2022
Chii Chinonzi Pamba Manheru?
Nyamavhuvhu 2022


“Chii chinonzi Pamba Manheru?” Liahona (Riahona), Nyamavhuvhu. 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Nyamavhuvhu 2022

Chii Chinonzi Pamba Manheru?

Mufananidzo
amai, baba, nemusikana mudiki vagere panze

Pamba manheru inguva inotsaurwa mukati mevhiki kuti mhuri yenyu iungane. Panguva iyi, munokwanisa “kudzidza vhangeri, kusimbisa zvapupu, kuvaka kubatana, uye nokufadzana” (General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 2.2. 4, ChurchofJesusChrist.org). Nguva yepamba manheru inotaridzika zvakasiyana mumhuri yoga yoga. Asi chinangwa ndechekushandisa nguva iyi kuswedera pedyo pamwechete semhuri uye pedyo noMuponesi.

Gadziriro

Fungai nezvechiitiko icho chinofadza mhuri yenyu uye musoro wenyaya wevhangeri wamunoda kukurukura nokudzidza pamusoro pawo pamwechete. Uyezve, sarudzai zuva nenguva vhiki yoga yoga apo mhuri yose painokwanisa kusangana. Chechi inokurudzira vatendi kuti vaite pamba manheru musi weMuvhuro mauro. Asi mhuri inokwanisa kusangana panguva yakavanakira.

Mufananidzo
mhuri ichinamata

Munamato

Mhuri zhinji dzinotanga uye nokupedzisira nguva yepamba manheru nemunamato. Izvi zvinokoka Mweya Mutsvene mumba mavo. Pamba manheru inguva yakanaka kuvana nevakuru kuti vadzidze kunamata neboka duku.

Mumhanzi

Mhuri zhinjidzinoimbawo rumbo rwokuvhura uye nerwokuvhara. Kazhinji vanosarudza rumbo kubva mubhuku renziyo kana mubhuku redzimbo rePuraimairi. Chechi ine nziyo dzakarekodhwa dzinorira nepiano dzinowanikwa pa music.ChurchofJesusChrist.org. Munokwanisawo kuona mavhidhiyo eTabernacle Choir paTemple Square. Kuimba panguva yepamba manheru kunobatsira nhengo kudzidza nziyo dzinoimbwa kuchechi.

Chidzidzo

Chechi ine zvokushandisa zvakawanda zvinokwanisa kubatsira nechirongwa chepamba manheru. Munokwanisa kutora nguva shomanana kuverenga nekukurukura chinyorwa kubva muLiahona (Riahona), kana muFriend (Shamwari), kana kuti muFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki). Iyi inokwanisawo kuva nguva yokuona nekukurukura mavhidhiyo eChechi. Kana kuti munokwanisawo kuverenga nhaurwa dzemusangano mukuru, kuverenga magwaro matsvene, kana kukurukura chiverengwa chevhiki iyoyo muHuyai, Munditevere

Mufananidzo
vana vachibheka mabhisikitsi

Mufananidzo wevana vachibheka mabhisikitsi naMichelle Loynes

Kutora Chinhanho kweMhuri

Vana vanokwanisa kutora chinhanho munguva yepamba manheru. Vanokwanisa kuronga zviitwa, kunamata, kana kusarudza nekutungamira dzimbo. Vanokwanisa kunyangwe kudzidzisa zvidzidzo. Musati matanga nguva yapamba manheru, munokwanisa kubatsira mwana wenyu kuverenga nyaya kubva mumagazini reFriend (Shamwari) kana kuti nyaya yavanofarira yemumagwaro matsvene. Mwana anokwanisawo kurondedzera nyaya iyi kune mhuri sechidzidzo. Vana vakawanda vonofarirawo kuita mutambo wezviri mumagwaro matsvene munguva yepamba manheru. Itai kuti vana vakuru varonge chidzidzo kana kuti vasarudze nhaurwa yemusangano mukuru yavanoda kuverenga. Zvino itai kuti vatungamire hurukuro.

Zviitwa

Mhuri dzakawanda dzichinakidzwa nezviitwa sechikamu chenguva yepamba manheru. Zviitwa zvemumba zvinokwanisa kusanganisira kutamba mitambo, kugadzira zvinhu nemaoko, kana kubika muri pamwechete.

Kuitira zviitwa zvepanze munokwanisa kufamba famba, kuenda kunofamba kure semhuri, kana kutamba mutambo panze muri pamwechete. Wanai chiitwa icho chinokwanisa kuitwa nemhuri yose, uye mofara pamwechete. Dzivirirai nguva dzemakwikwi dzinokwanisa kuzodzinga Mweya Mutsvene.

Mushando

Pamba manheru inguva yakanaka yokuti mhuri dzishandire vamwe. Somuenzaniso, munokwanisa kubatsira vamwe vavakidzani vechikuru, kunopa zvokudya kunzvimbo dzinochengetwa avo vasina pekugara, kunyorera tsamba kuvashumiri, kana kunonga marara, somuenzaniso.

Dhinda