2021
Jesu Kristu Akatumidza Chechi Yake
Gumiguru 2021


“Jesu Kristu Akatumidza Chechi Yake,” Friend, Gumiguru 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Gumiguru 2021

Jesu Kristu Akatumidza Chechi Yake

Jesu Kristu
Joseph Smith

Jesu Kristu akaudza Joseph Smith zita rekutumidza Chechi. Akati ichadaidzwa kuti “Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.”

Imba yekusanganira yeChechi

Mashoko anoti Jesu Kristu ndicho chikamu chakakosha zvikurusa chezita reChechi. Sezvo iri Chechi yaJesu Kristu, yakatumidzwa zita Rake.

vana vakabata makopi eBhuku raMormoni

Vatendi Vamazuva Ekupedzisira zvinoreva nhengo dzeChechi nhasi.

mukadzi nemwana vachiona musangano mukuru

Vaporofita nevaapositori vakadzidzisa kuti kushandisa zita kwaro reChechi kwakakosha. Zvinobatsira vamwe kuziva kuti tinotenda muna Jesu Kristu.

vana vakatarisa mufanidzo waJesu Kristu

Apo vamwe pavanondibvunza zvandinotenda, ndinokwanisa kuti, “Ndinotenda muna Jesu Kristu. Ndiri nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.”

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinotenda muna Jesu Kristu

vana vakabata mufananidzo waJesu Kristu

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Chii chinokubatsira kudzidza pamusoro paJesu?