“Getsemani”, For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2023.
Nzvimbo kubva muMagwaro Matsvene
Getsemani
Dzidza zvakawanda pamusoro penzvimbo iyo kutambura kweMuponesi pachinzvimbo chedu pakwakatanga.
Iri Kupi?
Pamateru eGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema (kurudyi mumufananidzo, kwakamakwa nemuti wakakurisa).
Chii Chaiva Ikoko?
Munda wemiti yemiorivhi uye pamwe nechisviniro chekuwana mafuta kubva mumaorivhi.
Chii Chakaitika Apa?
Mushure meChidyo Chokupedzisira, Jesu Kristu akaenda nevaApositora Vake gumi nemumwechete kuGetsemani. Zvino Iye akaenda parutivi kundonyengetera uye akatora Petro, Jakobo naJohane Naye.
“Akatanga kuvhunduka kwazvo, nokudumbirwa.” Akati, “Mweya wangu uneshungu kwazvo kusvikira pakufa” (Marko 14:33–34).
Akanamata achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri: asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.
“Ipapo mutumwa akaonekwa naye wakabva kudenga, akamusimbisa.
“Zvino ari pakutambudzika kukuru wakanyanya kunyengetera: ziya rake rikaita samadonhwe eropa akadonhera pasi” (Ruka 22:42–44).
Mushure mekutambura zvikurusa uku kwakaitwa neMuponesi, akatengeswa naJudasi uye akasungwa nemakurukota echiJuda uye nechikwata chemauto echiRoma.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, June 2023. Language. 19026 731