2022
Chibvumirano Chisingaperi
Gumiguru 2022


“Chibvumirano choKusingaperi,” Liahona, Gumiguru 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Gumiguru 2022

Chibvumirano Chisingaperi

Vose avo vakaita chibvumirano naMwari vanokwanisa kuwana rudzi rwakakosha rwerudo nengoni.

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

The Lord Jesus Christ [Ishe Jesu Kristu], naDel Parson

Munyika ino yakaparadzwa nehondo uye runyerekupe rwehondo, kudikanwa kwechokwadi, chiedza, uye rudo rwakarurama rwaJesu Kristu kukurusa kupfuura zvakwaimbova. Vhangeri raKristu rinoshamisa, uye takaropafadzwa kurinzvera uye nokurarama maererano nemirairo yaro. Tinofara nemikana yedu yokurigovera—kupupurira nezvezvokwadi zvaro kupi nokupi zvako kwatinenge tiri.

Ndakataura kakawanda pamusoro pekukosha kwechibvumirano chaAbrahama nekuunganidzwa kweIsraeri. Apo patinogashira vhangeri uye tobhabhatidzwa, tinotora patiri zita rinoera raJesu Kristu. Rubhabhatidzo ndiro suwo rinotungamirira mukuvawo vadyi venhaka kuzvivimbiso zvose zvakapiwa chinyakare naIshe kuna Abrahama, Isaka, Jakobo, uye kuvazukuru vavo.1

“Chibvumirano chitsva uye chisingaperi”2 (Dzidziso neZvibvumirano 132:6) nechibvumirano chaAbrahama zvakangofanana—nzira mbiri dzokutsanangura chibvumirano chakaitwa naMwari nevarume nevakadzi venyama inofa panguva dzakasiyana.

Chipauro chekuti chisingaperi chinoreva kuti chibvumirano ichi chaivepo nyika isati yavambwa! Chirongwa chakarongwa muDare Guru Kudenga chaisanganisira kuziva kwakakomba kwekuti tose taizobviswa pamberi paMwari. Zvisinei, Mwari vakavimbisa kuti Vaizopa Muponesi uyo aizokunda mhedzisiro yeKupunzika. Mwari vakaudza Adama mushure mekubhabhatidzwa kwake kuti:

“Uye iwe uri wehurongwa hweuyo akanga asina mavambo emazuva kana magumo emakore, kubva kusingaperi kwose kusvika kusingaperi kwose.

“Tarisa, iwe uri mumwechete mandiri, mwanakomana waMwari; uye nokudaro vose vagova vanakomana vangu.” (Mosesi 6:67–68).

Adama naEva vakagamuchira chisungo chorubhabhatidzo uye vakatanga chinhanho chokuva mumwechete naMwari. Vakanga vapinda munzira yechibvumirano.

Kana iwe neni tikapindawo munzira iyoyo, tinova nenzira youpenyu itsva. Nokudaro tinoita hukama naMwari uhwo hwunoVabvumira kuti vatiropafadze uye nokutishandura. Nzira yechibvumirano inotitungamirira kudzokera kwaVari. Kana tikarega Mwari vachikunda muupenyu hwedu, chibvumirano ichocho chinozotitungamirira mukuramba tichiswedera pedyo Navo. Zvibvumirano zvose zvinevavariro yokusungira. Zvinovaka hukama hune sunganidzo dzisingaperi.

Rudo Rwakakosha uye Ngoni

Apo patinenge taita chibvumirano naMwari, tinorega zvachose kuva panzvimbo isina kwatakarerekera. Mwari havazosiyi hukama Hwavo neavo vakavaka sungano yakadaro Navo. Pachokwadi, avo vose vakaita chibvumirano naMwari vanowana rudzi rwakakosha rworudo nengoni. Mumutauro wechiHebheru, rudo rwechibvumirano irworwo runonzi hesed

Hesed ishoko risina shoko reChirungu rakaenzana naro zvakakwana. Vadudziri veBhaibheri reKing James Version vanofanira kunge vakanetseka namapiro okuita hesed muChirungu. Kazhinji vaisarudza “mutsa une rudo.” Izvi zvinotaura zvakawanda asi kwete zvese zvinoreva hesed. Dzimwe dudziro dzakapawo, mashoko akaita “sangoni” uye “runako.” Hesed inzwi rakasiyana nemamwe rinotsanangura hukama hwechibvumirano umo mativi ese anosungirwa kuve akavimbika uye akatendeka kune mumwe nemumwe.

