Riahona
Mutoo weRubatano muna Jesu Kristu
Gumiguru 2024


‌“Mutoo weRubatano muna Jesu Kristu,” Liahona, Gumiguru 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Gumiguru 2024

Mutoo weRubatano muna Jesu Kristu

Apo patinobatana muna Jesu Kristu sezvakaitwa nevanhu vemuna 4 Nifai, chido chedu chekuva mumwechete chinokunda misiyano yedu uye zvotungamirira kumufaro.

Chivezwa chaChristus [Kristasi]

Tiri kurarama panguva apo simba gurusa rerupesano negakava riri kupararira nepasi pose. Zvichiparadzirwa kuburikidza netekinoroji uye zvichikurudzirwa nevanhu vane mwoyo yavo yakaoma, masimba anopesanisa aya anechinangwa chokuzadza mumwoyo yedu neruzvidzo uye nekuoresa nzira dzedu dzematauriro negakava. Rubatano pakati pavagarisani rwuri kuparara. Hondo dziri kurwiwa nesimba gurusa.

Mumamiriro ezvinhu aya, vateveri vechokwadi vaJesu Kristu vanoshuvira runyararo zvikurusa uye vanotsvaka nesimba kuumba rudzi rwenzanga rwakasiyana—urwo rwakamisirwa padzidziso dzaJesu Kristu. Kuitira kubudirira pachinangwa ichi, Ishe vakatiraira kuti “tive mumwechete; uye kana musiri mumwechete hamusi vangu”(Dzidziso neZvibvumirano 38:27). Chokwadi, rubatano ndirwo hunhu hwunotsanangura Chechi yechokwadi yaJesu Kristu.

Tinopikisa sei masimba eruparadzaniso negakava? Tinowana rubatano sei?

Chakanaka ndechokuti, 4 Nifai muBhuku raMormoni inotipa muenzaniso. Chitsauko ichi chinorondedzera muchidimbu mararamiro aiita vanhu mushure mokunge Muponesi avashanyira, avadzidzisa, uye amisa Chechi Yake pakati pavo. Rondedzero iyi inoratidza kuti vanhu ava vakawana sei rubatano rwakanakisisa uye runerunyararo, uye inotipa mutoo watinokwanisa kutevedzera kuti tiwanewo rubatano rwumwecheterwo isu pachedu.

Rupinduko

Muna 4 Nifai 1:1, tinoverenga kuti: “Vadzidzi vaJesu vakanga vavamba chechi yaKristu munyika dzose dzaiva dzakapoteredza. Uye [vanhu] vakauya kwavari, uye vakatendeuka zvechokwadi pazvivi zvavo.”

Tinobatana panaIshe neMuponesi Jesu Kristu. Apo munhu mumwe nemumwe paanodzidza nezvaJesu Kristu, vhangeri Rake, neChechi Yake, Mweya Mutsvene unopupurira nezvechokwadi kumwoyo wemunhu mumwe nemumwe. Mumwe nemumwe wedu zvino anokwanisa kugamuchira kokero yeMuponesi yokuva nerutendo maAri uye kuMutevera kuburikidza nokutendeuka.

Apa ndipo panotangira rwendo rwerupinduko rwemunhu pachake—achisiya zvido zveundingoveni nezvezvivi akananga kuMuponesi. Ndiye hwaro rworutendo rwedu. Uye apo mumwe nemumwe wedu paanotarira kwaAri mufungwa dzose (ona Dzidziso neZvibvumirano 6:36), Anozova simba rerubatanidzo muhupenyu hwedu.

Zvibvumirano

Rondedzero iri muna 4 Nifai inoenderera mberi nokutaura kuti avo vakauya kuChechi uye vakatendeuka pazvivi zvavo “vakabhabhatidzwa muzita raJesu; uye vakagamuchirawo Mweya Mutsvene”(4 Nifai 1:1). Vakanga vapinda muchibvumirano—hukama hwakakosha, hunovabatanidza—naMwari.

Patinoita nekuchengeta zvibvumirano, tinotora zita raIshe patiri sevanhu pachavo. Pamusoro pazvo, tinotora zita Ravo patiri sevanhu. Vose vanoita zvibvumirano uye voedza nesimba rose kuzvichengeta vanova vanhu vaIshe, pfuma Yavo yakakosha (ona Eksodo 19:5). Nokudaro, tinofamba gwara rechibvumirano zvose semunhu pachake uye sevanhu pamwechete. Hukama hwechibvumirano hwedu naMwari hwunotipa chinangwa chimwechete uye nezivikanwo imwechete. Apo patinozvibatanidza kuna Ishe, Anotibatsira kuti “mwoyo yedu ibatanidzwe pamwechete murubatano uye nemurudo kumunhu mumwe nemumwe wedu” (Mosaya 18:21).

