2023
Jesu Anomutsa Razaro kubva Kuvakafa
Kubvumbi 2023


“Jesu Anomutsa Razaro kubva Kuvakafa,” Friend (Shamwari), Kubvumbi. 2023, 46–47.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari) Kubvumbi 2023

Jesu Anomutsa Razaro kubva Kuvakafa

Mufananidzo
Jesu akagara naMaria, Marita, naRazaro

Mifananidzo naApryl Stott

Maria naMarita vaiva nehanzvadzi yainzi Razaro. Vaiva vari shamwari dzaJesu Kristu.

Mufananidzo
Jesu achimbundira Maria naMarita

Razaro akarwara zvikuru. Nenguva pfupi, akabva afa. Maria naMarita vakasuwa. Apo Jesu paakauya, akachema navo.

Mufananidzo
Jesu akamira paguva raRazaro

Ipapo Jesu akaenda navo kuguva raRazaro. Akati,“Razaro, buda.”

Mufananidzo
Jesu anobatsira Razaro kubuda muguva

Razaro akasimuka uye akafamba kubuda muguva. Akanga ava mupenyu zvakare! Nokuda kwaJesu, tose tichararamazve!’

Peji Yekuisa Ruvara

Jesu Kristu Mupenyu.

Mufananidzo
Peji yekuisa ruvara yemwana wechidiki akabata mufananidzo waJesu

Mufananidzo naApryl Stott

Unorangarira sei Jesu panguva yeIsita?

Dhinda