2023
Shoko Rokupedzisira: Tsvaka Nzwisiso
Nyamavhuvhu 2023


“Tsvaka Nzwisiso,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Nyamavhuvhu 2023

Tsvaka Kunzwisisa

Zvakatorwa kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2019.

Mufananidzo
mukadzi ane mwenje wemafuta

Mifananidzo naEmily Jones

Chinangwa chedu apo patinotsvaka nzwisiso yevhangeri raJesu Kristu chinofanira kuva chiri chokuwedzera rutendo muna Mwari uye nemuchirongwa chemufaro chehumwari Chavo uye muna Jesu Kristu nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake uye kuwana rutendeuko rusingaperi. Rutendo nerutendeuko rwakawedzera kudaro rwunozotibatsira kuita nekuchengeta zvibvumirano naMwari, nokudaro zvichisimbisa chido chedu chekutevera Jesu uye nokuunza shanduko yezvepamweya yechokwadi matiri. Shanduko iyi inozotiunzira upenyu hwune mufaro, hwune budiriro, uye hwune utano uye yotibatsira kuchengeta maonero okusingaperi.

Mufananidzo
mukomana wechidiki achiverenga magwaro matsvene

Kuti tibudirire mune izvi, tinofanira kugara muna Jesu Kristu kuburikidza nokuzvinyika mumagwaro matsvene, tichifara maari, tichidzidza dzidziso Yake, uye tichiedza nesimba rose kurarama nenzira yaAkararama nayo. Ipapo chete ndipo patinozosvika pakuMuziva uye nokuziva inzwi Rake, tichiziva kuti apo patinouya kwaAri uye tichitenda maAri, hatizombofi takava nenzara kana nyota (ona Johane 6:35).

Mufananidzo
mukomana mudiki achinamata

Izvozvo hazvingoitiki zvoga. Kutambira kurudziro yepamusoro-soro yehumwari hachisi chinhu chiri nyore, zvinoda kudana kuna Mwari uye kudzidza maunziro okuita vhangeri raJesu Kristu pakati peupenyu hwedu.

Mufananidzo
musikana wechidiki akabata mwoyo wake

Ndinopupura kwamuri kuti apo patinotsvaka nemwoyo wose, nechido chose, nesimba orse, uye nechokwadi chose kunzwisisa vhangeri raJesu Kristu nekuridzidzisa kune mumwe nemumwe wedu nechinangwa chechokwadi uye pasi pekurudziro yeMweya, dzidziso idzi dzinogona kushandura mwoyo uye nokukurudzira chido chokurarama maererano nezvokwadi zvaMwari.

Dhinda