“Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2022
“Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu”
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2022
Mapisarema Anodzidzisa nezvaJesu Kristu
Mapisarema inziyo dzinoera. Vanhu muBhaibheri vakanyora mapisarema kuti varumbidze Mwari. Mapisarema avo akawanda anodzidzisa pamusoro paJesu Kristu. Izvi ndizvo zvinodzidziswa nemamwe mapisarema anobva muBhaibheri.
Ndinoda Ishe. Ndiye dombo rangu nesimba rangu. Ndinozovimba Naye. Ndinozorumbidza Iye.
Ishe ndiye Mufudzi wangu. Anonditungamirira kumafuro akasvibira. Anonditungamirira kumvura inozorodza. Handizotyi.
Ishe ndivo chiedza changu. Handizotyi. Ndinozova neushingi. Anozosimbisa mwoyo wangu.
Ndinoda Jesu Kristu, uye Iye anondida. Ndinokwanisa kuMurumbidza apo pandinodzidza nokuimba pamusoro Pake.
© 2022 neIntellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMwedzi Woga Woga yeFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2022 Shona. 18316 731