Chikamu 120
Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West, Missouri, 8Â Chikunguru 1838, zvichizivisa mashandisirwo yemidziyo yakange yapihwa sechegumi sekutaura kwazvakaitwa muzvakazarurwa zvichangotaurwa nezvazvo muchikamu 119 (History of the Church, 3:44).
1 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe, nguva yasvika zvino, kuti zvichatengeswa nedare, rine Hutungamiri Hwekutanga hweChechi yangu, uye nerabhishopi nedare rake, uye nedare rangu repamusoro; uye nezwi rangu kwavari, vanodaro Ishe. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.