Riahona
Gamendi reHupirisita Hutsvene
Gunyana 2024


“Gamendi reHupirisita Hutsvene,” Liahona, Gunyana 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Gunyana 2024

Gamendi reHupirisita Hutsvene

Sechikamu cheendaumenti yemutemberi, takapuwa yeuchidzo yepanyama inoera yezvibvumirano zvedu—chiratidzo cheMuponesi Pachake.

Mufananidzo
Adama naEva vachifamba pamwechete

Chikamu chakabva kuAdam and Eve [Adama naEva], naDouglas M. Fryer

Zvisinei negadziriro yavakapuwa zvechokwadi uye vimbiso dzavakaedza kurangarira, zvinofanira kunge zvakava vhundutso hurusa kuna Adama naEva kusiya Bindu ravo reEdeni reparadhiso uye kupinda munyika yakaputsika.

Noruzivo rwakakomba, vakanzwisisa zvazvaireva kuchinjanisa upenyu hwavo hune runyararo, hwurinyore nenyika yerupikiso nedikita, minzwa nerusuwo—zvichiteverwa pokupedzisira nechimwe chinhu chinonzi rufu. Havaikwanisa kunge vakaziva pakutanga izvo zvairehwa nezvose izvi, asi vakazoziva nokukurumidza kuti zuva rimwe nerimwe raikwanisa kuunza marwadzo matsva. Zvechokwadi, chairwadza zvikurusa kudarika zvose chaiva ruzivo rwokuti vaizotarisana nezvose izvi vakaparadzaniswa kubva kuna Baba vavo Vokudenga—“vaparadzaniswa kubva pamberi pavo,” Mosesi akazonyora pashure.

Tichifunga pamusoro pekuparadzaniswa uku uye kusurukirwa munyika inotonhora, inerusuwo, zvinofanira kuva zvainyaradza Adama naEva zvikuru kuyeuka chinhu chimwechete: chekuti zvivimbiso zvakanga zvaitwa—chimwe chinhu chinoera uye chekusingaperi chinonzi zvibvumirano. Vakanga vavimbisa kuti vaizoteerera Baba mazuva ose eupenyu hwavo, uye Ivo vakanga vavimbisa kuvapa Muponesi, uyo aizorerutsa marwadzo nerusuwo rwavo, odzikinura zvikanganiso zvavo, uye ovaunza zvakachengeteka pamberi Pavo.

Asi vanhu vanofa ava vaizorangarira sei zvavakanga vavimbisa? Vaizoramba vachiziva sei nezvemamiriro ezvinhu avo ane njodzi—vachiziva nguva dzose, masikati neusiku?!

Yeuchidzo yeZvibvumirano Zvavo

Kuitira yeuchidzo yakadai Vakavapa “nguwo dzematehwe.” Ichi chaiva chipo chikuru uye chakapuwa panguva chaiyo yakakodzera. Mushure mekudya muchero wakarambidzwa, Adama naEva vakabva vaziva pangangova pakarepo kuti vaiva vasina kusimira. Kutanga, vakaedza kufukidza kusasimira kwavo nemashizha emuonde. Zvino, nekutya kuti izvozvo zvaiva zvisina kukwana, vakedza kuvanda kubva kuna Ishe. (Kuedza kwoupenzi kwadaro kwaiva umboo hwokuti upenyu hunofa hwaiva hwava kutora chinzvimbo!) Kubva panguva iyoyo kusvika iyezvino, Baba vane rudo vakakoka vana Vavo kuti vauye, kubva mukuvanda, kwaVari. Uye sezvazvaiva nenguwo dzematehwe panguva iyoyo uye nezvipfeko zvakasiyana-siyana kubvira ipapo, Ivo netsitsi Dzavo havana kutisiya tisina kusimira asi vakapfekedza vanoteerera “munguwo yoururami,” yeuchidzo yezvivimbiso nezvibvumirano zvedu. “Nguwo dzeruponeso” idzi dzinomiririra chipo chikurusa kudarika zvose, Rudzikinuro rwaJesu Kristu.