Muchato wekudenga hukama hwechibvumirano hwakadaro. Murume nomudzimai vanoita chibvumirano naMwari uye nomumwe nomumwe wavo kuti vanova vakavimbika uye vakatendeka kune mumwe nomumwe wavo.

Hesed imhando yakakosha yerudo nengoni izvo Mwari zvavanonzwa uye zvanopa kuna avo vakaita chibvumirano Navo. Uye isu tinodzosera nehesed kwaVari.

Mufananidzo
vaviri vachangochata vari kunze kwetemberi

Apo iwe neni patinenge taita chibvumirano naMwari, hukama hwedu Navo hunova hwapedyo zvikurusa kupfuura apo chibvumirano chedu pachinenge chisati chaitwa. Iyezvino tasungwa pamwechete.

Mufananidzo naJerry L. Garns

Nokuti Mwari vane hesed kune avo vakaita chibvumirano Navo, Vanovada. Vanozoramba vachishanda navo nekuvapa mikana yekuchinja. Vanozovaregerera apo pavanotendeuka. Uye kana vakatsauka, Vanovabatsira kuwana nzira yavo yekudzokera kwaVari.

Apo iwe neni patinenge taita chibvumirano naMwari, hukama hwedu Navo hunova hwapedyo zvikurusa kupfuura apo chibvumirano chedu pachinenge chisati chaitwa. Iyezvino tasungwa pamwechete. Nokuda kwechibvumirano chedu naMwari, haVazombofi vakaneta mukuedza Kwavo kutibatsira, uye isu hatizombofi takapedza mwoyo murefu Wavo unengoni nesu. Mumwe nomumwe wedu ane nzvimbo yakakosha mumwoyo waMwari. Vane tariro huru kwatiri.

Munoziva chiziviso chinoshamisa icho Ishe chavakapa kuMuporofita Joseph Smith. Chakauya kuburikidza nezvakazarurwa. Ishe vakati kuna Joseph, “Chivimbiso ichi ndechakowo iwe, nokuti uri waAbrahama, uye chivimbiso chakaitwa kuna Abrahama” (Dzidziso neZvibvumirano 132:31).

Nokudaro, chibvumirano chisingaperi ichi chakadzorerwa sechikamu cheKudzorerwa kukuru kwevhangeri mukuzara kwaro. Funga nezvavo! Chibvumirano chemuchato chinoitwa mutemberi chakasungirirwa chaiko kuchibvumirano chaAbrahama. Mutemberi vaviri vanosumwa kumaropafadzo ose akachengeterwa zvizvarwa zvakatendeka zvaAbrahama, Isaka, naJakobo.

Sezvakaita Adama, iwe neni pachedu takapinda munzira yechibvumirano parubhabhatidzo. Zvino tinopinda mairi zvakanyanyozara mutemberi. Maropafadzo echibvumirano chaAbrahama anopiwa mutemberie tsvene. Maropafadzo aya anotibvumira, pakumutswa kuvakafa, kuti “tigare nhaka yezvigaro zvoutongi, humambo, masimba, utongi hwavana vamambo, neushe, ‘kukusimudzirwa kumusosoro uye nekubwinya kwedu muzvinhu zvose’ [Dzidziso neZvibvumirano 132:19].”4

