Huyai, Munditevere 2024
Kukadzi 26–Kurume 3: “Zita Rake Richadaidzwa Kuti … Jinda reRunyararo.” 2 Nifai 11–19


“Kukadzi 26–Kurume 3: ʻZita Rake Richadaidzwa Kuti … Jinda reRunyararo.ʼ 2 Nifai 11–19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kukadzi 26–Kurume 3. 2 Nifai 11–19,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Isaya achinyora pamipumburu

Kukadzi 26–Kurume 3: “Zita Rake Richadaidzwa Kuti … Jinda reRunyararo.”

2 Nifai 11–19

Kuvezera pamahwendefa esimbi hakusi nyore, uye nzvimbo pamahwendefa maduku aNifai yaiva iri diki. Saka sei Nifai akaita simba rekukopa zvakawanda zvezvinyorwa zvaMuporofita Isaya achiisa murondedzero yake? Akazviita nokuda kwekuti aida kuti titende muna Jesu Kristu. “Mweya wangu unofara,” akanyora, “mukuratidza kuvanhu vangu chokwadi chekuuya kwaKristu” (2.Nifai 11:4). Nifai akanga aona zvaizoitika kuvanhu vake muzvizvarwa zveramangwana. Akaona kuti, zvisinei nemaropafadzo makuru avo, vaizova nerudado, rukakavadzano, uye vanoda zvenyika (ona 1 Nifai 12; 15:4–6). Akaonawo matambudziko akafanana neaya munguva yedu (ona 1 Nifai 14). Zvinyorwa zvaIsaya zvakayambira pamusoro pehunyangadzi hwakadaro. Asi zvakapawo Nifai tariro yeramangwana rinoshamisa—kupera kwehunyangadzi, kuunganidzwa kwevakatendeka, uye “chiedza chikuru” kuvanhu vakanga “vafamba murima” (2 Nifai 19:2). Izvi zvose zvaizoitika nokuda kwokuti “mwana akazvarwa” uyo aikwanisa kupedza rukakavadzano rwose—“Jinda reRunyararo” (2 Nifai 19:6).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Ndingakwanisa sei kunzwisisa zvirinani dzidziso dzaIsaya?

Nifai akabvuma kuti “mashoko aIsaya haana kujeka” (2 Nifai 25:4). Asi akagoverawo mazano ekutibatsira kuti tiwane revo muzvinyorwa zvaIsaya:

  • Fananidza mashoko ake” kwauri (2 Nifai 11:2). Dzidziso zhinji dzaIsaya dzine zvadzingangoreva zvakawanda uye dzine mashandisirwo akawanda. Semuenzaniso, apo paunoverenga pamusoro penzvimbo dzekugara muna 2 Nifai 14:5–6, funga pamusoro pemashandiro anoita ndima idzi mumba mako. Zvibvunze kuti, “Chii icho Baba Vokudenga chavanoda kuti ndidzidze?”

  • Tsvaka zviratidzo zvaJesu Kristu (ona 2 Nifai 11:4). Zvidzidziso zvaIsaya zvizhinji pamusoro peMuponesi zvakapuwa kuburikidza nezviratidzo. Semuenzaniso, Muponesi anomiririrwa sei muna 2 Nifai 19:2? Chiratidzo ichi chinokudzidzisa chii pamusoro Pake?

  • “Tsvaka kuti “uzadzwe nemweya wehuporofita” (2 Nifai 25:4). Apo paunonzvera, namatira nhungamiro yezvepamweya. Ungangotadza kunzwisisa zvinhu zvose pakutanga, asi Mweya unokwanisa kukubatsira kuti udzidze izvo zvaunofanira kuziva.

Ungangowanawo zvichibatsira kuenda kuzvibatsiro zvekunzvera mumagwaro matsvene, kusanganisira mashoko epazasi pepeji, misoro yenyaya yezvitsauko, uye Nhungamiro kuMagwaro Matsvene. Mabhuku edzidziso einisitichuti eBhuku raMormoni neTestamente Yekare ane rumwe ruzivourwo rwunokwanisa kukubatsira kudzidza pamusoro pemamiriro ezvinhu enguva dzedzidziso dzaIsaya.

2 Nifai 11–19

Isaya akaporofita nezva Jesu Kristu.

Nokuda kwekuti Isaya akashandisa mutauro wokufananidzira, zvinokwanisa kuvanyore kusiya kunze uchapupu hwake hune simba hwaJesu Kristu. Tsvaka Muponesi muna 2 Nephi 13:13; 14:4–6; 15:1–7; 16:1–7; 17:14; 18:14–15; 22:2. Ndima idzi dzinokudzidzisa chii pamusoro Pake?

Huporofita hwuri muna 2 Nifai 19:6 hwunodorongodza akatiwandei emazita aJesu Kristu. Akazadzisa sei mabasa aya muupenyu hwako?

2 Nifai 12– 13; 15

Vanodada uye avo vanoda zvenyika vachaninipiswa.

