Testamente Itsva 2023
Chiwedzerwa: Kugadzirira Vana Vako kuti Vave Munzira yeChibvumirano yaMwari kweUpenyu Hwose


“Chiwedzerwa: Kugadzirira Vana Vako kuti Vave Munzira yeChibvumirano yaMwari kweUpenyu Hwose,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Chiwedzerwa,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023

Chiwedzerwa

Kugadzirira Vana Vako kuva Munzira yeChibvumirano yaMwari kweUpenyu Hwose

Nokuda kwokuti Vanokuda, vanovimba newe, uye vanoziva kwaniso yako, Baba Vokudenga vakakupa mukana wokubatsira vana vako kupinda nokufambira mberi nemunzira yechibvumirano Yavo, nzira inoenda kuupenyu hwokusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25–28). Izvi zvinosanganisira kuvabatsira kugadzirira kuita nokuchengeta zvibvumirano zvinoera, sezvakaita chibvumirano cherubhabhatidzo uye zvibvumirano zvinoitwa mutemberi. Kuburikidza nezvibvumirano izvi, vana vako vanozozvibatanidzira kuMuponesi, Jesu Kristu.

Kune nzira dzakawanda dzokugadzirira vana vako kurwendo urwu panzira yechibvumirano, uye Baba Vokudenga vanozokubatsira kuziva nzira yakanakisisa yokuvabatsira nayo. Apo paunenge uchitsvaka femero, chengeta mupfungwa kuti hadzisi dzidziso dzose dzinoitika munguva yezvidzidzo zvakarongwa. Chokwadi ndechokuti, chikamu chezvinoita kuti kudzidza kwekumba kuve nesimba kudaro ndechomukana wokudzidza nemuenzaniso uye kuburikidza nenguva diki uye dzakareruka—urwo rudzi runongoitika mukufamba kweupenyu hwezuva nezuva. Sezvazvinongova kuti kutevera nzira yechibvumirano muitiro wenguva dzose, weupenyu hwose, ndizvowo zvazviri nekudzidza pamusoro penzira yechibvumirano. (Ona “Pamba uye Mhuri”, Teaching in the Savior’s Way [2022], 30–31.)

Mufananidzo
amai vane mwana

Kune nzira dzakawanda dzokugadzirira vana vako kurwendo rwavo munzira yeChibvumirano yaMwari.

Pazasi pane mamwe mazano angangotungamirira kune imwezve femero. Unokwanisa kuwana mamwe mazano akawanda okudzidzisa vana vezera rePuraimairi “muKugadzirira Vana kuti Vave paNzira yeChibvumirano yaMwari kweUpenyu Hwose” muHuyai, Munditevere—Bhuku rePuraimari.

Rubhabhatidzo neSimbiso

Nifai akadzidzisa kuti “musuo [wa]tinopinda nawo” munzira yechibvumirano ndewe “rutendeuko norubhabhatidzo nemvura” (2 Nifai 31:17). Kuedza kwako kubatsira vana vako kugadzirira rubhabhatidzo nesimbiso kunokwanisa kumisa tsoka dzavo zvakasimba panzira iyoyo. Kuedza uku kunotanga nekudzidzisa pamusoro porutendo muna Jesu Kristu uye rutendeuko. Kunosanganisirawo kudzidzisa pamusoro pamavandudziro atinoita zvibvumirano zverubhabhatidzo zvedu nokutora sakaramende vhiki yoga yoga.

Hezvino zvimwe zvishandiso zvinokwanisa kukubatsira: 2 Nifai 31; Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rubhabhatidzotopics.ChurchofJesusChrist.org.

  • Apo pose paunova nechiitiko chinosimbisa rutendo rwako muna Baba Vokudenga naJesu Kristu, chigoverane nemwana wako. Mubatsire kunzwisisa kuti rutendo chimwe chinhu chinokwanisa kuramba chichinyanya kusimba nemuupenyu hwose. Ndezvipi zvimwe zvinhu mwana wako zvaanokwanisa kuita kuti akudziridze rutendo rwakanyanya kusimba muna Kristu asati abhabhatidzwa?

