“Vafudzi Vanoshanyira Jesu Mucheche,” Shamwari, Zvita 2023, 46–47.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend, Zvita 2023
Vafudzi Vanoshanyira Jesu Mucheche
Humwe usiku, ngirozi yakashanyira vafudzi mumafuro. Ngirozi yakavaudza kuti kwaberekwa mwana akakosha. Zita rake ainzi Jesu Kristu. Aizova Muponesi wevanhu vose vari panyika. Dzimwe ngirozi zhinji dzakauya. Dzakaimba dzichiti, “Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika, chido chakanaka kuvanhu.”
Vafudzi vakakurumidza kunoshanyira Jesu mucheche. Vakafara zvikuru kuMuona!
Vafudzi vakaudza vamwe pamusoro paJesu Kristu. Vaida kuti munhu wose anzwe mashoko akanaka.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro ye Monthly Friend Message, August 2023. Language. 19049 731