Huyai, Munditevere 2024
Mbudzi 25–Zvita 1: “Kuburikidza neRutendo Zvinhu Zvose Zvinozadzikiswa.” Eta 12–15


“Mbudzi 25–Zvita 1: ʻKuburikidza neRutendo Zvinhu Zvose Zvinozadzikiswa.ʼ Eta 12–15,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Mbudzi 25–Zvita 1. Eta 12–15,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2023)

Mufananidzo
Eta achipinda mubako

Ether Hiding in the Cavity of a Rock [Eta Akahwanda Mubako reDombo], naGary Enerst Smith

Mbudzi 25–Zvita 1: “Kuburikidza neRutendo Zvinhu Zvose Zvinozadzikiswa”

Eta 12–15

Huporofita hwaEta kuvaJaredi hwaiva hwuri “hukuru uye hwunoshamisa” (Eta 12:5). “Akavaudza nezve zvinhu zvose, kubvira kumavambo emunhu” (Eta 13:2). Akafanoona “Mazuva aKristu” uye neJerusarema Itsva yamazuva ekupedzisira .(Eta 13:4). Uye akataura nezve “tarisiro yenyika irinani, hongu, kunyangwe nzvimbo kuruoko rwerudyi rwaMwari” (Eta 12:4). Asi vaJaredi vakaramba mashoko ake, nechikonzero chimwechetecho icho vanhu chavanowanzorambira huporofita hwavaranda vaMwari nhasi—“nokuda kwokuti [havahwuoni]” (Eta 12:5). Zvinotora rutendo kubvuma muvimbiso kana yambiro pamusoro pezvinhu zvatisingakwanisi kuona, sekutora kwazvakaita rutendo kuna Eta kuti aporofite nezve “zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa” kuvanhu vasingatendi. Zvakatora rutendo kuna Moronai kuti avimbe kuti Ishe vanokwanisa kutora “utera hwake mukunyora” uye vohushandura kuita simba (ona Eta 12 23–27). Imhando iyi yerutendo inotiita kuti tive “muchokwadi uye tisingazungunuki, nguva dzose tichishanda mumabasa akanaka, tichitungamirirwa kukurumbidza Mwari” (Eta 12:4). Uye rudzi rwakadai rwerutendo urwo kuburikidza narwo “zvinhu zvose zvinozadzikiswa” (Eta 12:3).

Mazano ekudzidza Kumba uye kuChechi

Eta 12

Rutendo muna Jesu Kristu runokwanisa kutungamirira kuzvishamiso.

Zvinowanika kazhinji nhasi, sezvazvaiva muzuva raEta, kuti vanhu vanoda kuona umboo vasati vazotenda muna Mwari nesimba Ravo. Unodzidzei kubva kuna Eta 12:5–6 pamusoro pepfungwa iyi?

Apo paunoverenga Eta 12, ungangonyora pasi nguva yose yaunowana shoko rekuti “rutendo.” Funga pamusoro pezvinodzidziswa nechiitiko choga choga pamusoro perutendo. Mibvunzo yakaita seiyi ingangobatsira pakuti: Rutendo chii? Zvinorevei kushandisa rutendo? Ndeipi michero yerutendo muna Jesu Kristu? Unokwanisawo kunyora pasi pfungwa dzako pamusoro pouchapupu hwawakawana “mushure mekuedzwa kwerutendo rwako” (Eta 12:6).

Ita kuti vamwe vagovere, uye dzimwe nguva vadzidzise. Vanhu vanodzidza zvakanakisisa kana vaine mikana yokugovera zvavarikudzidza kana kunyange kudzidzisa mumamiriro ezvinhu akarongerwa kudzidza. Kumba kana kuchechi, funga pamusoro pekubvumira vamwe, kusanganisira vechidiki, kudzidzisa chikamu chechidzidzo.

Eta 12:1–9, 28, 32

Jesu Kristu anotipa “tariro yakanyanya kunakisisa.”

Pamusoro penzwisiso yakakosha pamusoro perutendo, Eta 12 ine zvakawandawo zvekutaura pamusoro petariro. Ita kuti mibvunzo iyi itungamirire kunzvera kwako:

  • Ndezvipi zvikonzero zvakaita kuti Eta ave “netariro yenyika irinani”? (ona Eta 12:2–5).

  • Chinangwa chechidzimikiso chii? Tariro inoitei kumweya wako zvakafanana nezvinoitwa nechidzimikiso kuchikepe? (ona Eta 12:4).

  • Chii chatinotarisira? (ona Eta 12:4; Moronai 7:41).

  • Vhangeri raJesu Kristu rakakupa sei “tariro yakanyanya kunakisa”? (Eta 12:32).

Onawo Moronai 7:40–41.

Eta 12:23–29

Mufananidzo
mufananidzo weseminari
Jesu Kristu anokwanisa kushandura utera hwangu kuti huve simba.

Apo patinoverenga zvinyorwa zvine simba zvaMoronai, zviri nyore kukanganwa kuti ainetsekana pamusoro “peutera hwake mukunyora” uye aitya kuti vanhu vaizoseka mashoko ake (ona Eta 12:23–25). Kana wakambonzwa kushushikana pamusoro peutera hwako pachako, verenga pamusoro pekunetsekana kwaMoronai—nedaviro yeMuponesi—muna Eta 12:23–29. Ungangofungisisawo nguva idzo Jesu Kristu dzaakakubatsira kuona utera hwako uye akakusimbisa—kunyangwe Asina kuhubvisa zvachose. Fungawo pamusoro peutera hwauri kunetsekana nahwo iye zvino. Chii chaunofanira kuita kuti ugamuchire vimbiso yeMuponesi “yekuita zvinhu zvisina simba kuti zvive zvakasimba”? (Eta 12:27).

