2023
Murongerwo weChechi yaJesu Kristu
Gumiguru 2023


“Murongerwo weChechi yaJesu Kristu,” Liahona, Gumiguru 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reRiahona, Gumiguru 2023

Murongerwo weChechi yaJesu Kristu

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

The Lord Jesus Christ [Ishe Jesu Kristu}, naDel Parson

Jesu Kristu ndiye musoro weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Anofemera vaporofita nevaapositora kuti vatungamire Chechi nhasi, sezvaAkaita munguva dzeTestamente Itsva. Vanobatsirwa nevamwe vatungamiri veChechi.

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira iChechi yeMuponesi. “Yakavakwa pamusoro penheyo dzavaapositora navaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe rapakona” (VaEfeso 2:20). Izvi zvinoreva kuti Iye ndiye chikamu chakakoshesa chenheyo. Anotungamira Chechi kuburikidza nevaporofita nevaapositora vaAkasarudza kuti vave vatungamiri.

Mufananidzo
Hutungamiri Hwokutanga

Vatungamiri Vokutanga

Mutungamiri weChechi ndiye muporofita waMwari panyika nhasi. Ndiye muApositora mukuru uye ndiye chete munhu panyika anogashira zvakazarurwa zvokutungamira Chechi yose. Ishe vanomufemera kuti azive kuti ndevapi vaApositora vaviri vekudaidza kuti vashande sevatevedzeri vake. Vanoumba Hutungamiri Hwokutanga. Vose vari vatatu vaporofita, vaoni, uye vazaruri.

Chikwata chevaApositora vane Gumi naVaviri

Nhengo dzeChikwata chevaApositora vane Gumi naVaviri ndidzowo vaporofita, vaoni, nevazaruri. Vanodaidzwa kuti vave zvapupu zvakakosha zvaJesu Kristu. Vanofamba napanyika pose kuti vadzidzise nekupupura pamusoro Pake. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 107:23, 33.)

Zvikwata zvevane Makumi Manomwe

Nhengo dzevane Makumi Manomwe dzinodaidzwawo kuti dzive zvapupu zvaJesu Kristu (ona Dzidziso neZvibvumirano 107:25). Vanobatsira Chikwata chevane Gumi naVaviri kudzidzisa vhangeri nekuvaka Chechi napanyika pose.

Mufananidzo
vatungamiri vachirairana pamwechete

Mufananidzo naMachiko Horii

Vatungamiri veNzvimbo

Vatungamiri venyu vesiteki kana vedunhu, vatungamiri vehubhishopiriki kana vebazi, nevatungamiri vechikwata chemagosa neveChita cheRubatsiro vakadaidzwawo naMwari. Vanokwanisa kukubatsirai kudzidza nekurarama vhangeri. Munokwanisa kudzidza pamusoro pedzimwe dzedaidzo idzi muchinyorwa chaKurume 2022 cheGospel Basics, “Serving in Church Callings.”

Dhinda