Mumashoko okuvhara eTestamende Yekare, tinoverenga vimbiso yaMaraki yokuti Eriya “achadzorera mwoyo yemadzibaba kuvana, nemwoyo yevana kumadzibaba avo” (Maraki 4:6). MuIsraeri yechinyakare, kutaurwa kwakadaro kwamadzibaba kwaizova kwaisanganisira madzibaba Abrahama, Isaka, naJakobo. Vimbiso iyi inojekeswa apo patinoverenga mhando yakasiyana yendima iyi iyo Moronai yaakatapa kuMuporofita Joseph Smith: “Iye [Eria] achadyara mumwoyo yevana vimbiso dzakaitwa kumadzibaba, uye mwoyo yevana ichatendeukira. kumadzibaba avo” (Nhoroondo—yaJoseph Smith 1:39). Madzibaba iwayo zvechokwadi anosanganisira Abrahama, Isaka, naJakobo. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 27:9–10.)

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

Avo vanoita zvibvumirano zvinoera uye vozvichengeta vanovimbiswa upenyu husingaperi uye kusimudzirwa kumusorosoro. Jesu Kristu ndiye mutsigiri wezvibvumirano izvozvo.

Chiratidzo kubva kuChrist and the Rich Young Ruler [Kristu neJaya Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Jesu Kristu: Nangiso yeChibvumirano

Rudzikinuro rwokuzvipira rweMuponesi rwakagonesa Baba kuzadzikisa vimbiso Dzavo dzakaitwa kuvana Vavo. Nokuti Jesu Kristu ndiye “nzira, chokwadi, uye noupenyu,” zvinoreva kuti “hapana munhu anouya kuna Baba, asi nokuna [Iye]” (Johane 14:6). Kuzadzikiswa kwechibvumirano chaAbrahama kunove kunokwanisika nokuda kweRudzikinuro rweMuponesi wedu, Ishe Jesu Kristu. Jesu Kristu ndiye nangiso yechibvumirano chaAbrahama.

Testamente Yekare harisi bhuku rezvinyorwa zvitsvene chete; ibhukuwo renhoroondo. Unoyeuka uchiverenga nezvemuchato waSarai naAbrama. Nokuda kwekuti vaiva vasina vana, Sarai akapa murandakadzi wake Hagari kuti ave mukadzi waAbrama, maererano nerairo yaIshe. Hagari akabereka Ishmaeri.5 Abrama aida Ishmaeri, asi aiva asingafaniri kuva mwana uyo chibvumirano machaizopfuura nomaari. (Ona Genesi 11:29–30; 16:1, 3, 11; Dzidziso neZvibvumirano 132:34.)

Seropafadzo rakabva kuna Mwari, uye mukupindura rutendo rwaSarai,6 akaita mimba muhukweguru hwake kuitira kuti chibvumirano chizopfuura nemumwanakomana wake, Isaka (ona Genesi 17:19). Akaberekerwa muchibvumirano.

Mwari vakapa Sarai naAbrama mazita matsva—Sara uye Abrahama (ona Genesi 17:5, 15). Kupiwa kwemazita matsva aya kwakaratidza kutanga kweupenyu hutsva uye mugumisiro mutsva wemhuri iyi.

Abrahama aida vose Ishmaeri naIsaka. Mwari vakaudza Abrahama kuti Ishmaeri aizowanziswa uye ova rudzi rukuru (ona Genesi 17:20). Panguva imwecheteyo, Mwari vakajekesa kuti chibvumirano chisingaperi chaizomiswa kuburikidza naIsaka (ona Genesi 17:19).

Vose vanogamuchira vhangeri vanova chikamu chedzinza raAbrahama. Muna VaGaratia tinoverenga kuti:

“Nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu.

“… Imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.

“Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbrahama, vadyi venhaka sezvamakapikirwa” (VaGaratia 3:27–29).

Nokudaro, tinokwanisa kuva vadyi venhaka yechibvumirano, kuburikidza nokuzvarwa kana nokugamuchirwa.

Mufananidzo
vanhu vakaungana pamunamato worubhabhatidzo

Apo patinenge taita chibvumirano naMwari, tinorega zvachose kuva panzvimbo isina kwatakarerekera. Mwari havazosiyi hukama Hwavo neavo vakavaka sungano yakadaro Navo.