Nifai akanga asanoona kuti rudado rwaizokonzera kuputsika kwevanhu vake (ona 1 Nifai 12:19). Saka hazvishamisi kuti Nifai aizogoverana nevanhu vake yambiro dzaIsaya dzinodzokororwa pamusoro perudado. Muzvitsauko 12 uye 13, tsvaka mashoko akashandiswa naIsaya kutsanangura rudado, akaita sokuzvikudza uye kuzvitutumadza. Muna 2 Nifai 15:1–24, tsvaka mutauro wokufananidzira unotsanangura mhedzisiro dzerudado. Zvino ungangoedza kupfupisa izvo zvawaverenga mumashoko ako pachako. Funga pamusoro pekuti unozosarudza sei kuva unozvininipisa.

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 12:2–3

Temberi imba yaIshe.

Isaya akadaidza temberi kuti “gomo reimba yaIshe” (2 Nifai 12:2). Sei gomo riri chiratidzo chakanaka chetemberi?

Unozotsanangura sei kune mumwe munhu kuti sei tichida matemberi? Unokwanisa kuwana mhinduro dzinobvira muna 2 Nifai 12:2–3. Maererano nezvawaverenga, chii icho Ishe chavanoda kuti udzidze uye unzwe muimba Yavo tsvene? Ndezvipi zviitiko zvawakava nazvo imomo?

­ ­ ­

­

2 Nifai 12–19

Jesu Kristu anozonunura vanhu Vake

Zvisinei nehunyangadzi uhwo hwaakacherechedza, Isaya akaona tariro mune ramangwana. Funga pamusoro pekudzidza imwe neimwe yendima dzinotevera. Nyora chokwadi chimwechete kana zvakawanda zvinodzidziswa nendima imwe neimwe pamusoro pezuva redu: 2 Nephi 12:1–5; 14:2–6; 15:20–26; 19:2–8. Sei uchinzwa kuti ndima idzi dzakakosha kwatiri kuti tinzwisise?

Tsvaka mitoo. Mumagwaro matsvene tinokwanisa kuwana mitoo inoratidza mashandiro anoita Ishe. Semuenzaniso, muna 2 Nifai 11–19, ungangotsvaka mitoo inoratidza kuti Ishe vanoyambira nokuregerera sei vanhu vanotendeuka.

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 12:2–3

Temberi imba yaIshe.

  • Isaya akatsanangura temberi “segomo reimba yaIshe.” Vana vako vangangonakidzwa nekunyepedzera kukwira gomo apo paunoverenga 2 Nifai 12:2–3. Vabatsire kuwana ndevo dziri mundima idzi dzinotsanangura kuti sei tiine matemberi.

  • Kuratidza ndevo inoti “tinozofamba mumakwara ake” inobva muna 2 Nifai 12:3, unokwanisa kuita gwara pauriri, rinoenda kumufananidzo wetemberi. Apo vana vako pavanofamba pagwara racho, vanokwanisa kudoma zvinhu zvavanogona kuita kuti vafambe mumakwara aIshe.

  • Zvimwe vana vako vanokwanisa kudhirowa mufananidzo waivo pachezvavo vachienda kutemberi. Vanokwanisawo kuimba kana kuteerera kurumbo pamusoro petemberi, sezvakaita, “Ishe Vakandipa Temberi” (Nziyo nedzeVana Vadiki,120). Vabatsire kuwana ndevo dziri murumbo rwacho dzinodzidzisa kuti temberi chii uye neizvo zvatinoita imomo.

2 Nifai 11:4–7; 17:14; 19:6

Jesu Kristu ndiye Muponesi wangu.

  • Pane mazita akati wandei aJesu Kristu muna 2 Nifai 11:4–7; 17:14; 19:6. Batsira vana vako kuawana uye votaura pamusoro pezvaanoreva. Semuenzaniso, “Kristu” zvinoreva kuti “muzodzwa” uye Imanueri zvinoreva kuti “Mwari vanesu.” Ndevo idzi dzinotidzidzisa chii pamusoro paJesu Kristu?

  • ­ ­ ­ Tinozonzwa sei apo patinoMuona zvakare?

2 Nifai 15:20

Satani anoedza kundivhiringidza pamusoro pezvakanaka nezvakaipa.

  • Ratidza vana vako chimwe chinhu chinovava kana kuvavira, chakaita sechimedu cheremoni, chiri mukati mebutiriso rechihwitsi Verengai pamwechete 2 Nifai 15:20. Satani anoedza sei kuita kuti zvinhu izvo zvakaipa zviratidzike kuva zvakanaka? ­ Sei muredzi achivanza chiredzo chake? Sei Satani achivanza chivi? Jesu Kristu anotibatsira sei kudzivirira kuva tinonyengerwa naSatani?

Mufananidzo
Temberi yePanama muGuta rePanama

Temberi yePanama muGuta rePanama. “Imba yaIshe ichamiswa pamusoro pemakomo, … uye marudzi ose achamhanyira kwairi” (2 Nifai 12:2).

Dhinda