2023
Nzira Ina Jesu Kristu dzaAnokusimbisa Iwe Nadzo
Ndira 2023


“Nzira Ina Jesu Kristu dzaAnokusimbisa Iwe nadzo,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Ndira 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga, reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Ndira 2023

Nzira Ina Jesu Kristu dzaAnokusimbisa Iwe Nadzo

Ndinokwanisa kuita zvinhu zvose kuburikidza naKristu.
VaFiripi 4:13

Mufananidzo
murwi wemabwe

Nepasi pose, vaKristu vanofara muchinyorwa chitsvene ichi: “Ndingaita zvose naiye anondipa simba” (VaFiripi 4:13).

Apo vanhu pavanonzwa izvi, vamwe vavo vanogona kufunga kuti zvinoreva kuti vanokwanisa kukunda muedzo upi zvawo, kukunda pamutambo upi zvawo, uye kuva nechishuviro chese chichiitika. Asi handizvo zvinodzidziswa nechinyorwa chitsvene ichi.

Chakanyorwa nemuApositora Pauro apo paaiva mutirongo. Semusungwa, paiva nezvakawanda izvo Pauro zvaisakwanisa kuita, asi aiziva kuti Jesu Kristu aikwanisa kumusimbisa kuti aite izvo zvainyanya kukosha.

Zvimwechetezvo ichokawadi kwauri!

1 Kristu Anokusimbisa Iwe kuti Uzive

Jesu Kristu akakupa nzira dzakati wandei dzakakosha dzaunokwanisa kusvika nadzo pakuziva izvo zviri zvechokwadi. Akatidzidzisa tose kunamata nguva dzose (ona 3 Nifai 18:18) uye kubvunza kuti tizive izvo zviri zvechokwadi (ona Moronai 10:4–5). Unokwanisawo kuwana uye kuziva izvo zviri zvechokwadi kuburikidza nekunzvera kwako magwaro matsvene.

Munamato nekunzvera magwaro matsvene kunounza Mweya muupenyu hwako. Mweya unogona kutaura “mupfungwa dzako … nemumwoyo mako” (Dzidziso neZvibvumirano 8:2), “kuzadza mweya wako nemufaro,” uye “nekujekesa pfungwa dzako” (Dzidziso neZvibvumirano 11:13).

Munzira idzi, unokwanisa “kuMunzwa”—kunzwa mashoko eMuponesi uye nekutevera zvaAkataura. Mutungamiri Russel M. Nelson vakadzidzisa kuti uyu ndiwo “mutoo werubudiriro, rufaro, uye nerudekaro muupenyu huno.”1

2 Kristu Anokusimbisa Iwe kuti Uite

Simba rinouya kwauri apo paunoedza kuchengeta mirairo nekuita sarudzo dzakanaka dzinotungamirira kurunyararo uye kurufaro. Jesu Kristu anokusimbisa kuti uite izvi kunyangwe apo sarudzo idzodzo padzinenge dzakaoma kuita. Dzimwe nguva unogona kuita sarudzo yakaipa. Zvinofadza kuti, Rudzikinuro rweMuponesi runoita kuti rutendeuko rugoneke. Nekuda kwaJesu Kristu, unokwanisa kuva wakachena uye wowana mufaro. Anokwanisa kukusimbisa kuti “uite zvirinani uye uve nani”2 zuva rega rega.

3 Kristu Anokusimbisa Iwe kuti Ukunde

Apo paaiva mutirongo, Pauro akanyora kuti: “Ndakadzidza kutenda nezvose zvandiinazvo.

“Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda: pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa” (VaFiripi 4:11–12).

Mune mamwe mashoko, Pauro akadzidza kuti, kuburikidza naKristu, anokwanisa kukunda uye kudzidza kubva muzviyedzo nezvinetso zvake. Jesu Kristu anokwanisa kukusimbisa kuti uite zvimwechetezvo.

Muponesi akatambura “marwadzo namatambudziko uye nezviedzo zvamarudzi ose.” Akatora paAri utera hwedu kuitira kuti “agoziva … mayamuriro okuita [izvo zvinoreva kubatsira] vanhu vake maererano neutera hwavo” (Aruma 7:11–12). Zvisinei neizvo zvaunosangana nazvo, Jesu Kristu anokwanisa kukusimbisa kuti ushingirire uye uzadzikise zvinhu zvawaisazokwanisa kuita uri woga pachako.

4 Kristu Anokusimbisa kuti Uve

Jesu Kristu akaita kuti kumuka kuvakafa kuitike kwatiri tose, uye Anoita kuti upenyu husingaperi hukwanisike kune avo vanotendeuka, vanogashira zvisungo zvakakosha uye voita nokuchengeta zvibvumirano zvinoenderana nazvo. Pasina Kristu, hataikwanisa kuzadzikisa izvo Baba Vekudenga zvavanonyanya kuda-––kuti isu tinyanye kuva saIvo neMwanakomana Wavo Jesu Kristu, uye tigogara Navo nekusingaperi.

Mufananidzo
Jesu Kristu

Unokwanisa kunyanya kuva saJesu Kristu apo paunodzidza neZvake, uchimira Naye uye uchivimba maAri, uye uchitevera muenzaniso Wake. Izvi zvinozokutungamirira kuti urarame norutendo, tariro, rudo rwakadzama, mwoyo murefu, runinipo, rucheno, uye kuteerera zvakawedzerwa. Zvose izvi hunhu hweMuponesi.

Apo paunoedza kutevera Jesu Kristu, Anozova tariro yako nechiedza chako chinozokutungamirira kuti uve zvose izvo zvaAnoziva kuti unokwanisa kuva. Uye, pamwechete naPauro, unozokwanisa kuti, “Ndingaita zvose naIye anondipa simba.”

Manotsi

  1. Mutungamiri Russell M. Nelson, “Munzwei,” musangano mukuru waKubvumbi 2020 (Ensign kana Liahona [Riahona], Chivabvu 2020, 89).

  2. Mutungamiri Russell M. Nelson, “We Can Do Better and Be Better,” musangano mukuru waKubvumbi 2019 (Ensign kana Liahona [Riahona], Chivabvu. 2019, 67).

Dhinda