Mwanakomana waIsaka naRabeka Jakobo akaberekwa muchibvumirano. Pamusoro pazvo, akasarudza kupinda nokuzvidira kwake pachake. Sezvaunoziva, zita raJakobo rakashandurwa kuva Israeri (ona Genesi 32:28), kureva kuti “Mwari ngavakunde” kana kuti “uyo anokunda naMwari.”7

Muna Eksodo tinoverenga kuti “Mwari vakarangarira sungano yavo naAbrahama, naIsaka, naJakobo” (Eksodo 2:24). Mwari vakaudza vana vaIsraeri, “Kana mukateerera inzwi rangu zvirokwazvo, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo” (Eksodo 19:5).

Shoko rokuti “pfuma chaiyo” rakashandurwa kubva muchiHebheru segullah, zvinoreva chinhu chinokosheswa zvikurusa—“pfuma.”8

Bhuku raDeuteronomio rinorondedzera kukosha kwechibvumirano. Vaapositora veTestamente Itsva vaiziva nezvechibvumirano ichi. Mushure mokunge Petro aporesa murume akanga akaremara pamatanho etemberi, akadzidzisa vaoni pamusoro paJesu. Petro akati, “Mwari waAbrahama, naIsaka, nowaJakobo, Mwari wamadzibaba edu, akudza Mwanakomana wake Jesu” (Mabasa aVaapositora 3:13).

Petro akagumisa shoko rake nokuudza vateereri vake, kuti: “Imi muri vana vavaporofita, nevesungano yakaitwa naMwari namadzibaba edu, achiti kuna Abrahama: Marudzi ose enyika acharopafadzwa mumwana wako.” (Mabasa aVaapositora 3:25). Petro akavajekesera kuti chikamu chebasa raKristu chaiva chokuzadzikisa chibvumirano chaMwari.

Ishe vakapa mharidzo yakadaro kuvanhu veAmerica yechinyakare. Ipapo, Kristu akamutswa kuvakafa akaudza vanhu kuti chaizvo vakanga vari vana ani. Akati:

“Imi muri vana vevaporofita; imi muri veimba yaIsiraeri; uye imi muri vechibvumirano icho Baba chavakaita namadzibaba enyu, vachiti kuna Abrahama: Uye muchibereko chako marudzi ose enyika acharopafadzwa.

“Baba vakandimutsira kwamuri pakutanga, uye vakandituma kuti ndikuropafadzei, ndichibvisa mumwe nomumwe pazvitema [zvenyu]; uye izvi zvinoitwa nokuda kwokuti muri vana vechibvumirano” (3 Nifai 20:25–26).

Unoona here kukosha kwazvo? Avo vanochengeta zvibvumirano zvavo naMwari vanozova rudzi rwemweya inopikisa zvivi! Avo vanochengeta zvibvumirano zvavo vanozova nesimba rekupikisa pesvedzero yenguva dzose yenyika.

Mufananidzo
murume achitora sakaramende

Avo vanochengeta zvibvumirano zvavo naMwari vanozova rudzi rwemweya inopikisa zvivi! Avo vanochengeta zvibvumirano zvavo vanozova nesimba rekupikisa pesvedzero yenguva dzose yenyika.

Basa roMushumiri: Kugovera Chibvumirano

Ishe vakaraira kuti tiparadzire vhangeri uye tigovere chibvumirano. Ndiko kusaka tiine vashumiri. Vanoshuvira kuti mumwe nemumwe wevana Vavo ave nemukana wekusarudza vhangeri reMuponesi uye nekutanga kufamba panzira yechibvumirano. Mwari vanoda kubatanidza vanhu vose kuchibvumirano chavakaita chinyakare naAbrahama.

Nokudaro, basa roushumiri chikamu chinokosha chokuunganidzwa kukuru kwaIsraeri. Kuunganidzwa ikoko ndiro basa rinokosha zvikurusa riri kutora nzvimbo panyika nhasi. Hapana chimwe chinoenzaniswa muhukuru. Hapana chimwe chinoenzaniswa mukukosha. Vashumiri vaIshe—vadzidzi Vavo—vari kutora chinhanho mudaidzo hurusa, chinangwa chikurusa, basa gurusa panyika nhasi.

