2023
Rutendo muna Jesu Kristu
Kubvumbi 2023


“Rutendo muna Jesu Kristu,” Liahona, Kubvumbi 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Kubvumbi 2023

Rutendo muna Jesu Kristu

Mufananidzo
chimiro chaJesu

Jesus Christ [Jesu Kristu], naHarry Anderson

Kuva norutendo munaJesu Kristu ndiwo musimboti wekutanga wevhangeri (ona Misimboti yeChitendero 1:4). Rutendo rwedu runozotibatsira kuita sarudzo dzinozotitungamirira kudzokera kuna Baba vedu Vokudenga. Tinokwanisa kushanda kuti tisimbise rutendo rwedu nemuupenyu hwedu hwose.

Mufananidzo
vana nevechidiki vakaungana vakatenderedza bhuku

Chii Chinonzi Rutendo?

Rutendo kutenda kwakasimba kana kuvimba mune chimwe chinhu. Kuva norutendo kunosanganisira kuva netariro uye nokutenda muzvinhu zvechokwadi, kunyangwe patinenge tisingazvioni kana kuzvinzwisisa zvakazara (ona VaHeberu 11:1; Aruma 32:21).

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

Mufananidzo kubva kuChrist and the Rich Young Ruler [Kristu neJaya Mupfumi], naHeinrich Hofmann

Rutendo Rwakamisirwa muna Jesu Kristu

Kuti ungamirire kuruponeso, rutendo rwedu runofanira kumisirwa muna Jesu Kristu seMuponesi neMununuri wedu. Kuva norutendo muna Kristu zvinoreva kuva nechivimbo maAri. Zvinoreva kuvimba paAri zvakazara—kuvimba musimba Rake, njere Dzake, uye nerudo Rwake. Zvinosanganisirawo kuvimba nekutevera dzidziso Dzake.

Mufananidzo
vaviri vachinzvera magwaro matsvene

Kuwedzera Rutendo Rwedu

Rutendo chipo chinobva kuna Mwari, asi tinofanira kuchitsvaka uye toshanda kuti tichichengete chakasimba. Tinokwanisa kuwedzera rutendo rwedu nekunamata uye nekunzvera magwaro matsvene nedzidziso dzevaporofita vemazuva ekupedzisira. Tinosimbisawo rutendo rwedu apo patinorarama zvakarurama uye nekuchengeta zvibvumirano zvedu.

Kurarama neRutendo

Rutendo rwunopfuura kungovimba chete. Runosanganisira kuita chimwe chinhu paruvimbo irworwo. Tinoratidza rutendo rwedu munzira yatinorarama nayo. Rutendo muna Jesu Kristu runotikurudzira kutevera muenzaniso Wake wakarurama. Rutendo rwedu runotitungamirira kukuteerera mirairo, kutendeuka pazvivi zvedu, uye nokuita nokuchengeta zvibvumirano.

Mufananidzo
Jesu achiporesa murume bofu

Rutendo Runokwanisa Kutungamirira kuZvishamiso

Rutendo rwechokwadi runounza zvishamiso, izvo zvingangosanganisira zviratidzo, zviroto, kuporesa, uye zvimwe zvipo zvinobva kuna Mwari. Magwaro matsvene ane nyaya dzakawanda dzevanhu vakagamuchira zvishamiso kubva kuna Ishe nokuda kwerutendo rwavo maVari. Ona “Chishamiso” muNhungamiro kuMagwaro Matsvene kuti uwane mimwe mienzaniso.

Rutendo Runokwanisa Kuunza Runyararo

Kuva nerutendo muna Mwari nechirongwa Chavo cheruponeso kunokwanisa kutisimbisa munguva dzezvinetso zvedu. Rutendo rwunogona kutipa simba rekuenderera mberi uye nekutarisana nematambudziko edu neushingi. Kunyangwe apo remangwana richitaridzika serisina chokwadi, rutendo rwedu muMuponesi rwunokwanisa kutipa runyararo.

Mufananidzo
baba vakabata mwana wavo apo pavanotarisa mufananidzo waJesu

Rutendo muna Jesu Kristu Runotungamirira kuRuponeso

Rutendo muna Kristu runozotitungamirira kuruponeso rwedu. Kristu akagadzirira nzira yekuti tigamuchire upenyu hwokusingaperi. Apo patinorarama norutendo rwedu maAri, tinokwanisa kuregererwa zvivi zvedu uye todzokera kunogara naMwari zvakare.

Dhinda