Riahona
Chii chaizvo chatinovimbisa apo patinobhabhatidzwa?
Chikumi 2024


“Chii chaizvo chatinovimbisa apo patinobhabhatidzwa?,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikumi 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (Rusimbiso rweVechidiki) , Chikumi 2024

Chii chaizvo chatinovimbisa apo patinobhabhatidzwa?

Mufananidzo
rubhabhatidzo

Rubhabhatidzo, naAnnie Henrie Nader

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti apo patinobhabhatidzwa, tinoita chibvumirano (kana kuvimbisa) kuva nechipo chokutora patiri zita raJesu Kristu, kushandira Mwari, uye kuchengeta mirairo Yavo (Ona Mosaya 18:10; Dzidziso neZvibvumirano 20:37, 77).

Tinodzidza zvakare mumagwaro matsvene kuti rubhabhatidzo runotibatsira kuzadzikisa chido chedu “chokuuya mudanga raMwari, uye kudaidzwa kuti vanhu vavo” (Mosaya 18:8). Nemamwe mashoko, chimwe chikonzero chatinobhabhatidzwa ndechokuti tinoda kupinda muChechi yaJesu Kristu uye kuwana rudo uye nekuva vehwo uko kunobva mukubatanidzwa munaKristu.

Kuzvipira kushandira Ishe uye kuchengeta mirairo Yavo kunokwanisa kusanganisira zvinhu zvizhinji nemuhupenyu hwedu hwose. Semuenzaniso, kunosanganisira kuva “nechido chokutakurirana mitoro, … kuchema neavo vanochema; hongu, kunyaradza avo vanenge vachida nyaradzo, uye nokumira sezvapupu zvaMwari panguva dzose uye muzvinhu zvose, uye munzvimbo dzose” (Mosaya 18:8–9).

Dhinda