  • Apo mwana wako paanoita sarudzo isiri kwayo, taura nomufaro pamusoro pechipo cherutendeuko. Uye apo iwe paunoita sarudzo isiri kwayo, govera mufaro unouya apo paunotendeuka. Pupura kuti nokuda kwokuti Jesu Kristu akatamburira nokufira zvivi zvedu, Akatipa simba rokushanduka. Apo mwana wako paanotsvaka ruregerero, regerera wakasungunuka uye nomufaro.

  • Taurira mwana wako pamusoro perubhabhatidzo rwako. Ratidza mifananidzo uye govera ndangariro. Taura pamusoro pamanzwiro awakaita, kuti zvibvumirano zverubhabhatidzo zvako zvakakubatsira sei kusvika pakuziva Jesu Kristu zvirinani, uye kuti zvinoramba zvichiropafadza upenyu hwako sei. Kurudzira mwana wako kubvunza mibvunzo.

  • Apo pakunenge kuine rubhabhatidzo mumhuri yako kana muwadhi mako, enda nemwana wako kunoruona. Taurai pamwechete pamusoro peizvo iwe nemwana wako zvamaona nekunzwa. Kana zvichibvira, taurai nemunhu ari kubhabhatidzwa uye mobvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Wakaita sarudzo iyi sei? Wakagadzirira sei?”

  • Apo pose paunocherechedza mwana wako achiita chimwe chinhu chaakavimbisa kuita, ipa rumbidzo yemwoyo wose. Mutaurire kuti kuchengeta mhiko kunotibatsira kugadzirira kuchengeta zvibvumirano zvatinoita apo patinobhabhatidzwa. Chii chatinovimbisa Mwari apo patinobhabhatidzwa? Chii chaVanotivimbisa? (ona Mosaya 18:8–10, 13).

  • Apo iwe nemwana wako pamunova nechiitiko chinoera pamwechete (sezvakaita kuchechi, apo pamunenge muchiverenga magwaro matsvene, kana apo pamunenge muchishandira mumwe munhu), mutaurire pamusoro pamanzwiro kana maonero ezvepamweya aunawo. Koka mwana wako kugovera manzwiro aanoita. Cherechedza nzira dzakasiyana siyana idzo Mweya dzaunokwanisa kutaura nadzo kuvanhu, kusanganisira nzira dzaUnotaura nadzo kwauri iwe pachako. Batsira mwana wako kuziva nguva idzo paanenge achinzwa femero yeMweya Mutsvene.

  • ­ Tauriranai pamwechete pamusoro penzira dzakasiyana siyana idzo varanda vaIshe dzavanonzwa nadzo inzwi Ravo. Koka mwana wako kuti adhirowe mufananidzo kana kuita vhidhiyo pamusoro pamanzwiro aanoita inzwi reMuponesi.

  • Taura pamusoro pokuti kuva nhengo yeChechi yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kwakakuropafadza sei. Wakaswedera sei pedyosa naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu apo pawaishandira vamwe uye apo vamwe pavaikushandira? Batsira mwana wako kufunga nzira dzokushandira uye nokusimbisa vamwe seNhengo yeChechi.

  • Ita kuti sakaramende ive chiitiko chinoera uye chinomufaro mumhuri yako. Batsira mwana wako kuronga nzira dzokunangisa nadzo pfungwa pana Jesu Kristu panguva yesakaramende. Tinozoratidza sei kuti sakaramende inoera kwatiri?

  • Magazini reFriend[Shamwari] rinowanzosanganisira zvinyorwa, nyaya, uye zviitwa zvokubatsira vana kugadzirira rubhabhatidzo nerusimbiso. Ita kuti mwana wako asarudze zvimwe zvokuti averenge nokunakidzwa nazvo newe. ­

    Mufananidzo
    Mukomana achibhabhatidzwa

    Nifai akadzidzisa kuti “musuo [wa]tinopinda nawo” munzira yechibvumirano ndewe “rutendeuko norubhabhatidzo nemvura” (2 Nifai 31:17).

