Riahona
Tinodaidzwa Kuita Zvakanaka
Chikumi 2024


“Tinodaidzwa Kuita Zvakanaka,” Liahona (Riahona), Chikumi 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikumi 2024

Tinodaidzwa Kuita Zvakanaka

Tinovaka umambo hwaMwari apo patinoshandira vamwe, patinosimudza chiedza chedu, uye patinotsigira nokurwira rusununguko rwechitendero.

Gideoni akaziva dzidziso yenhema paakainzwa. Akanga amboinzwa kubva kuna Mambo Noa nevapirisita vake—vapirisita avo “vaitutumara murudado rwemwoyo yavo” uye “vairiritirwa munungo dzavo, uye mukunamata zvifananidzo kwavo, uye nemuufeve hwawo, nemitero iyo mambo Noa yaakanga aisa pavanhu vake” (Mosaya 11:5–6).

Kunyanya kuipa kwazvo, Mambo Noa akanga auraya Abinadai uye akanga atsvaga kuparadza Aruma navatendeuki vake (ona Mosaya 17; 18:33–34). Kuti agumise hunyangadzi hwakadaro, Gideoni akapika kumisa mambo, uyo waaiva asina kuuraya chete nekuda kwekupamba nyika kwavaRamani (ona Mosaya 19:4–8).

Pashure, Gideoni nemazvo akapomera mhosva vapirisita vaNoa yokutora vanasikana vevaRamani makumi maviri nevana. Akacherechedza kuti huporofita hwaAbinadai pamusoro pavanhu hwakanga hwazadzikiswa nokuda kwokuti vakanga varamba kutendeuka. (Ona Mosaya 20:17–22.) Akabatsira kununura vanhu vaRimuhai avo vakanga vari muhutapwa kuvaRamani (ona Mosaya 22:3–9).

Zvino akwegura, Gideoni akatarisana nerudado nehunyangadzi zvakare apo paiva akamira pamberi paNeho, uyo akanga asuma hupirisita hwehunyengedzi pakati pavanhu. Neho “aiva achipikisa chechi” uye achiedza kutsausira vanhu kure. (Ona Aruma 1:3, 7, 12; onawo 2 Nifai 26:29.)

Achishandisa shoko raMwari sechombo chake, mhare Gideoni akatsiura Neho nokuda kwehunyangadzi hwake. Ashatirwa, Neho akarwisa uye akauraya Gideoni nemunondo wake. (Ona Aruma 1:7–9.) Nokudaro akaguma mazuva “emurume akarurama” uyo akanga “aita zvinhu zvakanaka zvakawanda pakati pavanhu ava” (Aruma 1:13).

Mazuva ekupedzisira atiri kurarama maari anotipa mikana yakawanda zvikuru yekutevedzera Gideoni “semudziyo mumaoko aMwari” (Aruma 1:8) kuburikidza nokuva “tinoshandira” (Mosaya 22:4) vamwe, kutsigira nokurwira ururami, uye kukunda tyisidziro kurusununguko rwedu rwekunamata nokushandira Mwari. Apo patinotevera muenzaniso wakatendeka waGideoni, tinokwanisawo kuita zvakanaka zvakawanda.

Mufananidzo
mudzimai akabata tireyi yezvokudya akamira pedyo nemudzimai akarara pamubhedha

Batanai muKushandira

“Sevateveri [veMuponesi], tinotsvaka kuda Mwari navakidzani vedu nepanyika pose,” vakadaro Vatungamiri Vokutanga. “Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ine chido chikuru chokuropafadza vamwe uye nokubatsira avo vanoshaya. Takakomborerwa kuva nekwaniso, zvishandiso, uye hukama hwepasi rose hwakawimbika kuti tiite basa rinoyera iri.”1

Ndinotenda nokushandira uye nokushumira kusina hundingoveni uko kunoitwa nenhengo dzeChechi mumatemberi edu uye nemumawadhi, mapazi, nemasiteki avo. Ndinotendawo kuti nhengo dzeChechi dzinoshanda mumasangano asingaverengeki, emunharaunda, ezvedzidzo, neerubatsiro uye kuti vanobatsira muzviuru zvezviitwa zvorubatsiro gore negore, vachizvipira mamirioni emaawa munyika nemunzvimbo dzinokwanisa kusvika mazana maviri.2

Imwe nzira iyo Chechi yainowedzera nayo mikana yorubatsiro munyika dzakawanda ndeyo kuburikidza neJustServe.org. Inotsigirwa neChechi asi ichiwanikwa nemunhu wose anoda kuropafadza vamwe, JustServe.org “Inobatanidza zvidikanwi zvekuzvipira zvemunharaunda nevanhu vanozvipira” avo “vanosimudzira mwero wehupenyu munharaunda.”3

