2021
Musangano Mukuru: Ungano yaPasi Rose yeChechi
Gunyana 2021


“Musangano Mukuru: Ungano yaPasi Rose yeChechi,” Liahona, Gunyana 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Gunyana 2021

Musangano Mukuru: Ungano yaPasi Rose yeChechi

Tinoteerera kuvaporofita uye vamwe vatungamiri veChechi panguva yemusangano mukuru. Vanotidzidzisa izvo Mwari zvavanoda kuti tinzwe.

Kunze kweChivako cheMusangano Mukuru

Kubvumbi uye Gumiguru woga woga, Chechi inoita ungano dzinotevedzana dzinodaidzwa kuti musangano mukuru. Vatungamiri vanodzidzisa uye nokupupura pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake. Musangano mukuru unoitwa muSalt Lake City, Utah, USA, uye unotepfenyurwa nemunyika dzose mumitauro inopfuura makumi masere. Nhengo dzose uye navamwe vanhu vanoda vanokokwa kuteerera kunhaurwa.

Mukati meChivako cheMusangano Mukuru

Misangano Mikuru yoKutanga yeChechi

Chechi yakarongwa zvapamutemo paungano yomusi waKubvumbi 6, 1830 (ona Dzidziso neZvibvumirano 20). Musangano mukuru wokutanga wakaitwa musi waChikumi 9, 1830. Kubvira ipapo, misangano mikuru inoitwa pasi pehutungamiri hweMutungamiri weChechi kupi zvako nhengo kwadzinokwanisa kuungana. Munana 1840, vatungamiri vakatanga kuita musangano mukuru kaviri pagore.

Mutungamiri Nelson paparupiti

Marongerwo Anoitwa Misangano Mikuru Nhasi

Hutungamiri hweKutanga, Chikwata chaVaapositora Vane Gumi naVaviri, uye vamwe vatungamiri veChechi vanotaura panguva yemusangano mukuru. Kwaya yeTabernakeri paTemple Square uye nedzimwe kwaya dzeChechi dzinopa mumhanzi. Musangano mukuru woga woga une zvikamu zvishanu: zvitatu pamusi weMugovera uye zviviri pamusi weSvondo. Muna Kubvumbi, chikamu chechitatu pamusi weMugovera ndeche nhengo dzezvikwata zveHupirisita hwaAroni uye hwaMerkizedeki. Muna Gumiguru, ndeche nhengo dzeChita cheRubatsiro uye cheVasikana veChidiki.

Dzidziso dzeVatungamiri

Mumwedzi musangano mukuru usati waitika, vatungamiri veChechi vanonamata pamusoro peizvo zvokutaura. Ishe vanovafemera kuti vazive izvo zvavanofanira kutaura. Vanodzidzisa zvokwadi zvevhangeri uye vanotikoka kuchengeta mirairo yaMwari. Vanopupurawo nezva Jesu Kristu uye vanotikurudzira kuMutevera.

Kudzidza kubva kuMusangano Mukuru

Musangano mukuru usati waitika, tinokwanisa kunamata kuti tinzwe izvo Ishe zvavanoda kuti tidzidze. Apo patinenge tichiteerera kunhaurwa, Mweya unozotidzidzisa izvo zvatinofanira kuziva. Mushure memusangano mukuru, nhaurwa dzinowanikwa paChurchofJesusChrist.org, muapp yeRaibhurari yeVhangeri, uye muLiahona. Tinokwanisa kunzvera nemunamato nhaurwa dzacho kuitira kuti tidzidze zvimwe zvakawanda pamusoro paJesu Kristu nevhangeri Rake.

Kubva muMagwaro Matsvene

Jesu Kristu akadzidzisa kuti tinofanira kusangana pamwechete kazhinji (ona 3 Nifai 18:22).

Apo nhengo dzeChechi padzinoshumira pamwechete, Ishe vanozova navo (ona Mateo 18:20).

Ishe vakaraira nhengo dzeChechi kuti “muchadzidzisana uye nekusimudzirana” (Dzidziso neZvibvumirano 43:8).

Apo nhengo dzeChechi padzinotaridza rutendo munaKristu, Mweya Wake unozova navo apo pavanosangana (ona Dzidziso neZvibvumirano 44:2).