“Nifai Anoona Jesu Mucheche,” Friend (Shamwari), Zvita 2024, 26–27.
Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Zvita 2024
Nifai Anoona Jesu Mucheche
Baba vaNifai, Rihai, vakaona chiratidzo chaJesu Kristu. Nifai aida kuonawo chiratidzo ichi. Akanamata uye akakumbira kuona izvo zvakaonekwa nababa vake.
Mweya Mutsvene wakaratidza Nifai chiratidzo chimwechetecho. Nifai akaona musikana wechidiki ainzi Maria. Mweya Mutsvene wakati aizova amai veMwanakomana waMwari, Jesu Kristu.
Nifai akaona Jesu mucheche aina Maria. Mweya Mutsvene wakati Jesu aizouya panyika kuzobatsira vana vaBaba Vokudenga.
Nifai akaona upenyu hwaJesu Kristu. AkaMuona achishandira uye achidzidzisa vanhu. Nifai akadzidza zvinhu zvizhinji pamusoro paMuponesi. Unokwanisawo kudzidza pamusoro Pake kuburikidza nekuverenga magwaro mastvene.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Friend Message, December 2024. Shona. 19350 731