Huyai, Munditevere 2024
Kubvumbi 8–14: “Ishe Vanoshanda Nesu.” Jakobo 5–7


“Kubvumbi 8–14: ‘Ishe Vanoshanda Nesu.’ Jakobo 5–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kukadzi 8–14: Jakobo 5–7,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
varume vachishanda muchisango chemiti yemiorivhi

Allegory of the Olive Tree [Rungano rwoMufananidzo rweMuti weMuorivi], naBrad Teare

Kubvumbi 8–14: Ishe Vanoshanda Nesu

Jakobo 5–7

Kuna vanhu vakawandisa vasati vambonzwa vhangeri raJesu Kristu. Kana ukazombonzwa kukurirwa nehukurusa hwebasa rokuvaunganidza muChechi yaIshe, izvo Jakobo zvaakataura pamusoro pemiti yemiorivhi muna Jakobo 5 zvine yeuchidzo inosimbisa: munda: munda womuzambiringa ndewa Ishe. Vakapa mumwe nemumwe wedu nzvimbo duku kuti tiyamure mubasa Ravo—mhuri yedu, boka redu reshamwari, nzvimbo dzedu dziri pasi peshanduro yedu. Uye dzimwe nguva munhu wokutanga watinobatsira kuunganidza ndisu pachedu. Asi hatimbovi toga mubasa iri, nokuti Ishe vomunda womuzambiringa vanoshanda pamwechete navaranda Vavo (ona Jakobo 5:72). Mwari vanoziva uye vanoda vana Vavo, uye Vanozogadzira nzira yokuti mumwe nemumwe wavo anzwe vhangeri Ravo, kunyangwe avo vakaVaramba kare (ona Jakobo 4:15–18). Uye zvino, apo basa parinenge raitwa, avo vose vanga “vachishingaira mukushanda [Navo] … vachava nemufaro [Navo] nokuda kwemichero yemunda womuzambiringa [Wavo]” (Jakobo 5:75).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Jakobo 5

Jesu Kristu ndiye Ishe wemunda womuzambiringa.

Jakobo 5 inyaya inoshandisa chiratidzo. Inotsanangura miti nemuchero nevashandi, asi chaizvo iri pamusoro pekutaura kwaMwari navanhu Vavo nemunhoroondo mose. Saka apo paunoverenga nyaya iyi, funga pamusoro peizvo zvingangomiririrwa nezvimwe zvezvinhu zviri munyaya yacho.

Somuenzaniso, kana munda wemizambiringa uchimiririra panyika, uye muti wakasimwa wemuorivhi uchimiririra Israeri (kana avo vakaita chibvumirano naMwari; ona Jakobo 5:3), chii chingamiririrwa nemuti wemuorivhi wemusango? Muchero wakaipa newakanaka ungamiririra chii? Ndezvipi zvimwe zviratidzo zvaunoona?

Kunyangwe zvazvo Jakobo 5 ichidzidzisa pamusoro pemarudzi nemazana emakore enhoroondo yepanyika, iriwo pamusoro pako iwe uye neupenyu hwako. Ndeapi mashoko aunozviwanira muna Jakobo 5?

Pamwe chakanyanya kukosha ndechokuti, Jakobo 5 iri pamusoro paJesu Kristu. Mutsvake apo paunenge uchiverenga. Chii chaunodzidza pamusoro Pake, somuenzaniso, mundima 40–41, 46–47?

Kuti uwane dzimwe nzwisiso pamusoro paJakobo 5, ona dhaigiramu riri kumagumo echidzidzo chino.

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Jakobo 5:61–75

Ishe vanondikoka kushanda Navo mumunda Wavo wemizambiringa.

“Vamwe varanda” (Jakobo 5:70) avo vakadaidzwa mumunda wemizambiranga waIshe vanosanganisira vanhu vakaita sewe. Ndeipi misimboti yaunowana muna Jakobo 5, kunyanya ndima 61–62 uye 70–75, pamusoro pokushanda mumunda waIshe wemizambiringa? Chii chawakadzidza pamusoro Pavo kuburikidza nokubatsira nebasa Ravo?

Apo paunoverenga pamusoro “penguva yokupedzisira” iyo Ishe yavanoshanda mumunda Wavo wemizambiringa, chii chinokukurudzira kushandira Ishe “nesimba rako rose”? (Jakobo 5:71). Pamwe unokwanisa kufunga nezve chiitiko chako pachako umo mawakanzwa mufaro pawaishandira Ishe wemunda wemizambiringa—semuenzaniso, kuburikidza nekugovera vhangeri, kushandira mutemberi, kana kusimbisa nhengo dzeChechi. ­

Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Nguva ipi zvayo yaunoita chinhu chipi zvacho chinobatsira munhu upi zvake—kumativi ose echidzitiro—kutora danho rekuita zvibvumirano naMwari nokutambira zvisungo zvavo zvakakosha zverubhabhatidzo uye zvemutemberi, uri kubatsira kuunganidza Israeri. Zvakareruka sokudaro” (“Hope of Israel” [worldwide youth devotional, June 3, 2018], ChurchofJesusChrist.org). Funga pamusoro pokutanga mudorongodzwa wemazano eizvo zvaunokwanisa kuita kubatsira kuunganidza Israeri. Kubva kumudorongodzwa wako, chii chaunonzwa kuti Ishe vanoda kuti uite nhasi mumunda Wavo wemizambiringa? Maererano nendima 75, Ishe vanotipa mubairo sei nokuda kwekushanda kwedu mumunda Wavo wemizambiringa?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Kuunganidza Israeri,” “Kukoka Vose kuGamuchira Vhangeri raJesu Kristu,” “Kutora Chinhanho muBasa reMutemberi uye reNhoroondo yeMhuri,” Raibhurari yeVhangeri.

Dzidzisa dzidziso. Ita chokwadi kuti hurukuro dzenyu dzinonangisa padzidziso yamavambo mumagwaro matsvene. Munokwanisa kuita izvi kuburikidza nokuverenga magwaro matsvene pamwechete uye zvino mogoverana zvokwadi zvamunowana, pamwechete nezviitiko zvokurarama zvokwadi izvozvo.

Jakobo 6:4–5

Ishe vanorangarira vanhu Vavo murudo nengoni.

Imwe revo yeshoko rokuti namatira ndeye kuti kubatirira kana kunamira kune chimwe chinhu zvakasimba, zvisingabvi, uye zvisingazungunuki. Tsananguro iyoyo inoshandura sei nzira yaunonzwisisa nayo Jakobo 6:4–5? Munyaya yemuti wemuorivhi, Ishe vemunda wemizambiringa vakatambanudza sei “ruoko rwengoni” rwavo? (ona, semuenzaniso, Jakobo 5:47, 51, 60–61, 71–72). Vakaita izvi sei kwauri?

Jakobo 7:1–23

Ndinokwanisa kumira zvakasimba apo vamwe pavanopikisa rutendo rwangu muna Jesu.

Chiitiko chavaNifai naSheremu kazhinji chinodzokororwawo nhasi: vanhu vanoedza kuparadza rutendo muna Kristu. Jakobo akapindura sei apo rutendo rwake parwakapikiswa? Chii chaunodzidza kubva kumhinduro dzake? Chii chaunokwanisa kuita kuti ugadzirire nguva idzo rutendo rwako muMuponesi parunozopikiswa?

Mazano eKudzidzisa Vana

Jakobo 5

Ishe vane hanya navanhu Vavo.

  • Ungagovera sei nyaya yemiti yemiorivhi nenzira iyo vana vako yavanokwanisa kunzwisisa? Imwe nzira ndeye kufamba panze kuti munotarisa muti uye muchidimbu mowongorora pfungwa huru dziri munyaya yacho. Chii icho Ishe vemunda wemizambiringa chavakaitira miti Yavo? Tingakwanisa sei kuva savashandi vari munyaya iyi uye tobatsira vamwe kunzwa rudo rweMuponesi?

  • Jakobo akagovera nyaya yemiti yemiorivhi kuti akoke vanhu vake kuuya kuna Kristu. Inokwanisa kuita zvimwechetezvo kuvana vako. Pamwe unokwanisa kupfupisa nyaya yacho nendima dzakaita seidzi Jakobo 5:3–4, 28–29, 47, uye 70–72. Iwe kana vana vako munokwanisa zvino kuverenga Jakobo 5:11, 41, 47, uye 72, muchitsvaka zvinhu izvo zvinoratidza kukura kwehanya iyo Ishe vemunda wemizambiringa (Jesu Kristu) yaaiva nayo pamusoro pemiti. Chii icho Muponesi chaanoita kuratidza kuti Ane hanya pamusoro pedu?

Jakobo 6:4–5

Baba Vokudenga vanondida uye vanozondiregerera apo pandinotendeuka.

  • Jakobo 6:4–5 ine shoko rakakosha kwatiri apo patinoita sarudzo dzisina kunaka. Pamwe ungakwanisa kubatsira vana vako kuiwana. Ndeapi mashoko mundima idzi anotipa tariro murudo rwerununuro rwaMwari? ­ Chii chatinodzidziswa nenyaya iyi uye Jakobo 6:4–5 pamusoro pezvatinofanira kuita kuti tiponeswe muumambo hwaMwari?

Jakobo 7:1–23

Ndinokwanisa kurwira izvo zvandinoziva kuti ichokwadi.

  • Ungakurudzira vana vako sei kuti varwire chokwadi sezvakaita Jakobo? ­ Jakobo akarwira sei izvo zvaaiziva kuti zvaiva zvakanaka? Koka vana vako kuti vagovere zviitiko apo pavakarwira zvakanaka, kana kuti govera chiitiko chako pachako. Pamwe vanokwanisa kuimbawo rumbo runotaura ushingi sehwaJakobo, sezvakaita “Ngatishingei” (Nziyo neDzeVana Vadiki, peji 18.

Dhinda