Huyai, Munditevere 2024
Kurume 11–17: “Basa Rinokahanidza uye Chishamiso.” 2 Nifai 26–30


“Kurume 11–17: ‘Basa Rinokahanidza uye Chishamiso.’ 2 Nifai 26–30,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kurume 11–17. 2 Nifai 26–30,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Jesu Kristu achinanavira kumudzimai

He Will Lead Thee by the Hand [Anozokutungamirira noRuoko], by Sandra Rast

Kurume 11–17: “Basa Rinokahanidza uye Chishamiso”

2 Nifai 26–30

“Ndinoporofita kwamuri maererano nemazuva ekupedzisira,” akanyora Nifai (2 Nifai 26:14). Nemamwe mashoko, akanga achinyora pamusoro pezuva redu. Uye pane chikonzero chokunetsekana pamusoro peizvo zvaakaona: vanhu vachiramba simba nezvishamiso zvaMwari, shanje negakava zvaipararira. Asi pamusoro peaya “mabasa erima” emazuva ekupedzisira (2 Nifai 26: 10, 22) aitungamirirwa nemuvengi, Nifai akataurawo nezve “basa rinokahanidza uye chishamiso” zvaitungamirirwa naMwari Pachavo (2 Nifai 27:26 Chaikoshesesa kubasa iroro raizova bhuku—bhuku rinoburitsa pachena nhema dzaSatani uye rinounganidza vakarurama. Bhuku iroro iBhuku raMormoni, basa rinokahanidza ibasa reChechi yaIshe mumazuva ekupedzisira, uye chishamiso—muchikamu—ndechokuti Mwari vanotikoka isu tose, zvisinei neutera hwedu, kuti titore chinhanho mukuunganidza.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

2 Nifai 26– 27; 29–30

Mwari vakagadzirira Bhuku raMormoni kuitira zuva redu.

Muna 2 Nifai 26–27, Nifai akatapa kubva kuhuporofita hwekare hwaIsaya (ona Muporofita Isaya 29), uye akahushandisa kuvanhu vake nerondedzero yavo—Bhuku raMormoni. Nifai aiziva kuburikidza nezvakazarurwa, kunyangwe Bhuku raMormoni risati ranyorwa zvakazara, kuti nerimwe zuva “raizova rakakosha zvikurusa kuvana vavanhu” (2 Nifai 28:2 Sei Bhuku raMormoni rakakosha zvikuru kwauri? Funga pamusoro pemubvunzo uyu apo paunoverenga 2 Nifai 29–30. Ndeapi mabasa “anokahanidza” (2 Nifai 27:26) ayo Mwari avari kuzadzikisa munyika nomuupenyu hwako kuburikidza neBhuku raMormoni?

Onawo Joseph Smith—Nhoroondo 1: 62– 65.

mufananidzo weseminari

2 Nifai 26:23–33

Jesu Kristu anotikoka tose kuuya kwaAri.

Kune zvokwadi zvakawanda zvokufunga pamusoro pazvo muna 2 Nifai 26:23–24. Somuenzaniso, unokwanisa kufunga pamusoro peizvo Jesu Kristu zvaakaita “kuitira pundutso yenyika”—uye yako iwe. “Anokwezvera vanhu vose”—uye newe—“kwaari” sei? Chii chaunonzwa kufemerwa kuita mumhinduro kukutaura Kwake kwerudo?

Ramba uchiverenga uye uchitsvaka zvokwadi pamusoro peMuponesi mundima 25–33. Nyanya kucherechedza kukoka Kwake. Ungapfupisa sei shoko raJesu Kristu kwauri mumutsetse mumwechete? ­

Funga pamusoro pokuti ndima idzi dzingashandura sei nzira yaunotaura navamwe nokuvakoka kuti vauye kuna Kristu.  

Onawo 3 Nifai 18:30–32; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kuva Nhengo muChechi yaJesu Kristu,” Raibhurari yeVhangeri.

Usatya runyararo. Mibvunzo yakanaka inotora nguva kupindura. Inoda kutsvaka, kufunga, uye femero. Nguva yaunopedza wakamirira mhinduro kumubvunzo inokwanisa kuva nguva inoera yokufungisisa. Dzivirira chido chokugumisa nguva iyi nokukurumidza nokuenderera mberi kune zvimwe zvinhu.

2 Nifai 28

Satani anotsvaka kunyengera.

Mazhinji emanyepo nemano aSatani anoburitswa pachena muna 2 Nifai 28. Atsvake mundima 6, 8,21–23, 29. Sei uchifanira kuziva pamusoro pemanyepo aSatani? Chii chaunozoita apo muvengi paanoedza kukunyengera?

Zvakadorongodzwa pazasi zvimwe zvinyorwa zvitsvene izvo zvinoramba manyepo aSatani. Ona kana uchikwanisa kufananisa dzidziso dzechokwadi mundima idzi nedzidziso dzenhema idzo Nifai dzaakatiyambira pamusoro padzo muna 2 Nifai 28:

2 Nifai 28:27–31; 29

Mwari vanoenderera mberi nokupa zvakazarurwa kutungamira vana Vavo.

SaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, takaropafadzwa nehuwandu hukurusa hweshoko raMwari. Asi zvakadaro, sekuyambira kwakaita Nifai, hatifaniri kumbonzwa kuti “tine zvakakwana!” Apo paunoverenga yambiro dzacho muna 2 Nifai 28:27–31 uye 2 Nifai 29, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:

  • Mwari vanoda kuti ndinzwe uye ndidavire sei pamusoro peshoko Ravo?

  • Sei vanhu dzimwe nguva “vachishatirwa” pamusoro pokugamuchira chimwe chokwadi kubva kuna Mwari? (2 Nifai 28:28). Ndinombonzwa seizvi here? Kana zvirizvo, ndingakwanisa sei kushanduka?

  • Zvinorevei kugamuchira shoko raMwari? Ndinokwanisa kuVaratidza sei kuti ndinoda kugamuchira zvimwe zvakawanda zveshoko Ravo?

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 26:23–28, 33

Jesu Kristu anoda kuti munhu wose auye kwaAri.

  • Kuti udzidzise vana vako pamusoro pekukoka kweMuponesi mundima idzi, ungangotaura navo pamusoro penguva idzo dzavakakoka vanhu kuchiitiko chakakosha, sezvakaita mutambo wekupemberera zuva rokuzvarwa. Zvino munokwanisa kuverenga 2 Nifai 26:23–28 pamwechete uye mowana izvo Jesu zvaari kutikoka kuti tiite. Vana vako vangangoda kugadzira kadhi rokukoka mumwe munhu kuti auye kuna Jesu Kristu. Vakurudzire kushandisa ndevo dzinobva mundima idzi mukukoka kwavo.

  • Mufananidzo wakapendwa uri kumagumo kwechidzidzo chino unotaridza vanhu vanobva kumamiriro eupenyu akasiyana siyana. Pamwe vana vako vanokwanisa kutarisa pamufananidzo uyu apo paunenge kuchiverenga 2 Nifai 26:33. Unokwanisa kudzokorora ndevo inoti “Jesu anokoka vose kuuya kwaAri” apo vana vako pavanenge vachinongedzera kumunhu woga woga ari mumufananidzo—uye zvino kwavari ivo pachavo. Tinouya sei kuna Jesu?

  • ­

2 Nifai 28:2; 29:7–11; 30:3–6

Bhuku raMormoni iropafadzo.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwa kuti Bhuku raMormoni “rakakosha zvikurusa” (2 Nifai 28:2), unokwanisa kuputira kopi yebhuku iri sechipo uye woita kuti vafembere kuti chii chirimukati. Vanokwanisa kutsvaka mhinduro muna 2 Nifai 30:3–6. Taurira vana vako kuti sei Bhuku raMormoni rakakosha zvikurusa kwauri, uye ita kuti vagoverane manzwiro avowo.

  • Funga pamusoro pokukumbira vana vako kuti vafungidzire kuti shamwari inoti, “handifaniri kuverenga Bhuku raMormoni. ndakatoverenga Bhaibheri nechakare.” Chii chatingataura kushamwari yedu? Verengai pamwechete 2 Nifai 29:7–11 kuti mudzidze kuti sei Mwari vachida kuti tive namabhuku ose ari maviri.

2 Nifai 28:30–31

Baba Vokudenga vanondidzidzisa zvishoma nezvishoma.

  • Pamwe unokwanisa kufunga nezve chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinobatwa icho chinozobatsira vana vako kunzwisisa zvazvinoreva kudzidza “mutsetse pamusoro pemutsetse.” Somuenzaniso, vanokwanisa kuisa pamwechete dambanemanzwi kana kuvaka chimwe chinhu nezvitina zvepurasitiki, chidimbu chimwechete panguva. Kana kuti unokwanisa kuvadzidzisa unyanzvi nhanho nenhanho, sezvakaita kusunga pfundo kana kudhirowa mufananidzo. Munokwanisa kuverenga 2 Nifai 28:30 uye mokurukura madzidzisirwo atinoitwa naBaba Vokudenga chokwadi chimwechete panguva.

  • Rimwe zano rinokwanisa kuva rokusarudza ndevo kubva muna 2 Nifai 28:30 uye motora mijano kuinyora, shoko rimwechete panguva. Izvi zvakafanana sei nenzira iyo Mwari yavanotipa nayo chokwadi? Sei Mwari vachizivisa chokwadi kwatiri “mutsetse pamusoro pemutsetse, chirevo pamusoro pechirevo, pano zvishoma uye apo zvishoma” panzvimbo pezvose kamwechete? Ndingaratidza sei Mwari kuti ndinoda kugamuchira chimwe chokwadi chizhinji kubva kwaVari?

Jesu Kristu ari pakati pemhomho

Christ in the Midst [Kristu ari Pakati], naJudith A. Mehr