Asi kune zvimwe zvakawanda—zvakanyanya kuwanda. Pane kudikanwa kukuru kwekuparadzira vhangeri kuvanhu vari kune rumwe rutivi rwechidzitiro. Mwari vanoda kuti munhu wese, kumativi ese echidzitiro, anakirwe nemaropafadzo echibvumirano Chavo. Nzira yechibvumirano yakavhurika kuna vose. Tinoteterera munhu wese kuti afambe nesu munzira iyoyo. Hapana rimwe basa rinosanganisira munhu wose zvakadaro. Nokuti “Ishe vane ngoni kuna avo vose vanoda, muchokwadi chemwoyo yavo yose, kudana pazita ravo dzvene” (Hiramani 3:27).

Nokuda kwokuti Hupirisita hwaMerkizedeki hwakadzorerwa, madzimai nevarume vanochengeta zvibvumirano vanokwanisa kuwana “maropafadzo ose ezvemweya” evhangeri (Dzidziso neZvibvumirano 107:18; simbiso yakawedzerwa).

Pakukumikidzwa kweTemberi yeKirtland muna 1836, achitungamirirwa naIshe, Eria akazviratidza. Chinangwa chake? “Kutendeutsira … vana kumadzibaba” (Dzidziso neZvibvumirano 110:15). Eria akazviratidzawo. Chinangwa chake? Kupa kuna Joseph Smith naOliver Cowdery “mukuwo wevhangeri raAbrahama, achiti matiri nemuzvibereko zvedu zvizvarwa zvose mushure medu zvinofanira kuropafadzwa” (Dzidziso neZvibvumirano 110:12). Nokudaro, Tenzi vakagadza pana Joseph Smith naOliver Cowdery mvumo yehupirisita nekodzero yekupa kuna vamwe maropafadzo echibvumirano chaAbrahama akasiyana nemamwe ose.9

MuChechi, tinofamba nzira yechibvumirano zvose sevanhu pachedu uye tiri pamwechete. Sokungogovana kunoita michato nemhuri sungano yeruenzano yakasiyana nedzimwe iyo inoumba rudo rwakakosha, ndizvowo zvinoita hukama hutsva hunoumbwa patinozvisunganidza isu pachedu kuburikidza nechibvumirano tichikwira kumusoro kuna Mwari wedu!

Izvi zvinogona kunge zviri izvo zvairehwa naNifai apo paakati Mwari “vanoda avo vanoda kuti vave Mwari wavo” (1 Nifai 17:40). Ichi ndicho chikonzero chaicho, sechikamu chechibvumirano, ngoni dzakakosha nerudo rwakakosha—kana kuti hesed—zvinowanikwa kuna vose vanopinda muukama hunosungira uye hwepedyosa naMwari, kunyangwe “kumarudzi ane churu” (Duteronomio 7:9).

Kuita sungano naMwari kunoshandura ukama hwedu Navo nariinhi nariinhi. Kunotiropafadza nemwero wakawedzerwa worudo nengoni.10 Kunoshandura zvatiri uye mabatsiriro ayo Mwari avanozotiita kuti tive avo vatinokwanisa kuva. Tinovimbiswa kuti, isuwo, tinokwanisa kuva “pfuma chaiyo” kwaVari (Pisarema 135:4).

Vimbiso uye Ropafadzo

Avo vanoita zvibvumirano zvinoera uye vachizvichengeta vanovimbiswa upenyu husingaperi nekusimudzirwa kumusorosoro, “chipo chikurusa chezvipo zvose zvaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 14:7). Jesu Kristu ndiye muchengeti wezvisungo izvozvo (ona vaHeberu 7:22; 8:6). Vachengeti vechibvumirano avo vanoda Mwari uye vanoVabvumira kukunda pamusoro pezvimwe zvinhu zvose muupenyu hwavo vanoVaita kuti vave shanduro yakasimbisisa muupenyu hwavo.

