoshandisa mvumo yehupirisita pavanenge vachiita mabasa avo.

Hupirisita hwaMerkizedeki neHupirisita hwaAroni

Hupirisita hune zvikamu zviviri: Hupirisita hwaMerkizedeki neHupisirita hwaAaroni. Kuburikidza neHupirisita hwaMerkizedeki, vatungamiri veChechi vanotungamira basa rezvemweya rese reChechi, sezvakaita basa rehushumiri uye neremutemberi. Hupirisita hwaAroni hunoshanda huri pasi pemvumo yeHupirisita hwaMerkizedeki. Hunoshandiswa kuita zvisungo zvakaita serubhabhatidzo uye nesakaramende.

Mufananidzo
rubhabhatidzo

Maropafadzo eHupirisita

Kuburikidza nezvibvumirano nezvisungo, Mwari vanoita kuti maropafadzo ehupirisita awanikwe navana Vavo vese. Maropafadzo aya anosanganisira rubhabhatidzo, chipo cheMweya Mutsvene, sakaramende, nezvisungo zvemutemberi. Varume namadzimai vakaita endawumenti mutemberi vanogashira chipo chesimba rehupirisita raMwari kuburikidza nezvibvumirano zvavo. Tinokwanisawo kugamuchira maropafadzo ehupirisita ekuporeswa, kunyaradzwa, uye nhungamiro.

Mufananidzo
vachangobva kuchata patemberi

Magwaro Matsvene Anotikudii pamusoro peHupirisita?

Hupirisita hwaivepo mumazuva echinyakare ndihwo humwechetehwo huripo nhasi (ona Mosesi 6:7).

Makiyi ehupirisita anobatsira kuita chokwadi chekuti tinozadzikisa basa raIshe nenzira yakarongeka (ona Dzidziso neZvibvumirano 42:11).

Varume vane hupirisita vanokwanisa kuhushandisa “chete pamisimboti yeururami” (Dzidziso neZvibvumirano 121:36).

Mamwe emabasa eavo vane hupirisita anotsanangurwa muDzidziso neZvibvumirano 20: 38–67.

Dhinda