2022
Ndezvangu uye Ndinozviziva
Ndira 2022


“Ndezvangu uye Ndinozviziva” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Ndira 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga, For the Strength of Youth (reRusimbiso rweVechidiki) Ndira 2022

“Ndezvangu uye Ndinozviziva”

Mosesi 1

Mufananidzo
mudzimai wechidiki muchaunga chavanhu

Mufananidzo wakabva kuGetty Images

Wakambonzwa kusakosha here? Ungangogona kunge wakanzwa saizvozvi apo pawakafunga pamusoro pekuti vanhu vangani vari munyika kana apo pawakatarisa kuti inyeredzi ngani dziri mudenga. Wakambozvibvunza here kana Mwari vachinyatsoziva kuti uri ani uye kuti upenyu hwako hwakaita sei? Kana zvakadaro, zvino Mosesi ane shoko kwauri.

Muchiratidzo, Mwari vakaratidza Mosesi kanzvimbo kose kapi zvako kepanyika navanhu vose vaizogaramo. Vakanga “vakawanda zvikuru, kunyangwe zvokusaverengeka sejecha riri pamahombekombe egungwa” (Mosesi 1:28). Mwari zvino vakaudza Mosesi kuti Vakanga vasika “nyika dzisingaverengeke” (Mosesi 1:33)—kuti zvisikwa zvaVo zvakawanda zvikurusa kupfuura zviri panyika pano.

Mosesi pamwe akanzwa kukurirwa apo paakaona zvinhu zvose izvi. Pamwe akashamisika kuti: Ndinokwana papi pakati pezvisikwa zvakawanda kudai? Uye Mwari vanokwanisa kuzviziva zvose sei izvo zvakawanda zvakadaro?

Mhinduro yaMwari yaiva nyore: “Zvinhu zvose zvinoverengeka kwandiri” Sei? “Ndezvangu uye ndinozviziva” (Mosesi 1:35). Mwari vaiziva kuti Mosesi aiva ani, kunyangwe sekuziva kwaVanoita vana Vavo vose, pamwepo nezvisikwa Zvavo zvose. Zvose ndeZvavo—nyeredzi, jecha, uye kunyanya vana Vavo panyika. Ndivo vari chikonzero chose chaVakasikira nyika. Ruponeso rwokusingaperi rwavo ibasa raMwari rakakosha zvikurusa.

“Nokuti Tarisai iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu” (Mosesi 1:39).

Sokudzidza kwakaita Mosesi apo paanokwana muchirongwa chaMwari, iwewo unokwanisa kuva nevimbiso yokuti Mwari anokuziva! Kukubatsira kuti udzokere kwaVari ndiro basa Ravo nekubwinya kwaVo. Sei? Nokuti uri Wavo. Uye hapana chinhu chisingakoshi pamusoro paizvozvo!

Dhinda