Muzuva redu tine mukana wekugashira maropafadzo emadzitateguru uye kudzidza nezvekubatanidzirwa kwedu kumadzitateguru echinyakare. Maropafadzo iwayo anotibatsirawo kuva nenzwisiso duku yezviri mberi.

Mufananidzo
Jesu achitaura naPetro

Nokuda kwechibvumirano chedu naMwari, haVazombofi vakaneta mukuedza Kwavo kutibatsira, uye isu hatizombofi takapedza mwoyo murefu Wavo unengoni nesu.

Lovest Thou Me More Than These? [Unondida Kupfuura Ava Here?] naDavid Lindsley

Daidzo yedu seIsraeri yechibvumirano ndeyekuita chokwadi kuti nhengo yese yeChechi inowana rufaro nemikana zvinoenderana nekuita zvibvumirano naMwari. Idaidzo yekukurudzira murume nemukadzi wese anochengeta zvibvumirano, mukomana nemusikana, kugovera vhangeri kuna avo vanouya munzvimbo dzavo dzeshanduro . Idaidzowo yekutsigira nekukurudzira vashumiri vedu, avo vanotumwa mberi nemirairidzo yekubhabhatidza nekubatsira kuunganidza Israeri, kuitira kuti pamwechete tigova vanhu vaMwari uye Ivo vagozova Mwari wedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 42:9).

Murume woga woga nemukadzi woga wogauyo anotora chinhanho muzvisungo zvehupirisita uye anoita nekuchengeta zvibvumirano naMwari ane anowana simba raMwari kubva kwavari chaiko. Tinotora zita raIshe patiri pachedu sevanhu pachavo. Tinotorawo zita Ravo patiri sevanhu. Kuva nechido chikuru chekushandisa zita chairo reChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira inzira yakakosha yokuti isu sevanhu titore zita Ravo patiri. Chokwadi, chiito chose chetsitsi cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira nenhengo dzayo chiratidzo chehesed yaMwari.

Sei Israeri yakaparadzirwa? Nokuti vanhu vacho vakatyora mirairo uye vakataka vaporofita namabwe. Baba vane rudo asi vaichema vakapindura kuburikidza nokuparadzira Israeri nokure uye kunzvimbo dzakapararira.11

Zvisinei, vakavaparadzira nevimbiso yokuti rimwe zuva Israeri yaizounganidzwa zvakare mudanga Ravo.

Rudzi rwaJuda rwakapiwa basa rekugadzirira nyika kuitira kuuya kwekutanga kwaIshe. Kubva murudzi irworwo, Maria akadanwa kuti ave mai voMwanakomana waMwari.

Rudzi rwaJosefa, kuburikidza navanakomana vake naAsenati, Efremu naManase (ona Genesi 41:50–52; 46:20), rwakapiwa basa rokutungamira mukuunganidzwa kweIsraeri, kugadzirira nyika Kuuya kweChipiri kwaIshe.

Muukama husina muganhu hwakadai hwehesed, zvinonzwisisika kuti Mwari vanoda kuunganidza Israeri. NdiBaba vedu Vokudenga! Vanoda kuti mumwe nemumwe wevana Vavo—kumativi ose echidzitiro—anzwe shoko revhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu.

Nzira Yorudo

Nzira yechisungo igwara rerudo—iyoyo hesed inoshamisa, iyoyo riritiro inemutsa uye nanaviro kumumwe nemumwe. Kunzwa rudo irworwo kunosunungura uye kunosimudzira. Mufaro mukurusa wauchazombova nawo ndewe apo paunenge wakazadzwa nerudo rwaMwari uye nerwevana Vavo vese.

Kuda Mwari kupfuura munhu upi noupi zvake kana chinhu chipi nechipi zvacho ndiwo mamiriro ezvinhu anounza runyararo rwechokwadi, nyaradzo, chivimbo, uye mufaro.

