2021
Nhoroondo yeMhuri Inobatsira Madzitateguru Edu
Zvita 2021


“Nhoroondo yeMhuri Inobatsira Madzitateguru Edu,” Liahona, Zvita 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Zvita 2021

Nhoroondo yeMhuri Inobatsira Madzitateguru Edu

Nhoroondo yemhuri kuziva nekudzidza nezve nhengo dzemhuri yedu. Tinounganidzawo ruzivo pamusoro pemadzitateguru edu kuitira kuti tigovaitira basa remutemberi.

Mufananidzo
alt text

Mhuri dzakakosha zvikuru kuchirongwa cherufaro chaBaba Vokudenga. Vakagadzirira nzira yekuti mhuri dzienderere mberi nekusingaperi. Apo patinoita nhoroondo yemhuri yedu nebasa remutemberi, tinobatsira kuunza nhengo dzemhuri yedu, vose vapenyu nevakafa, pamwechete. (“Basa remutemberi” rinoreva kugashira zvisungo zvemutemberi zvedu pachedu, sezvakaita kusunganidzwa kumurume kana mudzimai wedu, pamwechete nokuitira madzitateguru edu zvisungo mutemberi.)

Nhoroondo yeMhuri uye Basa reMutemberi

Munhu wose akamborarama kana kuti anozorarama pasi pano anoda zvisungo zvevhangeri. Kana madzitateguru edu asina kuwana mukana iwoyo, tinokwanisa kuvaitira zvisungo mutemberi. Chimwe chezvisungo izvozvo ndechekusunganidzwa kunhengo dzemhuri. “Kusunganidzwa” kunoreva kuti tinozokwanisa kurarama nokusingaperi nemhuri dzedu kana takarurama. Tinokwanisa kusunganidzwa kumhuri dzedu mumatemberi chete.

Makomborero eBasa reNhoroondo yeMhuri

Mufananidzo
mhuri

Nhoroondo yemhuri inokwanisa kutibatsira kusimbisa hukama hwedu nenhengo dzemhuri yedu dzinorarama. Apo patinogoverana nyaya, mapikicha, uye dzimwe ndangariro nemumwe nemumwe wedu, tinomisa rubatano rwemhuri. Tinosimbisawo rudo rwatinarwo kune mumwe nemumwe wedu. Vaporofita vakavimbisawo kuti kushanda panhorondo yemhuri yedu kunozotiswededza pedyo naJesu Kristu.

Kuwana Madzitateguru Edu

Mufananidzo
rondedzero muChinese

Baba Vokudenga vanoda kuti tisunganidzwe kumhuri dzedu dzaiyezvino uye nekumadzitateguru edu. Tisati takwanisa kusunganidzwa kumadzitateguru edu, tinofanira kuwana uye tozochengeta ruzivo pamusoro pavo. Asi nhoroondo yemhuri inoreva zvinopfuura kungoronda mazita, madheti, nenzvimbo. Apo patinodzidza pamusoro pamadzitateguru edu, tinozonzwa kubatana nawo zvakanyanya.

Dhinda