Kudzidzisa Vana Vako pamusoro peHupirisita

Hupirisita imvumo uye simba raMwari iro kuburikidza naro, Vanoropafadza vana Vavo. Hupirisita hwaMwari huri pasi nhasi muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Nhengo dzose dzeChechi dzinochengeta zvibvumirano zvadzo dzinoropafadzwa nesimba rehupirisita hwaMwari mudzimba dzavo kuti vazvisimbise ivo pachavo uye nemhuri dzavo ChurchofJesusChrist.org. Simba iri rinozobatsira nhengo mukuita basa raMwari reruponeso uye rekusimudzirwa kumusoro-soro muupenyu hwavo pachavo nemhuri.

Tinongamuchira zvisungo kuburikidza nemvumo yehupirisita. Apo varume namadzimai pavanoshandira mudaidzo dzeChechi, vanoita kudaro nemvumo yehupirisita, vari pasi penhungamiro yaavo vane makiyi ehupirisita. Vana vose vaBaba Vokudenga—Vanakomana Vavo navanasikana Vavo—vanozoropafadzwa apo pavanosvika pakunzwisisa hupirisita zvirinani.

­

  • Ita kuti zvisungo zvehupirisita zvako zvive chikamu chenguva dzose cheupenyu hwemhuri yako. Somuenzaniso, batsira mwana wako kugadzirira pamweya sakaramende vhiki yoga yoga. Kurudzira mwana wako kutsvaka maropafadzo ehupirisita apo paanenge achirwara kana kuti achida nyaradzo kana nhungamiro. Ita kuti ive tsika yako kutaura nzira idzo Ishe dzavarikuropafadza mhuri yako kuburikidza nesimba rehupirisita.

  • Apo pamunoverenga magwaro matsvene pamwechete, tsvakai mikana yokukurukura kuti Mwari vanoropafadza vanhu sei kuburikidza nesimba Ravo. Govera zviitiko zvako pachako zveapo Mwari pavakakuropafadza kuburikidza nehupirisita Hwavo. ­

  • Dzidza mutsetse wehupirisita hwemumwe munhu ari mumhuri yako. (Vane Hupirisita hwaMerkizedeki vanokwanisa kugashira kopi yemutsetse wavo wemvumo nekutumira imeiri paimeiri adhiresi inoti LineofAuthority@ChurchofJesusChrist.org­ ChurchofJesusChrist.org.) Taura pamusoro pokuti sei zvakakosha kuziva kuti mvumo yehupirisita inouya kubva kuna Jesu Kristu Pachake. Sei Achiigoverana nesu?

  • Dzidzisa mwana wako kuti mushure merubhabhatidzo, anokwanisa kugamuchira simba rehupirisita kuburikidza nokuchengeta chibvumirano cherubhabhatidzo. ­ Taurira mwana wako maunziro akaita zvisungo zvehupirisita simba raMwari muupenyu hwako. Kuti uwane mudorongodzwa wedzimwe nzira idzo dzatinoropafadzwa nadzo nesimba rohupirisita, ona General Handbook, 3.5.

  • Kurukurai mubvunzo unoti “Muranda waIshe munhu akaita sei?” Verengai pamwe chete Dzidziso neZvibvumirano 121:36–42, uye motsvaka mhinduro. Apo pose paunoona mwana wako (kana mumwe munhu) achishandisa mumwe wemisimboti kana hunhu hwuri mundima idzi, zvitaure.

  • Apo iwe kana mwana wako pamunoshandisa makiyi kukiinura mukova kana kumutsa motokari, tora chinguva kuenzanisa makiyi iwayo kumakiyi ane vatungamiri vehupirisita. ­ Chii “chatinokiinurirwa” kana “kumutsirwa” namakiyi ehupirisita? ­ ChurchofJesusChrist.org­

  • Apo paunotsaurwa kudaidzo, koka mwana wako kuti avepo, kana zvichibvira. Rega mwana wako akuone uchizadzikisa daidzo yako. Ungangotsvakawo nzira dzakakodzera dzaanokwanisa kukubatsira nadzo. Tsanangura manzwiro aunoita simba raMwari mudaidzo yako.

Kuenda kuTemberi—Rubhabhatidzo neRusimbiso rweVakafa.