Chechi nenhengo dzayo zvinobatanawo nemasangano erubatsiro napanyika pose. Chechi, zvichetendwa kunhengo dzayo, yaiva “iri iyo mupi mukurusa mumwechete muchirongwa chekupa ropa cheRed Cross muna 2022.” Pamusoro pazvo, Chechi muchinguva chichangopfuura icho yakapa mupiro wemamirioni masere nemanomwe emadhora kuRed Cross.4

Chechi inobatanawo nemamwe masangano kuunza zvirongwa zvemvura yakachena nehutsanana kunzvimbo napanyika pose. Muna 2022, Chechi yakatora chinhanho muzana nemakumi mashanu ane matanhatu ezvirongwa zvakadaro.5 Tinoshandawo pamwechete uye nekupa kune mamwe masangano anounza rubatsiro kuvana vaMwari vanotambura.6

“Apo patinobatana maoko pamwechete kubatsira vanhu vanoshaya,” vakadaro Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwokutanga, “Ishe vanobatanidza mwoyo yedu.”7

Mufananidzo
maoko akapfumbatidzwa aine chiedza chezuva

Simudza Chiedza Chako

Sevadzidzi veMuponesi, tinoropafadzawo vavakidzani vedu apo patinochengeta zvibvumirano zvedu nekurarama hupenyu hwakafanana nehwaKristu. Bhuku raMormoni rinodzidzisa kuti “vanhu vechechi” havafanire kungosarudza zvakarurama chete asiwo kuita kuti manzwi avo akarurama anzwikwe kana vachida kuti Ishe vavadzivirire nekuvabudiririsa (ona Aruma 2:3–7.; onawo Mosaya 29:27). Ishe vanotitarisira kuti tigovere rutendo rwedu netendero dzedu uye nokusimudza chiedza chedu. “Tarisai ndini chiedza icho imi chamuchasimudza” (3 Nifai 18:24).

“Hatishandire Muponesi wedu zvakanaka kana tichitya vanhu kupfuura zvatinoita Mwari,” vakadaro Mutungamiri Dallin H. Oaks, Mutevedzeri Wokutanga muHutungamiri Hwokutanga. Vakawedzera kuti, “Tinodaidzwa kumisa mwero yaIshe, kwete kutevera yenyika.”8

Kungava kuchikoro, kubasa, kana mukutamba, mukutandara, mukushamwaridzana, kana paindaneti, vadzidzi vaIshe “havanyari kutora pavari zita raKristu” (Aruma 46:21). Kuburikidza nemashoko edu uye mabasa edu, tinopupura kuti Mwari vanorarama uye kuti tinotevera Mwanakomana Wavo.

“Rutendo rwedu harusi rwakapatsanurwa kuiswa muzvikamu zvakasiyana siyana, kana kuti hakufaniri kuva zvakadaro. Rutendo harwusi rwekuchechi chete, harwusi rwemumba chete, harwusi rweku[chikoro] chete,” akadaro Paul Lambert, nyanzvi yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira yezvekuvapo kwezvitendero zvakasiyana siyana. “Nderwe zvose izvo zvaunoita.”9

Hatizivi shanduro iyo uchapupu hwedu, mienzaniso yedu yakanaka, nemabasa edu akanaka yazvingava nayo panavamwe. Asi apo patinorwira nokutsigira zvakarurama uye nokusimudza chiedza cheMuponesi, vanhu vanozoticherechedza uye kudenga kunozotitsigira.

Mufananidzo
mukadzi akamira kunze kwetemberi

Kurwira noKutsigira Rusununguko rweChitendero

Hupirisita hwehunyedzi hwanhasi, nenzanga dzirikuwedzera dzevasingatendi muchitendero dzinopikisa vanhu vechitendero, hazvina kumbonyanya kusiyana kubva kune izvo zvenguva dzemuBhuku raMormoni. Inzwi reavo vanopikisa basa rechitendero munzvimbo dzeruzhinji nedzezvamatongerwo enyika riri kukura zvikuru. Vasingatendi muchitendero uye hurumende, kusanganisira zvikoro nemayunivhesiti akawanda , vari kugombedzera maitiro uye nokukurudzira kusazvibata, kusadavira kuvapo kwaMwari, uye kusavapo kwetsika dzakanaka dzinotarisirwa kumunhu wose.

Kurwiswa kwerusununguko rwechitendero kunozobudirira kana tikasarwira nokutsigira kodzero dzedu dzechitendero. “Sechechi,” ndakadzidzisa chinguva chipfupi chapfuura icho kuti, “tinobatana nezvimwe zvitendero tichidzivirira vanhu vezvitendero zvose nevimbo dzose uye nekodzero dzavo dzokutaura zvavanotenda mazviri.”

Hondo kudenga yakarwiwa pamusoro pekwaniso yokuzvisarudzira tsika—rusununguko rwedu rwokusarudza. Kuti tichengetedze kwaniso yedu yokuzvisarudzira zvinoda kuti tishingaire mukudzivirira rusununguko rwedu rwechitendero.