Nzira yechibvumirano iri maererano neukama hwedu naMwari—ukama hwedu hwehesed Navo. Apo patinopinda muchibvumirano naMwari, tinenge taita chibvumirano navo Ivo vanozogara vachichengeta shoko Ravo. Vanozoita zvose zvaVanokwanisa, vasingaderedzi kwaniso yekuzvisarudzira yedu, kutibatsira kuchengeta chibvumirano chedu.

Bhuku raMormoni rinotanga uye rinoguma nokutaura pamusoro pechibvumirano chisingaperi ichi. Kubva papeji raro remusoro wenyaya kusvika kuuchapupu hwekuvhara hwaMormoni naMoronai, Bhuku raMormoni rinotaura pamusoro pechibvumirano (ona Mormoni 5:20; 9:37). “Kuuya kweBhuku raMormoni chiratidzo kunyika yose kuti Ishe vatangisa kuunganidza Israeri nokuzadzikisa zvibvumirano Zvavakaita kuna Abrahama, Isaka, naJakobo.”12

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, takadaidzwa panguva ino yakakosha munhoroondo yepanyika kuti tidzidzise nyika pamusoro perunako nesimba rechibvumirano chisingaperi. Baba vedu Vokudenga vanovimba nesu zvizere kuita basa guru iri.

Shoko iri rakapuwawo pamusangano mukuru wavatungamiri musi wa31 Kurume 2022.

Manotsi

  1. Ona Russell M. Nelson, “Children of the Covenant,” Ensign, Chivabvu 1995, 34.

  2. Chibvumirano chitsva uye chisingaperi ndiko kuzara kwevhangeri raJesu Kristu. Chinosanganisira zvose zvisungo nezvibvumirano zvinodikanwa kuitira ruponeso rwedu (ona Dzidziso neZvibvumirano 66:2). “Chitsva” apo pose Ishe pavanochivandudza kana kuchidzorera, uye chinova “chisingaperi” nokuti hachichinji.

  3. Hurukuro yakazara maererano nehesed uye chibvumirano chisingaperi inowanikwa muna Kerry Muhlestein, God Will Prevail: Ancient Covenants, Modern Blessings, and the Gathering of Israel (2021).

  4. Russell M. Nelson, mu“Special Witnesses of Christ,” Liahona, Kubvumbi 2001, 7.

  5. Shoko rechiHebheru rinoti Ishmaeri rinoreva kuti “Mwari anonzwa” (Bible Dictionary, “Ishmael”).

  6. “Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, akazvara mwana kunyangwe akanga achembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka” (VaHeberu 11:11).

  7. Bible Dictionary, “Israel.”

  8. Ona Bible Dictionary, “Peculiar”; “Hebrew and Chaldee Dictionary,” Strong’s Exhaustive Concordance of the Bible (1984), 82, shoko 5459.

  9. Ona Russell M. Nelson, “Thanks for the Covenant” (Brigham Young University devotional, Mbudzi 22, 1988), 4, speeches.byu.edu.

  10. “Chibvumirano chese naMwari mukana wekuswedera pedyo navo. Kuna ani nani zvake anofungisisa kwechinguvana pane zvavakanzwa nechekare nezverudo rwaMwari, kuita kuti sungano iyoyo isimbiswe zvakanyanya uye hukama ihwohwo hwuve pedyosa chipo chisingarambiki” (Henry B. Eyring, “Making Covenants with God” [Brigham Young University fireside, Gunyana 8, 1996], 3, speeches.byu.edu).

  11. “Ishe vakashandisawo kuparadzirwa uku kwevanhu Vavo vakasarudzwa pakati pemarudzi epasi kuti varopafadze marudzi iwayo” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Israeri,” scriptures.ChurchofJesuChrist.org; onawo Jakobo 5:1-8, 20).

  12. Russell M. Nelson, “The Future of the Church: Preparing the World for the Savior’s Second Coming,” Liahona, Kubvumbi 2020, 9.

Dhinda