Matemberi ari chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo. Mumatemberi, tinoita zvibvumirano zvinoera naBaba Vokudenga apo patinotora chinhanho muzvisungo zvinoera, izvo zvose zvinonongedzera kuna Jesu Kristu. Baba Vokudenga vakapa nzira yokuti vana Vavo vose vaite zvibvumirano uye vatore chinhanho muzvisungo, kusanganisira avo vasina kuzvigamuchira muupenyu hwuno. Pakutanga kwegore raanosvitsa makore gumi namaviri okuzvarwa, mwana wako akura zvakakwana zvokuti abhabhatidzwe uye asimbiswe mutemberi pachinzvimbo chamadziteteguru akafa.

­ temples.ChurchofJesusChrist.org­

  • Enda kutemberi nguva zhinji sokubvumira kunoita mamiriro ezvinhu ako. Taura nemwana wako pamusoro pokuti sei uri kuenda uye kuti temberi inokubatsira sei kunzwa uri pedyosa naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Wongororai nokukurukura mibvunzo yekodzero yekupinda mutemberi pamwechete. Taura nemwana wako pamusoro pezvinoitika mubvunzurudzo yekodzero yekupinda mutemberi. Govera kuti sei kuva nekodzero yekupinda mutemberi kwakakosha kwauri.

  • Verengai pamwechete Maraki 4:6. Taura pamusoro pokuti mwoyo yenyu ingakwanisa sei kutendeukira kumadziteteguru enyu. Dzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pamadziteteguru enyu kuburikidza nokuwongorora nhoroondo yemhuri yenyu pamwechete pa FamilySearch.org. Tsvakai madziteteguru ayo anofanira kubhabhatidzwa uye nokusimbiswa. Mubatsiri wezvetemberi uye nezvenhoorondo yemhuri wewadhi anokwanisa kukubatsira.

  • ­ ­ ChurchofJesusChrist.org­

Kugamuchira Ropafadzo raPatiriyaki

Ropafadzo rapatiriyaki rinokwanisa kuva manyuko enhungamiro, nyaradzo, uye femero. Rine rairo yako pachako inobva kuna Baba Vokudenga kwatiri uye inotibatsira kunzwisisa hunhu hwedu hwokusingaperi uye nechinangwa chedu chokusingaperi. Batsira mwana wako kugadzirira kugamuchira ropafadzo rapatiriyaki nokumudzidzisa kukosha uye nechimiro chinoera chemaropafadzo apatiriyaki.

­ topics.ChurchofJesusChrist.org­

  • Goverana nemwana wako chiitiko chako chokugamuchira ropafadzo rapatiriyaki. Unokwanisa kugovera zvinhu zvakaita samagadziriro awakaita kurigamuchira, mabatsiriro arakakuita kuti uuye pedyosa naMwari, uye mashandisiro aunoita ropafadzo racho muupenyu hwako. Unokwanisawo kukoka mwana wako kuti ataure nedzimwe nhengo dzemhuri idzo dzakagamuchira maropafadzo apatiriyaki adzo.

  • ­ ­

  • Kana uine madziteteguru vakagamuchira maropafadzo apatiriyaki, zvingangova zvinokurudzira kuverenga mamwe awo nemwana wako. Kuti ukumbire makomborero emadzitateguru akafa, pinda muweb adhiresi inoti ChurchofJesusChrist.org, dzvanya chiratidzo cheakaundi chiri pakona yepamusoro kurudyi kwesikirini, wosarudza “Patriarchal Blessing.”

  • Mushure mokunge mwana wako agamuchira ropafadzo rapatiriyaki, koka dzipi zvadzo nhengo dzemhuri dzaivapo kuti dzinyore pasi manzwiro adzo uye kuti dziagoverane nemwana wako.

Kuenda kuTemberi—Endaumendi

Mwari vanoda kupa, kana kuropafadza, vana Vavo vose “nesimba rinobva kumusoro”(Dzidziso neZvibvumirano 95:8). Tinoenda kutemberi kunogamuchira endaumendi yedu pachedu kamwechete chete, asi zvibvumirano zvatinoita naMwari uye nesimba rezvepamweya raVanotipa sechikamu cheendaumendi zvinokwanisa kutiropafadza zuva roga roga roupenyu hwedu.

