2022
Magwaro Matsvene: Shoko raMwari
Chikumi 2022


“Magwaro Matsvene: Shoko raMwari,” Liahona (Riahona), Chikunguru 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikunguru 2022

Magwaro Matsvene: Shoko raMwari

muporofita weTestamente Yekare achinyora

Old Testament Prophet [Muporofita weTestamente Yekare], naJudith A. Mehr

Magwaro matsvene mabhuku matsvene akanyorwa kunyanya nevaporofita. Magwaro matsvene anopupura nezvaJesu Kristu uye anodzidzisa pamusoro pevhangeri Rake. Magwaro matsvene epamutemo eChechi iBhaibheri (iro rinosanganisira Testamente Yekare uye Testamente Itsva), Bhuku raMormoni, Dzidziso neZvibvumirano, uye Dombo reMutengo Mukuru.

Testamente Yekare

Testamente Yekare irondedzero yekushanda kwaMwari nevanhu vechibvumirano Vavo munguva dzechinyakare. Inosanganisira dzidziso dzevaporofita vakaita saMosesi, Joshua, Isaya, Jeremia, uye Danieri. Kunyange zvazvo yakanyorwa mazana emakore Jesu Kristu asati azvarwa, vaporofita vakawanda veTestamente Yekare vakanyora neZvake.

Testamente Itsva

Testamente Itsva inorondedzera kuzvarwa, upenyu hwepanyika, dzidziso, uye Rudzikinuro zvaJesu Kristu. Inosanganisirawo dzidziso dzeVaapositora vaKristu nevamwe vadzidzi. Testamente Itsva inotibatsira kunzwisisa mararamiro okuita vhangeri raJesu Kristu nhasi.

Jesu Kristu achiparidza Mharidzo paGomo

Bhuku raMormoni: Imwe Testamente yaJesu Kristu

Bhuku raMormoni irondedzero yevamwe vevanhu vaigara mumaAmerica echinyakare. Inosanganisira dzidziso dzinobva kuvaporofita, uye chinangwa chayo chikuru ndechokupwisa vanhu vose kuti vabvume kuti Jesu ndiye Kristu. Muporofita Joseph Smith akaidudzira kubva pamahwendefa egoridhe kuburikidza nechipo uye simba raMwari.

Joseph Smith achitambira zvakazarurwa

Joseph Smith Jr. Receiving Revelation [Joseph Smith Mwana Achitambira Zvakazarurwa], naDaniel A. Lewis

Dzidziso neZvibvumirano

Dzidziso neZvibvumirano rine zvakazarurwa zvakapuwa kuna Joseph Smith uye navamwe vaporofita vaMazuva Ekupedzisira. Zvakazarurwa zvacho zvinotsanangura marongerwo akaitwa Chechi yaKristu. Zvinewo dzidziso dzakakosha dzevhangeri pamusoro pehupirisita, zvisungo zvevhangeri, uye neizvo zvinoitika mushure meupenyu huno.

Dombo reMutengo Mukuru

Dombo reMutengo Mukuru rinosanganisira mabhuku aMosesi neaAbrahama, uchapupu hwaJoseph Smith, uye neMisimboti yeChitendero yeChechi. Rinosanganisirawo Joseph Smith—Mateo, chikamu chedudziro yaJoseph Smith yeTestamente Itsva.

Kunzvera Magwaro Matsvene

Vaporofita vakatidzidzisa kunzvera magwaro matsvene zuva nezuva. Kuita izvozvo kunotibatsira kuwedzera rutendo rwedu nekuswedera pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu. Apo patinonzvera magwaro matsvene nemunamato, Mweya Mutsvene unozotibatsira kuwana mhinduro kumibvunzo yedu.

Vaporofita veNguva Dzino

Apo vaporofita navaapositora nhasi pavanotaura nesimba reMweya Mutsvene, mashoko avo akaita semagwaro matsvene. Mumwe muenzaniso weizvi musangano mukuru. Tinokwanisa kunzvera dzidziso dzinobva kumusangano mukuru mumamagazini eLiahona emuna Chivabvu naMbudzi.

Mosesi Achikurira Satani

Moses Overcomes Satan [Mosesi Anokurira Satani], naJoseph Brickey