Testamente Itsva 2023
Zvita 25–31. Zvakazarurwa 15–22: “Unokunda Uchagara Nhaka yeZvinhu Zvose”


“Zvita 25–31. Zvakazarurwa 15–22: ‘Unokunda Uchagara Nhaka yeZvinhu Zvose,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Zvita 25–31. Zvakazarurwa 15–22,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
Jesu Kristu achikwazisa vanhu paKuuya Kwake kweChipiri

The City Eternal (Guta Rokusingaperi), naKeith Larson

Zvita 25–31

Zvakazarurwa 15–22

“Unokunda Uchagara Nhaka yeZvinhu Zvose”

Dzimwe nguva chimhingamupini chikurusa kukudzidza ifungidziro yedu yokuti hatifaniri kudzidza—kuti tinoziva nechakare. Apo paunoverenga magwaro matsvene, iva unoda kutambira nzwisiso itsva idzo Ishe dzavanoda kukupa.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Sokuyeuka kwaungaita, bhuku raZvakazarurwa rinotanga noMuponesi achizivisa kuti Ndiye “Arfa neOmega” (Zvakazarurwa 1:8). Zvakafanirawo, rinopera namashoko akafanana “Ndini … kutanga nokuguma.” (Zvakazarurwa 22:13). Asi zvinorevei izvozvo? Kutanga nokuguma kwechii? Bhuku raZvakazarurwa rinopupura zvine simba guru kuti Jesu Kristu ndiye kutanga nokuguma kwezvinhu zvose—kwenyaya huru yehuvapo noruponeso zvavanhu. Ndiye “Gwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika” (Zvakazarurwa 13:8). Uye Ndiye Mambo wamadzimambo uyo anounza mugumo kuhunyangadzi, rusuwo, uye kunyangwe rufu pacharwo uye ouyisa “denga idzva nenyika itsva” (Zvakazarurwa 21:1).

Asi denga idzva iri nenyika itsva iyi zvisati zvasvika, kune zvizhinji isu zvatinofanira kukunda: matambudziko, hondo, hunyangadzi huzhinjisa—izvo zvose Zvakazarurwa zvarinotsanangura zviri pachena. Asi Jesu Kristu anesu panguva yechikamu ichiwo. Ndiye “nyamasase inopenya” inojeka mudenga rine rima sevimbiso yokuti mambakwedza ari kuuya nechinguva chidiki (Zvakazarurwa 22:16). Uye ari kuuya nechinguva chipfupi. Ari kuuya. Kunyangwe apo paAnotikoka, “Kuuya kwaari” (Mateo 11:28), Anouyawo kwatiri. “Ndinouya nokukurumidza,” Anozivisa. Uye netariro nerutendo izvo zvakatsveneswa mumoto wamatambudziko amazuva ekupedzisira, tinopindura “Kunyangwe zvakadaro, huyai, Ishe Jesu” (Zvakazarurwa 22:20).

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Zvakazarurwa 16–18; 21–22

Ishe vanondikoka kutiza kubva Babironi uye kugara nhaka “yeguta dzvene.”

Mushure mokuona ruparadzo nenjodzi zvamazuva ekupedzisira, Johane akaona zuva ramangwana iro rinokwanisa kupfupiswa muchiziviso chaIshe chokuti “Tarirai, ndinovandudza zvose” (Zvakazarurwa 21:5). Imwe nzira yokunzwisisa izvo zvazvinoreva ndeyekusiyanisa tsananguro yaJohane yeBabironi, chiratidzo chezvemunyika nehunyangadzi (ona Zvakazarurwa 16–18), netsananguro yake yeJerusarema itsva, inoratidza kubwinya kweseresitiyaro pamberi paMwari (ona Zvakazarurwa 21–22). Chati riri pazasi ringangokubatsira:

Babironi

Jerusarema Itsva

Babironi

Zvakazarurwa 16:3–6

Jerusarema Itsva

Zvakazarurwa 21:6; 22:1–2,17

Babironi

Zvakazarurwa 16:10; 18:23

Jerusarema Itsva

Zvakazarurwa 21:23–24; 22:5

Babironi

Zvakazarurwa 17:1–5

Jerusarema Itsva

Zvakazarurwa 21:2

Babironi

Zvakazarurwa 18:11, 15

Jerusarema Itsva

Zvakazarurwa 21:4

Babironi

Zvakazarurwa 18:12–14.

Jerusarema Itsva

Zvakazarurwa 21:18–21; 22:1–2

Ndedzipi dzimwe siyano dzaunoona?

Ungangofungisisawo zvazvinoreva kwauri “kubuda” muBabironi” (Zvakazarurwa 18:4). Chii chaunowana muna Zvakazarurwa 21–22 izvo zvinokukurudzira kuita kudaro?