­ temples.ChurchofJesusChrist.org­

  • Turika mufananidzo wetemberi mumba mako. Taurira mwana wako pamusoro pamanzwiro aunonzwa mutemberi. Taura nguva zhinji pamusoro perudo rwako kuna Ishe uye kuimba Yavo uye zvibvumirano zvawakaita ikoko.

  • Ongororai pamwechete temples.ChurchofJesusChrist.org. ­ Rega mwana wako abvunze mibvunzo ipi zvayo yaanayo pamusoro petemberi. ­

  • Apo iwe nemwana wako pamunotora chinhanho mune zvimwe zvisungo kana kuva chapupu chazvo (sezvakaita sakaramende kana ropafadzo rekuporesa), tora chinguva kukurukura mucherechedzo urimo muchisungo chacho. Zviratidzo izvi zvinomiririra chii? Zvinopupura sei nezva Jesu Kristu? Izvi zvinokwanisa kubatsira mwana wako kugadzirira kufungisisa pamusoro pezvinoreva chiratidzo chezvisungo zvemutemberi, icho chinopupurawo nezva Jesu Kristu.

  • Batsira mwana wako kuti acherechedze machengetero aari kuita chibvumirano cherubhabhatidzo chinotsanangurwa muna Mosaya 18:8–10, 13. Batsirawo mwana wako kucherechedza maropafadzirwo aari kuitwa naIshe. Vaka chivimbo chomwana wako mukwaniso yake yokuchengeta zvibvumirano.

  • Taura pachena uye nguva nenguva pamusoro pokuti zvibvumirano zvemutemberi zvinotungamira sei sarudzo dzako uye nokukubatsira kuswedera pedyosa naJesu Kristu. Unokwanisa kushandisa General Handbook, 27.2, kuongorora zvibvumirano zvatinoita mutemberi.

Kushandira Hushumiri

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti: “Chinhu chimwechete chakakoshesesa chaunokwanisa kuita kuti ugadzirire daidzo yokushandira ndechokuva mushumiri kwenguva yakareba usati waenda kuhushumiri. … Chakakosha hakusi kuenda kuhushumiri; asi panokudaro, chakakosha ndechokuva mushumiri uye nokushandira nemuupenyu hwedu hwose nemwoyo wedu wose, nokugwinya kwedu kwose, nepfungwa dzedu dzose, uye nesimba redu rose. … Uri kugadzirira kubasa roushumiri roupenyu hwose” (“Becoming a Missionary,” Liahona, Nov. 2005, 45–46). Zviitiko izvo mwana wako zvaanova nazvo mukuva mushumiri zvinozomuropafadza kwokusingaperi, kwete chete kwenguva yaanenge achishandira semushumiri.

­ ChurchofJesusChrist.org­

  • Ratidza muenzaniso wokugovera vhangeri nenzira dzamazuva ose. Nguva dzose ngwaririra mikana yokugoverana navamwe manzwiro ako pamusoro paBaba Vokudenga neMuponesi uye namaropafadzo aunogamuchira senhengo yeChechi Yavo. Koka vamwe kuti vabatane nemhuri yako muzviitwa zviri maererano neChechi uye nemhuri.

  • Tsvaka mikana yokuti mhuri yako ishande navashumiri. Vakoke kuti vadzidzise shamwari dzako, kana kuzvipira kuti vakwanise kudzidzisa vanhu mumba mako. Bvunza vashumiri pamusoro pezviitiko zvavari kusangana nazvo uye kuti mushando wehushumiri uri kuvabatsira sei kuswedera pedyosa naJesu Kristu. Bvunzawo izvo zvavakaita (kana zvavanoshuva kuti dai vakaita) kugadzirira kuva vashumiri.

  • Kana wakashandira muhushumiri, taura pachena uye nguva zhinji pamusoro pezviitiko zvako. Kana kuti koka shamwari kana nhengo dzemhuri dzakashandira muhushumiri kuti vataure pamusoro pezviitiko zvavo. Unokwanisawo kutaura pamusoro penzira idzo dzawakagoverana vhangeri navamwe nemuupenyu hwako hwose. Batsira mwana wako kufunga nzira dzokugovera nadzo vhangeri.

