“Jesu Akatiratidza Nzira,” Friend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2023, 4–5.
Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari), Nyamavhuvhu 2023
Jesu Akatiratidza Nzira
Jesu Kristu Mwanakomana waBaba Vokudenga. Akauya panyika kuzotiratidza kuti tingadzokera sei kuna Baba Vokudenga rimwe zuva. Jesu akabhabhatidzwa. Akadzidzisa kuti tinofanira kubhabhatidzwawo.
Jesu akatiratidza mararamiro atinofanira kuita. Akada uye akabatsira munhu wose. Anoda kuti tiMutevere.
Jesu akanzwa kurwadziwa kwedu kwose uye akatambura nokuda kwezvivi zvedu. Zvino Akatifira. Urwu runonzi Rudzikinuro rwaJesu Kristu. Akamuka kuvakafa Izvi zvinoreva kuti Mupenyu nhasi! Nekuda kwaJesu Kristu, tinozoraramawo zvakare mushure mokufa.
Jesu akatiitira zvinhu zvose izvi nokuda kwokuti Anotida. Nekuda Kwake, tinokwanisa kugara naBaba vedu Vokudenga nemhuri dzedu rimwe zuva.
Tinokwanisa kutevera Jesu kuburikidza nokubhabhatidzwa. Tinokwanisawo kuMutevera zuva rega rega apo patinoda nekubatsira vamwe uye nekuchengeta mirairo Yake.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro ye Monthly Friend Message, August 2023. Language. 19045 731