2021
Basa remuTembere
Gumiguru 2021


“Basa reMutemberi,” Liahona, October 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Gumiguru 2021

Basa remuTembere

Matemberi imba yaIshe. Tinokwanisa kugamuchira zvisungo uye kuita zvibvumirano naVo mutemberi. Tinokwanisawo kuita zvisungo mutemberi zvemadzitateguru edu.

Mufananidzo
temberi

Mufananidzo weTemberi yeBarranquilla Colombia naBruno Lima

Nemunhoroondo yese, Ishe vakaraira vanhu Vavo kuti vavake matemberi. Matemberi inzvimbo tsvene dzatinokwanisa kunzwa rudo rwaMwari, dzatinogashira zvisungo, uye nekuita zvivimbiso Navo. Chechi iri kuvaka matemberi pasi rese kuitira kuti vanhu vazhinjisa vagokwanisae kuwana maropafadzo aya.

Mufananidzo
mukadzi ari pamberi petemberi

Mufananidzo wemukadzi ari pamberi peTemberi yeOquirrh Mountain Utah naNexeo naMatthew Reier

Endaumenti

Nhengo dzechechi idzo dziri kurarama zvakarurama dzinoenda kutemberi kunogamuchira zvisungo uye nekuita zvibvumirano, kana zvivimbiso, naMwari. Chimwe chisungo chatinogamuchira mutemberi iendaumenti. Shoko rekuti endaumenti rinoreva “chipo.” Endaumenti yemutemberi chipo chinobva kuna Mwari. Muchisungo ichi tinodzidza pamusoro pechirongwa chaBaba Vokudenga cheruponeso rwedu, uye tinoita zvibvumirano zvekuchengeta mirairo yaMwari. Kana takatendeka kuzvibvumirano zvatinoita, Mwari vanozotiropafadza.

Mufananidzo
murume nemudzimai pamberi petemberi

Mufananidzo wemurume nemudzimai vari kufamba nepaTemberi yeManila Philippines naCristina Smith

Kusunganidza Mhuri Pamwechete

Muchato mutemberi unodaidzwawo kunzi sunganidzo. Kana vaviri vakasunganidzwa mutemberi uye vakachengeta zvibvumirano zvavo, vanozova vakachata nariinhi nariinhi. Kana vaine vana, vana ivavo vanozosunganidzwawo kwavari. Vabereki vakasunganidzwa mushure mekunge vaita vana vanokwanisa kuita kuti vana vavo vasunganidzwe kwavari. Kana vachirarama zvakarurama, vanozove mhuri nemukusingaperi kwose.

Mufananidzo
Nzvimbo yeKubhabhatidzira yeTemberi yeLisbon Portugal

Mufananidzo weNzvimbo yeKubhabhatidzirwa yeTemberi yeLisbon Portugal naLeslie Nilsson

Basa remuTemberi reVana Vese vaMwari

Tinoita basa renhoroondo yemhuri kuti tizive pamusoro pemadzitateguru edu. Tinobva zvino tavaitira basa remutemberi takavamiririra. Isu tinovaitira zvisungo zvese zvinodikanwa nevapenyu: rubhabhatidzo, rusimbiso, kugamuchira hupirisita (kwevarume), endaumenti, uye sunganidzo. Vanokwanisa zvino kusarudza kana vachida kutambira zvisungo izvi. Nenzira iyi, vana vaMwari vese vanokwanisa kuwana maropafadzo evhangeri.

Mufananidzo
mhuri iri pamberi petemberi

Mufananidzo wemhuri iri pamberi peTemberi yePhiladelphia Pennsylvania naCody Bell

Maropafadzo eBasa remuTemberi

Kana tikachengeta zvibvumirano zvatinoita mutemberi, tinozoropafadzwa, kudzivirirwa, uye nekusimbiswa. Tinozova nesimba rehupirisita riinesu. Mhuri dzedu dzichava pamwechete nariinhi nariinhi.

Temberi inzvimbowo yerunyararo nekuzarurirwa. Apo patinoita basa remutemberi, tinokwanisa kugamuchira nhungamiro yezvepamweya uye nokunzwa rudo rwaMwari.

Dhinda