2023
Kugadzirira Kuenda Kutemberi
Zvita 2023


“Kugadzirira Kuenda Kutemberi,” Liahona, Zvita 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Zvita 2023

Kugadzirira Kuenda Kutemberi

Mufananidzo
vanhu vachifamba kuenda kuTemberi yeOgden Utah

Mufananidzo weTemberi yeOgden Utah naMark Brunson

Mumatemberi eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira tinokwanisa kugashira zvibvumirano nezvisungo zvinoera zvedu pachedu uye zvemadziteteguru edu. Tinoenda kutemberi kuratidza rudo neruvongo rwedu kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu. Tinokwanisa kugadzirira kuenda kutemberi kuburikidza nekudzidza nekurarama vhangeri raJesu Kristu. Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pematemberi, ona chinyorwa cheGospel Basics “Temple Work” mumagazini yaGumiguru 2021 yeLiahona.

Mufananidzo
mashoko ari kunze kweTemberi yeDurban South Africa

Mufananidzo weTemberi yeDurban South Africa naMatthew Reier

Imba yaIshe

Temberi dzinonzi “imba yaIshe.” Inzvimbo dzinoera dzatinokwanisa kunzwa Mweya waMwari nerudo Rwavo kwatiri. Inzvimbowo idzo dzatinokwanisa kuita zvibvumirano uye nekugashira zvisungo zvakakosha zvinozotigadzirira kuti tive neupenyu hwokusingaperi. (Zvibvumirano ivimbiso dzinoera pakati paMwari nevana Vavo.) Kuva takatendeka kuzvibvumirano zvedu uye nekugashira zvisungo izvi kunotibatsira kuva neukama hwakakosha naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Mufananidzo
wechidiki akamira kunze kweTemberi yeGuayaquil Ecuador

Mufananidzo weTemberi yeGuayaquil Ecuador naJanae Bingham

Ndiani Anokwanisa Kupinda Mutemberi?

Nhengo dzechechi dzinokwanisa kuita rubhabhatidzo rwunoitirwa vakafa kutanga mugore ravanosvitsa makore gumi nemaviri. Nhengo inokwanisa kugashira endaumendi kana iine makore angangoita gumi nemasere, ave nhengo yeChechi kwenguva inoita gore kana kupfuura, uye achida kuita nekuchengeta zvibvumirano zvetemberi (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 27.2.2, ChurchofJesusChrist.org). Murume nemukadzi vakagashira nechekare endaumendi yavo yemutemberi vanokwanisa kusunganidzwa (kuchatiswa) nekusingaperi mutemberi.

Zvibvumirano neZvisungo

Unozoita zvibvumirano uye nekugashira zvisungo mutemberi. “Kupinda muukama hwechibvumirano naMwari kunotisungira kwaVari nenzira inoita kuti zvese zveupenyu zvive nyore” (Russell M. Nelson, “Overcome the World and Find Rest,” Liahona, Mbudzi 2022, 97). Chisungo chiito chinoera chepanyama chinoitwa nemvumo yehupirisita. Zvisungo zvine revo yakadzama yezvepamweya. Semuenzaniso, apo paunotora chinhano muchisungo, unoratidza Mwari kuti unoda kugashira nekuchengeta zvibvumirano Zvavo.

Gadziriro Yako Pachako

Gadzirira pamweya nekutevera dzidziso dzaJesu Kristu uye nekuchengeta zvibvumirano zvawakaita naMwari parubhabhatidzo. Unokwanisawo kunzvera zvishandiso zveChechi, zvakaita semagwaro matsvene nenhaurwa dzemusangano mukuru. Temples.ChurchofJesusChrist.org inopa ruzivo pamusoro peizvo zvekutarisira apo paunoenda kutemberi. Inosanganisirawo zvimwe zvakawanda pamusoro pezvibvumirano, zvisungo, mucherechedzo zvemutemberi.

Mufananidzo
kunze kweTemberi yeNauvoo Illinois

Mufananidzo weTemberi yeNauvoo Illinois naEve Tuft

Mucherechedzo

Ishe nguva zhinji vanodzidzisa vachishandisa zviratidzo. Semuyenzaniso, rubhabhatidzo—kupinda pasi pemvura nokubuda zvakare—zvakafanana nekufa paupenyu hwako hwekare uye kuzvarwa patsva pahupenyu hwako hutsva (ona VaRoma 6:3–6). Zvisungo zvemutemberi zvinonongedza kuna Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake. Zvingangova zvakaoma kunzwisisa micherechedzo yese kekutanga kaunopinda mutemberi, asi unokwanisa kuramba uchidzidza apo paunodzokera kutemberi nemuupenyu hwako hwose.

Mvumo yeMutemberi

Kuti upinde mutemberi, unofanira kuva wakagadzirira uye kuva wakakodzera. Unokwanisa kugashira mvumo yekupinda mutemberi mushure mebvunzurudzo nabhishopi kana mutungamiri webazi wako uye nemutungamiri wesiteki kana wehushumiri. Vatungamiri ava vanozobvunza mudorongodzwa wemibvunzo kuti vave nechokwadi chekuti uri kurarama vhangeri raJesu Kristu. Vatungamiri vako vanokwanisa kutaura newe pamusoro pemibvunzo iyi pachine nguva mberi yokuzoenda kutemberi.

Kudzokera kuTemberi KuitiraMadzitateguru Ako

Baba Vokudenga vanoda kuti vana Vavo vose vaite zvibvumirano Navo uye vagokugashira zvisungo zvinoera. Zvisungo izvi, zvakaita serubhabhatidzo neendaumendi, zvinofanira kuitwa mumatemberi kuitira avo vakafa vasina kugashira vhangeri. Unokwanisa kudzokera kutemberi kunoita zvisungo zvenhengo dzemhuri yako dzakafa.

Dhinda