2022
Chikonzero Chatinobvisira Chegumi
Zvita 2022


“Sei Tichibvisa Chegumi,” Liahona, Zvita. 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Zvita 2022

Chikonzero Chatinobvisira Chegumi

Mufananidzo
mari yesimbi yakaturikidzana

Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira dzinopa Chechi chikamu chimwechete mugumi chemari yavanotambira kuChechi. Iyi inonzi chegumi. Mari yacho inoshandiswa kuita basa reChechi napanyika pose.

Chegumi Chii?

Mumwe wemirairo waMwari kubvisa chegumi,icho chinova chikamu chimwechete mugumi chemari yatinotambira, kuChechi Yavo. Apo patinobvisa chegumi, tinoratidza ruvongo rwedu kuna Mwari nokuda kwezvikomborero zvedu. Tinoratidza kuti tinovimba muna Ishe uye kuti tinoda kuVateerera muzvinhu zvose.

Mufananidzo
vanhu vachiunza zvinhu kuna Merkizedeki semubhadharo wechegumi

Merkizedeki—Keeper of the Storehouse [Muchengeti weDura], naClark Kelley Price

Dzidziso dzeTestamente Yekare

Vanhu vaMwari vaibvisa chegumi kubvira munguva dzeTestamente Yekare. Somuenzaniso, Abrahama aibvisa chegumi (ona Genesisi 14:18–20). Murairo wechegumi wakadzidziswawo navaporofita vakare, kusanganisira Mosesi naMaraki (ona Revitiko 27:30–34; Nehemia 10:35–37; Maraki 3:10).

Kudzorerwa kweMurairo weChegumi

Muna 1838, Muporofita Joseph Smith akabvunza Ishe kuti nhengo dzeChechi dzinofanira kubviswa chegumi sei. Mhinduro yaIshe yakarondedzerwa muna Dzidziso neZvibvumirano 119, iyo inoti nhengo dzinofanira kupa chikamu chimwechete chezviwanikwa zvavo kuChechi (ona ndima 4). Vatungamiri veChechi vakadzidzisa kuti “zviwanikwa” zvinoreva mari inotambirwa.

Mufananidzo
vanhu vachikwazisana apo mumwe achitambidza hamvuropu kune mumwe

Mufananidzo naJamie Dale Johnson

Nzira Dzokubvisa nadzo Chegumi

Tinokwanisa kubvisa chegumi nokuzadzisa fomu repaindaneti paadhiresi inoti donations.ChurchofJesusChrist.org. Kana kuti tinokwanisa kuzadzisa fomu repepa uye topa mari kunhengo yehubhishopi kana hutungamiri hwebazi. Mari yose inotumirwa kumuzinda weChechi, uko vatungamiri veChechi (Vatungamiri Vokutanga, Chikwata chaVaapositora Vane Gumi naVaviri, uye Vatungamiri veHubhishopi) nokunyengetera vanosarudza kuti inozoshandiswa sei.

Maropafadzo

Ishe vakavimbisa kuti avo vanobvisa chegumi vacharopafadzwa panyama nepamweya. Chegumi chinoropafadzawo vose vevana vaMwari nomukana wokudzidza neZvavo uye nokukura muvhangeri.

Mufananidzo
Temberi yeSalt Lake

Nzira dzeMashandisirwo Anoitwa Mari dzeChegumi

Mari dzechegumi dzinoshandiswa kuvaka Chechi napanyika pose. Izvi zvinosanganisira kuvaka matemberi nezvimwewo zvivakwa zveChechi, kudhinda magwaro matsvene nezvimwe zvinyorwa, kutsigira zvikoro zveChechi, uye kubatsira nebasa rezvenhoroondo yemhuri nerezvehushumiri.

Tithing Declaration [Ziviso yeChegumi]

Kamwechete pagore, nhengo dzeChechi dzinosangana nabhishopi wadzo (kana mutungamiri webazi) kuti vamutaurire kana vari vabvisi vechegumi chakazara.

Izvo Zvinobhadharwa neChegumi

Mufananidzo
Temberi yeOakland California

Mufananidzo weTemberi yeOakland California naLongin Lonczyna Jr.

Mufananidzo
makopi eBhuku raMormoni mumitauro yakasiyana-siyana
Mufananidzo
imba yokusanganira

Dhinda