2023
Tinofanira Kuva Takarurama Iye Zvino Here?
Kukadzi 2023


“Tinofanira Kuva Takarurama Iye Zvino Here?” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kukadzi 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (reZveRusimbiso rweVechidiki) Kukadzi 2023

Tinofanira Kuva Takarurama Iye Zvino Here?

Kubva munhaurwa yemusangano mukuru waGumiguru 2017.

Mufananidzo
mukomana wechidiki achiverenga magwaro matsvene

Mufananidzo naEmily E. Jones

Magwaro matsvene akanyorwa kuti atiropafadze uye atikurudzire, uye pachokwadi anoita saizvozvo. Asi wakambocherechedza here kuti nguva nenguva ndima inobuda inotiyeuchidza kuti hatisi kuita zvitinofanira kuita? Semuenzaniso: “Naizvozvo muve vakakwana, saBaba … vari kudenga vakakwana” (Mateo 5:48). Nemurairo iwoyo, tinonyenyeredza kugadzirisa zvikanganiso zvedu. Chinangwa cheseresitiyaro chakadaro chinoratidzika sechisingasvikiki. Asi pachokwadi Ishe havangambotipa murairo wavanoziva kuti hataizokwanisa kuchengeta.

Mufananidzo
mudzimai wechidiki ane amburera mumvura irikunaya

“Hongu, uyai kuna Kristu, munatswe maari,” Moronai anoteterera. “Idai Mwari nekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa dzenyu dzose uye nesimba renyu rose, zvino … nenyasha dzake munokwanisa kuva vakarurama muna Kristu” (Moronai 10:32; kusimbisa kwakawedzerwa). Tariro yedu chete yeruramo yechokwadi iri mukuigamuchira sechipo chinobva kudenga—hatikwanisi “kuishandira”.

Mufananidzo
musikana wechidiki achifamba achikwidza mukwidza neimbwa

Kunze kwaJesu, hapana asina kurarama zvisina zvikanganiso parwendo rwepasi pano rwatiri, saka tiri muupenyu hwenyama ngativavarire kunatsurudza zvishoma nezvishoma uye tidzivirire tarisiro hurusa kwatiri uye nekune vamwe.

Mufananidzo
ngarava pagungwa rine dutu

Kana tika tsungirira, zvino pane imwe nzvimbo mukusingaperi kunatswa kwedu kunozopedzwa uye nekuzadzikiswa—zvinova zvinoreva ururami muTestamente Itsva.

Dhinda