Gamendi Chiratidzo cheMuponesi

Zvino, kwose kufunga uku pamusoro paAdama naEva nezvibvumirano nezvipfeko, pachokwadi, kunopfuura kungova chete kushandiswa kwepfungwa. Hazvina kuoma kufungidzira manzwiro akaita Adama naEva, nokuti isuwo tinotarisana nezvinetso munyika ino yakaputsika. Isuwo takaparadzaniswa kubva pamberi paMwari, uye zvakare tinozviisa kure isu pachedu nguva yose yatinotadza. SaAdama naEva, takapuwa Muponesi mumwecheteyo, Jesu Kristu weNazareta, Arufa naOmega, Mwanakomana waMwari mupenyu. SaAdama naEva, takaita zvibvumirano naMwari. Uye, sechikamu cheendaumenti yemutemberi, takapuwa yeuchidzo inoera yepanyama yezvibvumirano izvozvo—chiratidzo cheMuponesi Pachake. Mumukuwo wedu rinonzi gamendi rehupirisita hutsvene.

Mufananidzo
mufananidzo waJesu Kristu

Chikamu chakabva kuThe Second Coming [Kuuya Kwechipiri], naHarry Anderson

Tinopfeka gamendi iri pazasi pembatya dzedu dzekunze. Api neapi zvawo mabasa andiinawo, zvipi nezvipi zvazvo zvinzvimbo zvandinobata muupenyu, api neapi zvawo mabasa anodikanwa nekurarama kwezuva nezuva, pasi pazvo zvose pane zvibvumirano zvangu—nguva dzose uye nariinhi nariinhi. Pasi pazvo zvose pane izvozvo zvivimbiso zvinoera zvandinobatirira zvakasimba pazviri. Gamendi racho harishambadzirwi kana kuratidzwa pamberi penyika, uye kanawo zvibvumirano zvangu. Asi ndinochengeta zvose pedyosa neni—pedyosa sezvose zvandinokwanisa. Ndezvemunhu iye pachake chaiye uye zvinoera zvikurusa.

Mukurangarira zvibvumirano izvozvo, zvivimbiso zvepakati pedu naMwari izvozvo, tinopfeka gamendi racho nemuupenyu hwedu hwose. Muitiro uyu unoratidza chido chedu chekuti Muponesi ave hurudziro yenguva dzose muupenyu hwedu. Zvimwe zviratidzo zvinodiwa ndezve nguva nenguva. Tinobhabhatidzwa kamwechete muupenyu hwedu. Tinotora sakaramende kamwechete pavhiki. Tinoenda kutemberi apo mamiriro ezvinhu paanobvumira. Asi gamendi rehupirisita hutsvene rakasiyana: chiratidzo ichi tinochikudza zuva roga roga neusiku hwoga hwoga.

Uye izvo ndizvo zvakaita zvibvumirano—hazviiswe parutivi nokuda kwekuti zvakatinakira kana nokuda kwekushaya hanya uye hazvishandurwi kuti zvienderane nemafashoni eruzhinji. Muupenyu hwemudzidzi waJesu Kristu, nzira dzenyika dzinofanira kushandurwa kuti dziyanane nezvibvumirano zvedu, kwete kushandura zvibvumirano zvedu kuti zviyanane nenzira dzenyika.

Apo patinopfeka gamendi, tiri, sekudzidzisa kwakaita Vatungamiri Vekutanga, kupfeka chiratidzo chinoera chaJesu Kristu. Izvo zvichiva saizvozvo, tingambotsvagirei chikonzero chekubvisa chiratidzo ichocho? Tingazvinyimirei chivimbiso chesimba, dziviriro, uye ngoni zvinomiririrwa negamendi? Mukusiyana naizvozvo, apo pose patinofanira kubvisa gamendi racho kwechinguva chidiki, tinofanira kuva nechido chikuru chokuripfeka zvakare, nokukurumidza naapo pose pazvinokwanisika, nokuti tinorangarira zvose zvivimbiso nenjodzi zvinopa revo kuzvibvumirano zvedu. Pamusoro pazvose, tinorangarira muchinjikwa uye guva raKristu risina chinhu.

Vamwe vangangoti, “Ndine dzimwe nzira dzokurangarira nadzo Jesu.” Uye ndinozopindura ndichiti, izvozvo zvakanakisa. Zvakawanda zviri nani. Tose ngatifungei nezvenzira dzakawanda dzose dzatinokwanisa dzokuchengeta kuzvipira kwedu kwekuti “timurangarire nguva dzose.” Asi mukuita kudaro, kunenge kuri kusavimbika kusacherechedza nemaune yeuchidzo iyo Ishe Pachavo yavakapa kune vakatora endawumenti, gamendi rehupirisita hutsvene.

