“Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2022
“Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikunguru 2022
Eria uye Inzwi Rakapfava, Diki
Eria aiva muporofita. Aida kunzwa inzwi raMwari. Akaenda kugomo kuti anzwe inzwi raMwari zviri nani.
Kwaiva nemhepo ine simba. Yaiva yakasimba zvokuti yakatsemura matombo. Mhepo yaiva iine ruzha. Asi yakanga isiri inzwi raMwari.
Shure kwezvo kwakava nokudengenyeka kwenyika. Nyika yakazungunuka. Pakava nomoto zvakare. Wakanga uine marimi makuru. Asi kudengenyeka kwenyika nomoto zvaiva zvisiri inzwi raMwari.
Zvino kwakabva kwanyarara. Eria akanzwa inzwi raMwari. Rakanga rakapfava uye riri diki. Asi rakanga rakajeka.
Ndinokwanisa kunzwa inzwi raMwari nokuteerera kuMweya Mutsvene. Anotaura neni nenzira duku uye dzakareruka.
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, July 2022. Shona. 18298 731