Funga kutsvaka mundima dzinotevera kuti uone kuti vamwe mumagwaro matsvene vakawana sei simba kuburikidza nenyasha dzaJesu Kristu:

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Nyasha,” Raibhurari yeVhangeri.

Eta 13:13–22; 14–15

Kuramba vaporofita vaIshe kunondiisa munjodzi yezvepamweya.

Kuva mambo wavaJaredhi kwaiva, munguva yekare, chinzvimbo chine njodzi. Izvi zvainyanya kuva chokwadi kuna Korianduma, sezvo “varume vaiva nesimba … vaitsvaka kumuparadza” (Eta 13:15–16). Muna Eta 13:15–22, cherechedza izvo zvakaitwa naKorianduma kuti azvidzivirire uye izvo muporofita Eta zvaakamuraira kuti aite. Apo paunoverenga bhuku rose raEta, fungisisa mhedzisiro dzekuramba vaporofita. Chii chinoitika kuvanhu apo “Mweya waIshe [paunorega] kushanda navo”? (Eta 15:19). Chii chingangodiwa naIshe kuti tidzidze kubva murondedzero idzi? Funga pamusoro pekuti chii chaunozoita kutevera vaporofita Vavo.

Mazano eKudzidzisa Vana

Eta 12:6–22

Rutendo kutenda muzvinhu zvandisingakwanisi kuona.

  • Funga pamusoro pekubatsira vana vako kudzokorora newe ndima inoti “Rutendo zvinhu zvinotarisirwa uye zvisingaonekwi” Eta 12:6. Vangangonakidzwa nekutarisa mifananidzo inoratidza mienzaniso yerutendo muna Eta 12:13–15, 19–21 (ona Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 78, 85, uye peji yechiitwa yevhiki rino). Ita kuti vana vako vatsanangure izvo zvavanoziva pamusoro penyaya yoga yoga. Heino mimwe mibvunzo yekukubatsirai kuti mukurukure mienzaniso iyi yerutendo:

    • Vanhu ava vaitarisira chii?

    • Rutendo rwavo rwakaedzwa sei?

    • Chii chakaitika nokuda kwerutendo rwavo?

    Unokwanisawo kugovera zviitiko zvako pachako mukushandisa rutendo.

Eta 12:4, 32

Tariro yakaita sechidzimikiso kumweya wangu.

  • Kuti munzwisise izvo zvinodzidziswa naEta 12:4 pamusoro petariro, iwe nevana vako munokwanisa kutarisa pamufananidzo weigwa nechidzimikiso. Sei magwa achida zvidzimikiso? Chii chingazoitika kuigwa risina chidzimikiso? Apo pamunoverenga Eta 12:4 pamwechete, kurukurai pamusoro pekuti tariro inotibatsira sei sezvinoita chidzimikiso kubatsira igwa. Koka vana vako kuti vadhirowe mifananidzo yeigwa nechidzimikiso kuitira kuti vagodzidzisa vamwe pamusoro petariro.

  • Kana vana vako vachida tsanangudzo yeshoko rokuti tariro, vabatsire kuwana imwe muNhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Tariro” (Raibhurari yeVhangeri). Maererano netsanangudzo iyi uye Eta 12:4, 32, chii chatinofanira kutarisira? (onawo Moronai 7:40–42). Batsira vana vako kufunga nezvemamwe mashoko anoreva tariro, pamwepo nemashoko anoreva zvinopikisana nokuti tariro. Munokwanisawo kugoverana nemumwe nemumwe zvimwe zvokwadi zvevhangeri zvinokupai tariro.

Eta 12:23–29

Jesu Kristu anokwanisa kundibatsira kuti ndive ndinosimba pane zvepamweya.

  • Vana dzimwe nguva vanotarisana nemamiriro ezvinhu avanonzwa kusasimba, sezvakangoita Moronai. Batsira vana vako kuziva kuti sei Moronai ainzwa seizvi muna Eta 12:23–25, uye vabvunze kana vakambova nemanzwiro akafanana naiwayo. Zvino vakoke kuti vaverenge ndima 26–27 kuti vaone kuti Ishe vakabatsira sei Moronai.

  • Pamwe vana vako vangakwanisa kudhirowa mufananidzo wechimwe chinhu chisina simba uye chimwe chinhu chakasimba. Zvino vanokwanisa kuwedzera kumufananidzo wavadhirowa mamwe mashoko nendevo kubva muna Eta 12:23–29 anovadzidzisa pamusoro pekuti Muponesi anokwanisa sei kushandura utera hwedu kuva simba. Kurudzira vana vako kuti vafunge nezveutera hwavanahwo uye votsvaka rubatsiro rweMuponesi kuti vasimbe. Unokwanisawo kugovera chiitiko apo Muponesi paakakubatsira kuti uve wakasimba zvakakwana zvekuti uite chimwe chinhu chakaoma.

Mufananidzo
Eta akapfugama pamusuo webako

Marvelous Were the Prophecies of Eta [Hwaishamisa Huporofita hwaEta], naWalter Rane

Dhinda