Jesu Kristu nevhangeri Rake zvinokosha zvikurusa kwandiri. Tarisiro neshuviro dzangu dzose dzekusingaperi, zvinhu zvose zvandinokoshesa, zvakamisirwa paAri. Ndiye “dombo reruponeso rwangu,” nzira yangu yokusvika kuna Baba vangu Vokudenga, nzira yangu chete yokudzokera kune izvo zvandaimbova nazvo uye iyezvino zvandinoda kuva nazvo zvakare, pamwepo nezvimwe zvakawandisa. Chipo chake kwatiri ndicho chipo chine rupo rukurusa chandati ndambogamuchira, chine rupo rukurusa chakati chambopuwa—chakatengwa sezvachakaitwa nekutambudzika kusina mugumo, chakapuwa kuhuwandu husina mugumo, chakapuwa nerudo rusina mugumo. Minzwa neutumbambeva, marwadzo nematambudziko makuru, rusuwo nezvivi zvenyika ino yakaputsika zvose “zvakakurirwa muna Kristu.”

Saka ndinopfeka gamendi rehupirisita hutsvene—zuva roga roga neusiku hwoga hwoga zvakakodzera kubvira pandakatora endawumenti makore makumi matanhatu nemana akapfuura ayo, pazera remakore gumi nemapfumbamwe—nokuti ndinoMuda uye nokuti ndinoda zvivimbiso zvarinomiririra.

Mibvunzo pamusoro peKupfeka Gamendi?

Vamwe venyu munogona kunge murikuverenga chinyorwa ichi muchitarisira kuti ndinozopindura mumwe mubvunzo pamusoro pegamendi. Munogona kutarisira ndevo yokuti “Nokudaro vanotaura Ishe”—kana kunyangwe yokuti “Nokudaro vanotaura varanda Vavo”—panyaya iri pedyo nomwoyo wenyu. Mubvunzo wenyu unogona kubva pamamiriro ezvinhu enyu pachenyu ari maererano nemushando wokubhadharwa, kugwinyisa muviri, utsanana, mamiriro okunze, mutsigo, nzvimbo dzezvimbuzi, kana kunyangwe mamiriro eutano.

Dzimwe mhinduro kurudzi urwu rwemibvunzo dzinokwanisa kuwanikwa pawebhusaiti inoti temples.ChurchofJesusChrist.org uye muchikamu 38.5 cheGeneral Handbook. Nhengo dzemhuri navatungamiri vakavimbika vanogona kubvunzwa pamusoro penyaya yemunhu pachake. Kune, zvisinei, gwara rakanyatsojeka rinopuwa muzvisungo zvekutanga, uye kuna nariinhi nariinhi wose Baba venyu vari Kudenga, avo vanokuzivai uye vanokudai uye vanonzwisisa zvinhu zvose pamusoro pemamiriro ezvinhu enyu. Vanozofara zvikuru kuti muVabvunze mibvunzo iyi imi pachenyu.

Mufananidzo
shongwe yeTemberi yeSt. George Utah

Mufananidzo weshongwe yeTemberi yeSt. George Utah

Ndapota musakanganisa kunzwisisa. Apo pamunotsvaka nhungamiro yeumwari, Mweya hauzokukurudzirii kuita zvishoma kupfuura kutevera rairidzo yagamuchirwa mutemberi uye rairo yehuporofita yakagoverwa neVatungamiri Vekutanga muchirevo chavo chenguva ichangopfuura. Baba vane rudo havazokubatsirai kururamisa kuita zvishoma kupfuura zvamunokwanisa kuti muyanane nemwero Yavo yekuzvipira uye mutsigo izvo zvinozokuropafadzai iyezvino uye nariinhi nariinhi. Asi Vanonzwisisa here mibvunzo yenyu, uye Vanozokubatsirai here kugamuchira maropafadzo ekuremekedza gamendi uye kuchengeta zvibvumirano zvenyu? Hongu! Munofanirawo here kubvunza vane unyanzvi hwezvekurapa nezveutano apo pazvinodikanwa? Hongu chaizvo! Munofanira here kushaya hanya nepfungwa dzine musoro kana kutarisa zvinopfuuridza nharidzo? Ndinonamata kuti hamuzodaro.

Handikwanisi kupindura mubvunzo wose wamuinawo. Handikwanisi kunyangwe kupindura mubvunzo wose wandiinawo. Asi ndinokwanisa, semuApositora waIshe Jesu Kristu, kukuvimbisai rubatsiro rwaMwari vane rudo, avo vanotsvaga budiriro yenyu yose neropafadzo renyu rose, munzira dzamusingakwanisi iyezvino kunzwisisa kana kufanoona, apo pamunochengeta zvibvumirano zvamakaita Navo.

Dhinda