Kutenda muchitendero nesimba rose kunosimbisa uye kunodzivirira mhuri, nharaunda, uye ndudzi. Kunoita kuti mitemo iteererwe, kunodzamisa mupfungwa ruremekedzo rweupenyu nepfuma, uye kunodzidzisa rudo rwakadzama, ruvimbiko, uye kuzvibata, hunhu hwakanaka hwunodikanwa kukurudzira nzanga yavanhu yakarurama, yakasununguka uye ine hururami. Hatifaniri kumbofa takakukumbira ruregerero nokuda kwerutendo rwedu.

Mabasa edu ehushumiri, basa redu remutemberi muchinzvimbo chavamwe, mabasa edu ekuvaka umambo hwaMwari, uye mufaro wedu chaiwo zvinoda kuti tirwire uye titsigire rutendo nerusununguko rwechitendero. Hatikwanisi kurasikirwa nerusununguko urworwo tisingarasikirwi nerumwe rusununguko rwose.

Muporofita Joseph Smith vakadzidzisa kuti, “Rudo rwerusununguko ndirwo rwunokurudzira mweya wangu—murusununguko rwemagariro nerwechitendero kumarudzi ose evanhu.”11 Rusununguko rwechitendero runozokurudzirawo mweya yedu apo patinotevera rairo dzinobva kuvatungamiri veChechi:

  • “Garai muchiziva pamusoro pezvinhu zvakakosha kuruzhinji, uye zvino mozotaura neushingi uye nehunhu hwakanaka.”12

  • “Zivai kuti kuparara kwerusununguko rwechitendero kunozokanganisa zvikuru mikana yedu yekukura musimba uye nemuruzivo rwevhangeri, kuti tigoropafadzwa nezvisungo zvinoera, uye nokuvimba panaIshe kutungamirira Chechi Yavo.”13

  • “Simukai uye mutaure kuti musimbise kuti Mwari variko uye kuti kune zvokwadi zvikurusa zvinomiswa nemirairo Yavo.14

  • “Pikisai mitemo inozokanganisa rusununguko rwedu rwekunamata muzvitendero zvedu.”15

  • “Endai munyika kuti kunoita zvakanaka, kuvaka rutendo muna Mwari Samasimba, uye kunobatsira kuunza vamwe kunzvimbo inonyanya kuva nemufaro.”16

  • Zvinyorwa zvokunzvera zviri pawebhusaiti inoti religiousfreedom.ChurchofJesusChrist.org uye inotireligiousfreedomlibrary.org/documents.

Tinovaka umambo hwaMwari apo patinoshandira vamwe, kusimudza chiedza chedu, uye kurwira nokutsigira rusununguko rwechitendero. Dai Ishe vatikomborera mukuedza kwedu kuita “zvakanaka zvakawanda” pakati pemhuri, munharaunda, nendudzi dzedu.

Manotsi

  1. “Mashoko akabva kuVatungamiri Vokutanga,”muna Caring for Those in Need: 2022 Annual Report of The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 3, ChurchofJesusChrist.org.

  2. Ona Caring for Those in Need: 2022 Annual Report, 4, ChurchofJesusChrist.org.

  3. Justserve.org/about. JustServe iri kushanda munyika gumi nenomwe. Zviuru nezviuru zvavanhu namasangano zviri kuropafadzwa kuburikidza nechirongwa ichi.

  4. Ona Kaitlyn Bancroft, “Church Donates $8.7 M as Part of Red Cross Collaboration,” Church News, Kubvumbi 22, 2023, 23.

  5. Ona Marry Richards, “Church Joins with Groups around the World to Tap into the Gift of Water,” Church News, Chivabvu 27, 2023, 12.

  6. Ona Dallin H. Oaks, “Helping the Poor and Distressed,” Liahona, Mbudzi 2022, 6–8.

  7. Henry B. Eyring, “Opportunities to Do Good,” Liahona, Chivabvu 2011, 25.

  8. Dallin H. Oaks, “Unselfish Service,” Liahona, Chivabvu 2009, 94–95.

  9. Paul Lambert, muRachel Sterzer Gibson, “Why Is There a Need for Faith in the Workplace?” Church News, Kubvumbi 22, 2023, 16.

  10. Ronald A. Rasband, “To Heal the World,” Liahona, Chivabvu 2022, 92.

  11. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2011), 345.

  12. D. Todd Cristofferson, “Religious Freedom—A Cherished Heritage to Defend” (nhaurwa paFreedom Festival Patriotic Service, Provo, Utah, Chikumi 26, 2016), 5–6, speeches.byu.edu.

  13. Ronald A. Rasband, “Free to Choose” (Brigham Young University devotional, Ndira 21, 2020), 3, speeches.byu.edu.

  14. Dallin H. Oaks, “Truth and Tolerance” (Brigham Young University devotional, Gunyana 11, 2011), 2, speeches.byu.edu.

  15. Dallin H. Oaks, “Truth and Tolerance,” 4.

  16. Ronald A. Rasband, “Free to Choose,” 5, speeches.byu.edu.

Dhinda