  • Ipa mwana wako mikana yokudzidzisa mhuri yako misimboti yevhangeri. Mwana wako anokwanisawo kudzidzira kugoverana zvidaviro zvake navamwe. Somuenzaniso, unokwanisa kukurukura mibvunzo yakaita sokuti “Tinozosuma Bhuku raMormoni sei kune mumwe munhu asati ambonzwa nezvaro?” kana “Tinozotsanangura sei kudikanwa kweMuponesi kune mumwe munhu asiri Mukristu?”

  • Batsira mwana wako kuva akasununguka kutaura navanhu. Ndedzipi dzimwe nzira dzakanaka dzokutanga nadzo hurukuro? Kurudzira mwana wako kudzidza mateerero okuita kune izvo zvinotaurwa navamwe, kunzwisisa izvo zviri mumwoyo yavo, uye kugovera zvokwadi zvevhangeri zvinokwanisa kuropafadza upenyu hwavo.

  • Tsvaka mikana yokuti mwana wako adzidze pamusoro pedzimwe tsika nezvimwe zvitendero. Mubatsire kuziva nokuremekedza misimboti yakanaka uye yechokwadi muzvidaviro zvavamwe.

Kuenda kuTemberi—Kusunganidzwa

Mutemberi, murume nomukadzi vanokwanisa kuchatiswa kwokusingaperi. Izvi zvinoitika muchisungo chinonzi kusunganidzwa. Kunyangwe zvazvo chisungo ichi chingange chichizoitika kumwana wako makore mazhinji anotevera, zvinhu zvidiki, zvakareruka, uye zvenguva dzose zvamunoita pamwechete munguva yamakore iwawo zvinokwanisa kumubatsira kugadzirira ropafadzo iri.

­ topics.ChurchofJesusChrist.org­

  • Verengai pamwechete “Mhuri: Chiziviso kuNyika” pa ChurchofJesusChrist.org. Chiziviso ichi chinodzidzisa chii pamusoro pemufaro muupenyu hwemhuri uye pamusoro pemichato inobudirira? Nemwana wako, sarudzai mumwe wemisimboti yakadorongodzwa muchiziviso ichi kuti muinzvere. Munokwanisa kutsvaga zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nemusimboti iwoyo muNhungamiro kuMagwaro Matsvene. Munokwanisa kumisa zvinangwa zvokushandisa musimboti iwoyo zvakanyanya kuzara mumhuri yenyu. Apo pamunoshanda pazvinangwa zvenyu, kurukurai pamwechete shanduro iyo kurarama musimboti iwoyo yaunounza paupenyu hwemhuri.

  • ­ ­ ­ ­ ­

  • Kana wakachata, iva wakasunguka kutaurira mwana wako pamusoro pezvinhu zvaunonzwa kuti muri kuita zvakanaka semurume nomukadzi, zvinhu zvamuri kudzidza, uye nzira dzamuri kuedza nadzo kuzvinatsarudza. Kana iwe nomurume kana nomukadzi wako makasunganidzwa mutemberi, ratidza mwana wako kuburikidza nomuenzaniso maedzero amuri kuita kuchengeta zvibvumirano zvenyu pakati penyu uye naIshe. Taurira mwana wako maedzero amuri kuita kuti Baba Vokudenga neMuponesi vave nangiso yeukama hwenyu uye mabatsiriro aVanokuitai.

  • Apo sarudzo dzemhuri padzinoda kuitwa, itai matare emhuri nehurukuro dzemhuri. Itai chokwadi chokuti pfungwa dzenhengo dzose dzemhuri dzinonzwikwa uye dzinokosheswa. Shandisai hurukuro idzi semukana wokuvaka kutaurirana kwakanaka uye tsitsi muukama hwemhuri, kunyangwe panguva apo munhu wose paanenge asingaone zvinhu nenzira imwechete.

  • Apo papanenge paine kusawirirana kana kupesana mumhuri, ratidzai mwoyo murefu uye nemutsa. Batsira mwana wako kuona kuti kugadzirisa rupesano nenzira dzakafanana nedza Kristu kunokwanisa kumubatsira sei kugadzirira muchato unomufaro. Verengai pamwe chete Dzidziso neZvibvumirano 121:41–42, uye motaura pamusoro pokuti misimboti iri mundima idzi inokwanisa kushandiswa sei mumuchato.

Dhinda