Jesu Kristu Ndiye Manyuko “eTariro Mhenyu,’‘Yakanaka,’ uye “Yakanyanya Kunakisisa,’” Liahona (Riahona), Zvita 2024.
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Zvita 2024
Jesu Kristu Ndiye Manyuko “eTaririro Mhenyu,” “Yakanaka,” uye “Yakanyanya Kunakisisa”
Munguva ino inokosha yekupemberera kuzvarwa kwemucheche muBetrehema, ngativei tinorangarira nguva dzose kuti Jesu Kristu akauya panyika kuzova Muponesi uye Mununuri wedu.
MuApositora Petro uye vaporofita vemuBhuku raMormoni Jakobo naMoronai vanosimbisa chipo chezvepamweya chetariro muna Kristu nenzira dzakafanana dzinorairidza.
Semuenzaniso, Petro akazivisa kuti, “Mwari, Baba vaIshe vedu Jesu Kristu, ngavatendwe, vakatiberekazve nengoni dzavo huru kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa” (1 Petro 1:3; kusimbisa kwakawedzerwa). Ndapota cherechedzai kushandiswa kweshoko rekuti “mhenyu” kutsanangura “tariro.”
Jakobo akazivisa kuti, “Naizvozvo, hama dzinodiwa, yananiswai kwavari nerudzikinuro rwaKristu, Mwanakomana wavo Mumwechete Wakaberekwa, uye imi mugowana kumuka kuvakafa, maererano nesimba rekumuka kuvakafa iro riri muna Kristu, uye mugokumikidzwa sezvibereko zvokutanga zvaKristu kuna Mwari, nokunge muine rutendo, uye makawana tariro yakanaka yekubwinya kwake asati azviratidza pachake munyama” (Jakobo 4:11; kusimbisa kwakawedzerwa). Ndapota cherechedzai kushandiswa kweshoko rekuti “kunaka” kutsanangura “tariro.”
Uye Moronai akataura kuti, “Uye ndinorangarirawo kuti imi makati makagadzirira munhu imba, hongu, kunyangwe pakati pedzimba huru dzaBaba venyu, umo munhu maangava netariro yakanyanya kunakisisa; naizvozvo munhu anofanira kutarisira, kana kuti haangazokwanisi kugamuchira nhaka munzvimbo iyo imi yamakagadzira” (Eta 12:32; kusimbisa kwakawedzerwa). Ndapota cherechedzai kushandiswa kweshoko rekuti “kunakisisa” kutsanangura “tariro.”
Chii Chinonzi Tariro muna Kristu?
Chipo chezvapamweya chetariro muna Kristu itarisiro ine mufaro youpenyu hwokusingaperi kuburikidza “nezviito zvakarurama, nengoni, uye nenyasha dzaMesiasi Mutsvene” (2 Nifai 2:8) uye nechido chakasimba chemaropafadzo akavimbiswa eururami. Zvipauro zvinoti “mhenyu,” “kunaka,” uye “kunyanya kunakisisa” mundima idzi zvinoratidza vimbiso inoramba ichikura uye yakasimba yeKumuka Kuvakafa uye yeupenyu hwokusingaperi kuburikidza nerutendo muna Jesu Kristu.
Muporofita Mormoni akatsanangura:
“Uye zvakare, hama dzangu dzinodiwa, ndinoda kutaura kwamuri maererano netariro. Zvinokwanisika sei kuti imi mungawana rutendo, kunze kwokunge mazova netariro?
“Uye chii icho imi chamuchatarisira? Tarisai ndinoti kwamuri imi muchava netariro kuburikidza norudzikinuro rwaKristu nesimba rokumuka kuvakafa kwake, yokumutswa kuupenyu hwokusingaperi, izvi nokuda kworutendo rwenyu maari maererano nechivimbiso.
“Naizvozvo, kana munhu aine rutendo anofanira kuva netariro; nokuti kana pasina rutendo hapakwanisi kuva netariro” (Moronai 7:40–42).
Chirongwa chaBaba cheRufaro
Tariro muna Kristu inova mhenyu, yakanaka, uye yakanyanya kunakisisa inotanga neruzivo rwokuti Mwari Baba Vokusingaperi vanorarama. NdiBaba vedu, uye tiri vana Vavo vapamweya. Tiri chaizvoizvo vanakomana uye vanasikana vapamweya vaMwari uye takagara nhaka yohunhu hwoumwari kubva kwaVari.
Baba ndivo munyori wechirongwa cherufaro (ona Abrahama 3:22–28). Sevanakomana nevanasikana vapamweya vaMwari, “takagamuchira chirongwa Chavo icho vana Vavo chavaikwanisa kuwana nacho muviri wenyama uye kuwana ruzivo rwapanyika kuti vafambire mberi vakananga kuururami uye pakupedzisira vagoona magumo avo ehumwari savagari venhaka youpenyu hwokusingaperi.” Mumagwaro matsvene, tinodzidza kuti: “Baba vane muviri wenyama namapfupa unobatika sewemunhu; Mwanakomanawo ane muviri wenyama namapfupa” (Dzidziso neZvibvumirano 130:22). Naizvozvo, kuwana miviri yenyama kunodikanwa muchinhano chekufambira mberi takananga kumagumo edu ehumwari.
Tiri vanhu vane zvikamu zviviri. Mweya yedu, chikamu chokusingaperi chedu, yakashongedzwa mumiviri yenyama iyo iri pasi pezvido nenhomba dzeupenyu hunofa huno. Chirongwa chaBaba cherufaro chakagadzirirwa kupa nhungamiro kuvana Vavo, kuvabatsira kudzokera zvakachengeteka kumba kwaVari nemiviri yakamuka kuvakafa, yakasimudzirwa kumusoro-soro, uye kugamuchira maropafadzo emufaro nerudekaro zvokusingaperi.