Ruenzaniso, Ruenzano, uye Kubatsira Varombo

Rondedzero iri muna 4 Nifai inoenderera mberi ichiti: “Paiva pasina makakava uye makakatanwa pakati pavo, uye munhu woga woga akabata noruenzaniso mumwe wake.

“Uye zvinhu zvose zvakanga zviri zvavo vose pakati pavo; naizvozvo pakanga pasina vapfumi kana varombo, vakasungwa uye vakasununguka, asi vose vakaitwa vakasununguka, uye vagamuchiri vechipo chokudenga” (‌4 Nifai 1:2–3).

Mumishando yedu yepanyama, Ishe vanoda kuti tive neruenzaniso uye tiite zvakarurama kune mumwe nemumwe wedu uye kuti tisabirirana kana kuitirana zvohunyengeri (ona 1 VaTesoronika 4:6). Apo patinoswedera pedyo naIshe, “hatizovi nepfungwa dzokukuvadzana, asi kugara murunyararo, uye nokupa kumunhu wose maererano neizvo zvose zvinenge zviri zvakakodzera kwaari” (‌Mosaya 4:13).

Ishe vakatirairawo kuti tiriritire varombo nevanoshaiwa. Tinofanira “kugovera chikamu chepfuma [yedu]” kuvabatsira, maererano nezvatinokwanisa kuita, tisingavatongi (ona Mosaya 4:21–27).

Mumwe nemumwe wedu anofanira “kukudza hama yake sezvaanozviita” (Dzidziso neZvibvumirano 38:24). Kana tichizova vanhu vaIshe uye tova norubatano, tinofanira kwete kungobatana zvakaenzana chete, asiwo tinofanira kuona mumwe nemumwe wedu seakaenzana nesu uye kunzwa mumwoyo yedu kuti takaenzana—kuti takaenzana pamberi paMwari, tine hukoshi hwakaenzana uye tine kwaniso yakaenzana.

Kuteerera

Chidzidzo chinotevera kubva muna 4 Nifai chinouya muchirevo chakareruka ichi: “Vakafamba maererano nemirairo yavakanga vagamuchira kubva kuna Ishe wavo naMwari wavo”(4 Nifai 1:12).

Ishe vakanga vadzidzisa vanhu ava dzidziso Dzavo, vakavapa mirairo, uye vakadaidza varanda kuti vavashandire. Chimwe chezvinangwa Zvavo mukuita izvi chaiva chekuita chokwadi chekuti hapazovi nemakakatanwa pakati pavo (ona 3 Nifai 11:28–29; 18:34).

Kuteerera kwedu kudzidziso dzaIshe nevaranda Vavo kwakakosha zvikuru pakuva kwedu nerubatano. Izvi zvinosanganisira kuzvipira kwedu kuteerera murairo wokutendeuka apo pese patinokanganisa uye kubatsirana apo patinenge tichiedza kuita zvirinani uye kuva varinani zuva roga roga.

vanhu vakatarisa magwaro matsvene mumusangano

Kusangana Pamwechete

Chinotevera, tinodzidza kuti vanhu vemuna 4 Nifai “[vakaenderera mberi] mukutsanya nekunamata, uye mukusangana pamwechete kakawanda kuti vanamate nekunzwa shoko raIshe” (4 Nifai 1:12).

Tinofanira kusangana pamwechete. Misangano yokunamata yedu yevhiki roga roga ndiyo mukana wakakosha wekuti tiwane simba, semunhu pachake uye sevanhu pamwechete. Tinotora sakaramende, nokudzidza, nokunamata, nokuimba pamwechete, uye nokutsigirana. Kumwe kuungana kunotibatsirawo kuti tive nemanzwiro ekuva vehwo, ehushamwari, uye ekuva nechinangwa chimwechete tose.

Rudo

Rondedzero iri muna 4 Nifai zvino inotipa iyo pamwe iyo inova kiyi hurusa kuzvose izvi—chinhu icho kana chisipo rubatano rwechokwadi harukwanisi kuwanikwa: “Hapana kuzova nekusanzwisisana munyika yacho, nekuda kwerudo rwaMwari urwu rwakagara mumwoyo yevanhu” (4 Nifai 1:15).

