2022
Kuputsika Kwaiva Chikamu cheChirongwa chaMwari.
Ndira 2022


“Kuputsika Kwaiva Chikamu cheChirongwa chaMwari,” Liahona, Ndira 2022

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Ndira 2022

Kuputsika Kwaiva Chikamu cheChirongwa chaMwari.

Nokuda kweKuputsika, tinokwanisa kuuya panyika uye nerimwe zuva tinokwanisa kudzokera kunogara naBaba vedu vari Kudenga.

Mufananidzo
Adama naEva

Adam and Eva in the Gorden of Eden [Adama naEva vari muBindu reEdeni], naRobert T. Barrett

Mubindu reEdeni, Mwari vakaraira Adama naEva kuti vasadya muchero wemuti weruzivo rwezvakanaka nezvakaipa . Zvino Vakavaudza kuti, “Imi munogona kuzvisarudzira pachenyu,… asi, yeukai kuti ini ndinozvirambidza” (Mosesi 3:17). Satani akaedza Eva kuti adye muchero womuti wacho. Akamuudza kuti, “Muchava savamwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa”(Mosesi 4:11). Akadya muchero wacho uye akabva augoverana naAdama. Mwari vakavaburitsa kubva muBindu reEdeni

Kuputsika

Mufananidzo
Adama naEva

Adam and Eve Cast Out of the Garden [Adama naEva Vadzingwa muBindu], naGary L. Kapp, hazvifaniri kukopwa

Adama naEva pavakabuda muBindu reEdeni, vakanga vasisiri pamberi paMwari. Kuparadzaniswa uku kubva panaMwari kunonzi rufu rwezvepamweya. Kubuda mubindu kwairevawo kuti Adama naEva vakava vanhu vanofa uye nokudaro vaikwanisa kufa. Kunyangwe zvazvo Adama naEva vakanga vasisiri naMwari uye vakanga vava zvino vanhu vanofa, vakafara uye vaiva netariro apo pavakaona kuti vaikwanisa kufambira mberi.(ona Mosesi 5:10–11). “Adama akaputsika kuti vanhu vavepo; uye vanhu varipo, kuti vave norufaro”. (2 Nifai 2:25).

Nguva yeKuyedzwa

Apo patinozvarwa, tinorarama takaparadzana naMwari, sezvakaitwa naAdama naEva mushure meKuputsika. Satani anotiedza kuti tiite sarudzo dzakaipa. Miedzo iyi inotibvumira kuti tiyedzwe uye tisarudze pakati pezvakanaka nezvakaipa (ona Aruma 12:24). Nguva yoga yoga yatinotadza uye tisingatendeuki, tinosudurukira kuresa naBaba Vokudenga. Asi kana tikatendeuka, tinoswedera pedyo naBaba vedu vari Kudenga.

Rufu rwapaNyama

Mufananidzo
pamakuva

Panyika pakasikirwa isu (ona 1 Nifai 17:36). Kuputsika kwakaita kuti Adama naEva vakwanise kuzadzikisa murairo waMwari wokuti vave nevana, izvo zvakatibvumira kuuya panyika mumuviri wenyama. Miviri yedu nerimwe zuva inozofa, asi mweya yedu inozoramba ichirarama. Miviri yedu nemweya yedu inozobatanidzwazve apo patinenge tamutswa kuvakafa.

Kuponeswa naJesu Kristu

Mufananidzo
Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu

The Resurrection [Kumuka Kuvakafa], naHarry Andersen

Kuburikidza nesimba rerudzikinuro raJesu Kristu, tinokwanisa kukunda rufu rwenyama nerwepamweya. Nokuti Kristu akamutswa kuvakafa, munhu wose anozvarwa panyika pano anozomutswa kuvakafa uye orarama nariinhi nariinhi. Uye nokuti Kristu akatambudzikira zvivi zvedu, tinokwanisa kutendeuka uye toregererwa kuitira kuti tigokwanisa kugara naBaba vedu vari Kudenga zvakare.

Dhinda