2021
Kuvaka Iwe Akanakisisa
Gunyana 2021


“Kuvaka Iwe Akanakisisa,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2021, 6–7.

Shoko reMwedzi Woga Woga For the Strength of Youth (Rusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2021

Kuvaka Iwe Akanakisisa

Nzira shanu dzokuvaka upenyu hune rudekaro uye nemufaro.

Dzidziso neZvibvumirano 95:13–14

Mufananidzo
X-Ray yemusikana wechidiki, mufananidzo wakadhindwa wemutemberi

Mifananidzo naJuliet Percival

Apo Ishe pavakaraira Joseph Smith kuti avake Temberi yeKirtland, Havana kumusiya ari oga kuti atsvage uye azive mavakiro okuiita. Vakazarura chirongwa icho chaizotungamira kubudiriro.

“Imba ngaivakwe, kwete nenzira yenyika,” Ishe vakataura. “Ngaivakwe maererano nenzira yandicharatidza” (Dzidziso neZvibvumirano 95:13–14). Ishe zvino vakapa mirairidzo pamusoro pamavakiro okuita temberi yacho (ona Dzidziso neZvibvumirano 95:15–17).

Zvinofadza kuti, Ishe vakatiratidza zvimwe zvizhinji kupfuura mavakiro okuita matemberi chete. Vakatipawo mirairidzo kutibatsira kuti tive vanhu vakanakisisa vatinokwanisa kuva. Apo patinoitevedza, tinozovaka upenyu hwedu “kwete maererano nemutoo wenyika” asi maererano nemutoo uyo Mwari wavakaronga.

Hedzino nzira shanu dzokuvaka nadzo upenyu hune rudekaro uye nemufaro hwakamisirwa pana Jesu Kristu.

Vaka Hwaro Hwakasimba

Mudhirowi wemamisirwo ezvivako kana muvaki upi zvake anozokuudza kuti hwaro hwakasimba hwakakosha zvikuru kuchivako chipi zvacho. Hiramani akadzidzisa kuti hwaro hwakanakisa hweupenyu hwedu “idombo reMununuri wedu, uyo anova Kristu, Mwanakomana waMwari” (Hiramani 5:12). Tinokwanisa kuita Kristu hwaro hwedu kuburikidza nokuuya kwaAri uye nokutevera dzidziso Dzake. Unonzwa kuti urikubudirira zvakadii pakuita Kristu hwaro hweupenyu hwako?

Shandira Vamwe

Mufananidzo
tsoka

Imwe nzira yakanakisa yokuvaka upenyu hwedu, maererano naMutungamiri Dieter F. Uchtdorf, avo ipapo vaiva Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwokutanga, inouya apo “patinenge takamira tichishandira Ishe uye nokushandira avo vakatikomberedza.”1 Apo paunoshandira vamwe, uri kuita izvo Jesu zvaakaita uye uri kudzidza kuva saIye zvakanyanya. Uye hauzoropafadzi chete upenyu hwavanhu vaunoshandira, asi iwe unozoropafadzwawo.

Ita Chirongwa cheNguva Dzose cheMunamato uye noKunzvera Magwaro Matsvene

Mufananidzo
maoko emunhu arikunamata.

Imwe nzira yokuvaka nayo upenyu hune mufaro ndeyekuvaka ukama naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu. Nzira yakanakisa yokuita izvozvo ndeyekuburikidza nemunamato uye nokunzvera magwaro matsvene.

Mutungamiri Uchtdorf vakati: “Kuti tisimbise ukama hwedu naMwari, tinoda nguva yakakosha tiri toga naVo. Kunangisa pfungwa muchinyararire pakunamata nekunzvera magwaro matsvene kwedu pachedu kwamazuva ose … kunozova kushandisa nguva yedu nesimba redu zvineungwaru kuitira kuswedera pedyo naBaba vedu Vokudenga .”2

Munamato mukana wokutaurirana naBaba vedu vari Kudenga. Vanotiziva, vanotida, uye vanoda kunzwa kubva kwatiri! Apo patinonamata nemwoyo wose, topa ruvongo rwedu, uye tokumbira izvo zvinhu zvatinoda, Vanoteerera uye nguva dzose vanopindura nenzira uye nenguva Yavo pachavo.

Maererano nokunzvera magwaro matsvene, hakuna nzira imwechete yakanaka yokuzviita. Chinhu chakakosha ndechekuti uri kuzviita. Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti, “Kuzvinyudza mushoko raMwari zuva roga roga kwakakosha zvikuru mukurarama kwemweya.”3 Kupedza nguva zuva roga roga mumangwaro matsvene kunozokubatsira, zvisina rupokano, kuvaka upenyu hwerutendo uye hwesimba.

Zvikomberedze naAvo Vanokukurudzira Kuita Zvakanaka

Mufananidzo
mukomana akatambanudza maoko

Baba Vokudenga vanoda kuti tibatane uye tivake ukama navamwe—kunyanya mhuri neshamwari. Kazhinji tinoumbwa naavo vatinopedza nguva navo. Kana vari nhengo dzeChechi kana kuti kwete, unofanira kuzvikomberedza navanhu vanokubatsira kurarama vhangeri, kuchengeta tsika dzaIshe, uye kuva munhu arinani. Unokwanisawo kubatsira avo vakakukomberedza kuti vaite zvimwechetezvo. Ndeipi yeshamwari dzako iri kukubatsira kuvaka hwaro hwako paururami?

Wana Mufaro muKuvaka Hwaro Hwako

Kune dzimwe nzira zhinji dzaunokwanisa kuvaka nadzo upenyu hwako kuti huve hwakasimba panezvemweya uye kuti huve nomufaro, kusanganisira kuenda kuchechi uye nokudya sakaramende, kuita nokuchengeta zvibvumirano, uye kutevera rairo dzavaporofita vanorarama.

Zvakakosha kuyeuka kuti zvinhu zvose izvi zvinotora mushando nenguva. Nguva dzose kune kuvaka nokudzidza kunofanira kuitwa, asi iwe haufaniri kuzviita uri wega. Ishe vanozokubatsira zuva roga roga apo paunenge uchiedza nesimba rako rose kuvaka upenyu uhwo iwe naVo hwamunokwanisa kudada nahwo uye uhwo hwunozokuunzira mufaro.

Manotsi

  1. Dieter F. Uchtdorf, “Waiting on the Road to Damascus,” musangano mukuru waKubvumbi 2011 (Ensign kana Liahona, Chivabvu 2011, 76).

  2. Dieter F. Uchtdorf, “Of things That Matter Most,” musungano mukuru waGumiguru 2010 (Ensign kana Liahona, Mbudzi 2010, 21).

  3. Mutungamiri Russell M. Nelson, “Munzwei,” musangano mukuru waKubvumbi 2020 (Ensign kana Liahona, Chivabvu. 2020, 89).

Dhinda