Basa reRununuro raJesu Kristu muChirongwa chaBaba
Jesu Kristu ndiye Mwanakomana Mumwechete Wakaberekwa waBaba Vokusingaperi. Akauya panyika kuzoita chido chaBaba Vake (ona 3 Nifai 27:13). Jesu Kristu ndiye uyo akazodzwa naBaba kuti ave mumiriri Wavo pachavo muzvinhu zvose zviri maererano neruponeso rwavanhu. Ndiye Muponesi uye Mununuri wedu nokuti Akakunda zvose rufu nechivi.
Aruma akaporofita kuvanhu vaGideoni maererano nebasa rekuponesa raMesiasi:
“Uye achaenda mberi, achitambura namarwadzo namatambudziko uye nezviedzo zvamarudzi ose; uye izvi kuitira kuti shoko rigozadzikiswa iro rinoti anozotora paari marwadzo uye nezvirwere zvavanhu vake.
“Uye anozotora paari rufu, kuitira kuti agosunungura majoko erufu ayo akasunga vanhu vake; uye anozotora paari utera hwavo, kuitira kuti hana yake igozadzwa nengoni, maererano nenyama, kuitira kuti agoziva maererano nenyama mabatsiriro okuita vanhu vake maererano neutera hwavo.
“Zvino Mweya unoziva zvinhu zvose; asi zvakadaro Mwanakomana waMwari anotambura maererano nenyama kuti agotora paari zvivi zvevanhu vake, kuti agodzima zvitadzo zvavo maererano nesimba rorusununguro rwake ” (Aruma 7:11–13).
Musimboti wokutanga wevhangeri rutendo muna Ishe Jesu Kristu. Rutendo rwechokwadi rwunonangisa pfungwa muna uye pana Muponesi uye rwunoita kuti tikwanise kuvimba maAri uye kuti tive nechivimbo chakazara musimba Rake rekutiponesa kubva kurufu, kutichenesa kubva kuzvivi, uye kutiropafadza nesimba rinodarika redu pachedu.
Moronai akapupura achiti, “Uye nokuda kwerununuro rwavanhu, urwo rwakauya kuburikidza naJesu Kristu, vanounzwa zvakare pamberi paIshe; hongu, iyi ndiyo nzira iyo vanhu vose yavanonunurwa nayo, nokuda kwokuti rufu rwaKristu rwunounza kuitika kwekumuka kuvakafa, uko kunounza kuitika kwerununuro kubva mukurara kusina mugumo, uko kurara munhu wose kwaachamutswa kubva pakuri nesimba raMwari apo hwamanda paicharira; uye vachauya mberi, zvose vaduku navakuru, uye vose vachamira pamberi pedare ravo, vachinunurwa uye nokusunungurwa kubva mungetani yorufu yokusingaperi iyi, urwo rufu rwunova rufu rwenyama” (Mormoni 9:13).
Ndinopupura kuti Muponesi akadimbura majoko erufu. Akamutswa kuvakafa, Anorarama, uye Iye ndiye ega manyuko etariro mhenyu, yakanaka, uye yakanyanya kunakisisa.
Nheyo kuMweya
Muporofita Eta akapupura achiti, “Naizvozvo, ani nani zvake anotenda muna Mwari angangova zvirokwazvo netariro yenyika iri nani, hongu, kunyangwe nzvimbo kurudyi rwaMwari, iyo tariro inouya kubva murutendo, inoita nheyo kumweya yevanhu, inozovaita kuti vave nechokwadi uye vasingazungunuki, nguva dzose vachiita mabasa akanaka, vachitungamirirwa mukurumbidza Mwari” (Eta 12:4; kusimbisa kwakawedzerwa).
Munguva ino inokosha yekupemberera kuzvarwa kwemucheche muBetrehema, ngativei tinorangarira nguva dzose kuti Jesu Kristu akauya panyika kuzova Muponesi uye Mununuri wedu. Anopa kwatiri zvipo zvepamweya zvakakosha zveupenyu, chiedza, kuvandudzwa, rudo, runyararo, maonero ezvinhu, rufaro, uye tariro.
Ndinokukokai kuti mutsvake zvakakodzera chipo chezvapamweya chetariro muna Muponesi kuburikidza nekunzvera dzidziso nezvapupu zvavaporofita vakare uye vanhasi maererano nerudzikinuro Rwake rwekuzvipira uye Kumuka Kuvakafa Kwake chaikoiko. Apo pamunodaro, ndinovimbisa kuti uchapupu hwenyu hweumwari hweMununuri hunosimbiswa, rutendeuko rwenyu kwaAri runozodzamiswa, chido chenyu neushingi hwenyu kumira sechapupu Chake chakasimba zvinozowedzerwa, uye munozoropafadzwa nenheyo kumweya yenyu—kunyange tariro mhenyu, yakanaka, uye yakanyanya kunakisisa.
NavaApositora avo vakapa uchapupu hwavo neZvake nemunhoroondo yose, ndinozivisa nomufaro uchapupu hwangu kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana anorarama waMwari vanorarama. Ndiye Mununuri wedu akamutswa kuvakafa ane muviri wakabwinyiswa, unobatika wenyama namapfupa. Uye nokuda kwerununuro uye ruyanano naMwari urwo Ishe rwavanoita kuti rukwanisike kuvanhu vose, tinokwanisa kugamuchira simbiso yezvapamweya uye tariro mhenyu, yakanaka, uye yakanyanya kunakisisa kuti “vose vachararamiswa muna Kristu” (1 Vakorinte 15:22).
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, December 2024. Shona. 19296 731