Runyararo rwemunhu pachake rwunowanikwa apo, mukuteerera kunoruninipo, patinoda Mwari zvechokwadi. Uyu ndiwo murairo wokutanga uye mukuru. Kuda Mwari kupfuura munhu upi zvake kana chinhu chipi nechipi zvacho ndiwo mamiriro ezvinhu anounza runyararo rwechokwadi, nyaradzo, chivimbo, uye mufaro. Patinova nerudo kuna Mwari naJesu Kristu, rudo kumhuri nemuvakidzani runozotevera zviri nyore.

Mufaro mukurusa watinozombova nawo unoitika apo patinenge takazadzwa nerudo rwaMwari uye nerwevana Vavo Vese.

Rudo rwakadzama, rudo rwakarurama rwaKristu, ndirwo mushonga wegakava. Ndirwo hunhu hukurusa hwemuteveri wechokwadi waJesu Kristu. Apo patinozvininipisa pamberi paMwari uye tonamata nesimba rose remwoyo yedu, Mwari vanozotipa rudo rwakadzama (ona Moronai 7:48).

Apo tose patinotsvaka kuva nerudo rwaMwari rwuchigara mumwoyo yedu, chishamiso cherubatano chinozotaridzika sechingori chemusikirwo kwatiri.

Zivikanwo yeHumwari

Pokupedzisira, vanhu vari muna 4 Nifai vakaratidza chiratidzo cherubatano chinokodzera cherechedzo yedu: “Kwaiva kusina makororo, kana mhondi, uye kwaiva kusina vaRamani, kana mapoka avanhu aiparadzaniswa nokuti rudzi rwechi-; asi vaiva boka rimwechete, vana vaKristu, uye vagari venhaka kuumambo hwaMwari” (4 Nifai 1:17).

Zvinzvimbo zvakanga zvapatsanura vanhu kwemazana emakore zvaiva zvisisina kukosha pamberi pezivikanwo inoramba iripo nariinhi uye inerukudzo. Vaizviona ivo pachavo—uye nevamwe vanhu vese—maererano nehukama hwavo naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

Kusiyana kwetsika uye nokusiyana kwedu kunokwanisa kuva chinhu chakanaka uye chakakosha kwatiri. Asi zivikanwo dzedu dzakanyanya kukosha ndeidzo dziri maererano namavambo ehumwari edu uye nechinangwa chehumwari chedu.

Chokutanga uye chakosha zvikurusa ndechekuti, mumwe nemumwe wedu mwana waMwari. Chechipiri, senhengo yeChechi, mumwe nemumwe wedu mwana wechibvumirano. Uye chechitatu, mumwe nemumwe wedu mudzidzi waJesu Kristu. Ndinokurudzira isu tose kuti tisabvumira imwe ipi zvayo zivikanwo kuti “ibvise, itsive, kana kuti ive inonyanya kukosha kupfuura zivikanwo nhatu idzi dzinoramba dziripo nariinhi.”

mhuri yakagara pamwechete pasi

Ivai Mumwechete

Mwari vakakoka vose kuti vauye kwaVari. Kune nzvimbo yemunhu wose. Tinogona kunge takasiyana mutsika dzedu, munezvematongerwo enyika zvedu, rudzi rwedu, zvatinofarira, uye nemune dzimwe nzira dzakawanda. Asi apo patinobatana muna Jesu Kristu, misiyano iyoyo inozoshaya simba mukukosha kwayo uye inotsiviwa nechido chedu chakasimba chekuva mumwechete—kuitira kuti tigova Vavo.

Teererai kuzvidzidzo zvinodzidziswa muna 4 Nifai. Apo mumwe nemumwe wedu paanoedza kushandisa misimboti yakakosha iyi yerubatano muhupenyu hwedu, zvinogona kuzonzi nezvedu, sezvazvakataurwa nezvavo kuti, “Zvirokwazvo kwaiva kusingakwanisi kuva navanhu vaifara kuvapfuura pakati pavanhu vose vakanga vasikwa noruoko rwaMwari.” (4 Nifai 1:16).

Manotsi

  1. Kuti uzive zvakawanda pamusoro perevo neropafadzo dzokuita zvibvumirano naMwari, ona Russel M. Nelson, “Chibvumirano Chisingaperi,” Liahona, Oct. 2022, 4–11.

  2. Russell M. Nelson “Choices for Eternity” (munamato wepanyika pose wevechidiki vati kurei, Chivabvu 15, 2022), Gospel Library.