Mufananidzo
Jesu navanhu vari muchiedza kuruoko Rwake rworudyi uye navavhu vari murima kuruoko rwake rworuboshe

The Last Judgement [Mutongo Wokupedzisira], naJohn Scott

Zvakazarurwa 20:12–15; 21:1–4

Vana vose vaMwari vanozotongwa kubva mubhuku roupenyu.

Fungidzira kuti munyori akati anoda kunyora bhuku pamusoro poupenyu hwako. Ndorwupi ruzivo kana zviitiko zvaunozoda kuti asanganisire? Kana waiziva kuti zviito zvako zvemune ramangwana zvinozonyorwawo, waizorarama upenyu hwako zvakasiyana sei? Funga pamusoro peizvi apo paunoverenga Zvakazarurwa 20:12–15. Chii chaunotarisira kuti chinozonyorwa pamusoro pako mubhuku roupenyu? Ungazotsanangura sei basa reMuponesi mubhuku rako roupenyu? Mumaonero ako, sei zvakakosha kuti ridaidzwe kuti “bhuku youpenyu yeGwayana”? (Zvakazarurwa 21:27).

Kana pfungwa yokumira pamberi paMwari kuti utongwe isina kugadzikana newe, funga pamusoro pakuverenga Zvakazarurwa 21:1–4. Vachitaura pamusoro pendima idzi, Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf vakati:

“Zuva roMutongo iroro rinozova zuva rengoni norudo—zuva apo mwoyo yakatyoka painoporeswa, apo misodzi yamarwadzo painotsiviwa nemisodzi yeruvongo, apo zvose pazvinozoitwa zvakanaka. Hongu, kunozova norusuwo rwakadzama nokuda kwechivi. Hongu, kunozova nokuzvidemba uye kunyangwe marwadzo apamwoyo nokuda kwezvikanganiso zvedu, kweupenzi hwedu, uye nokuomesa musoro kwedu izvo zvakatikonzera kurasikirwa nemikana yokuva neramagwana rakanakisisa.

“Asi ndine chivimbo chokuti hatizongogutsikani chete nemutongo waMwari; tinozoshamiswawo uye nokukurirwawo nenyasha, ngoni, rupo rusina rutsuta, uye norudo kwatiri zvaVo zvisina mugumo, zvevana Vavo” (“O How Great the Plan of Our God!,” Liahona, Mbudzi 2016, 21).

Zvokwadi izvi zvinoshandura sei maonero aunoita Mutongo weKupedzisira? Zvokwadi izvi zvinokukurudzira kushandura chii muupenyu hwako?

Onawo Nhungamiro kuMagwaro Matsvene “Bhuku reupenyu.”

Zvakazarurwa 22:18–19

Ndima idzi dzinoreva here kuti hakukwanisi kuva namamwe magwaro matsvene kunze kweBhaibheri?

Vamwe vanhu vakatapa Zvakazarurwa 22:18–19 sechikonzero chokuramba Bhuku raMormoni uye mamwe magwaro matsvene amazuva ekupedzisira. ­

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Zvakazarurwa 15:2–4.Apo mhuri yenyu painokurukura ndima idzi, idzo dzinotaura nezve “rwiyo rwaMosesi” uye “rwiyo rweGwayana,” ungangoverenga rwiyo rwaMosesi muna Eksodo 15:1–19, pamwepo nenziyo dzakataurwa mumagwaro matsvene, sezvakaita Dzidziso neZvibvumirano 84:98–102. Avo vanowana “rukundo pachikara” (Zvakazarurwa 15:2) sei vangangonzwa kuda kuimba nziyo idzi. Pamwe mhuri yenyu inokwanisa kuimba rwiyo kana rumbo rwavana vadiki rwerumbidzo.

Zvakazarurwa 19:7–9.Pamwe mungangotarisa pamapikicha emuchato kubva kunhoroondo yemhuri yenyu kana kutaura pamusoro penguva iyo mhuri yenyu payakaenda kumhemberero yomuchato. Sei muchato uri enzaniso yakanaka yechibvumirano chaIshe neChechi Yavo? (Onawo Mateo 22:1–14.)

Zvakazarurwa 20:2–3.1 Nifai 22:26 inotibatsira sei kunzwisisa zvazvingareva kuti Satani “asungwe”?

Zvakazarurwa 22:1–4.Zvingareva chii kuva nezita reMuponesi “pahuma [dzedu]”? (Zvakazarurwa 22:4; onawo Eksodo 28:36–38; Mosaya 5:7–9; Aruma 5:14; Moronai 4:3; Dzidziso neZvibvumirano 109:22

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

­

Kunatsurudza Kudzidzisa Kwedu

Ita chokwadi kuti zvawakokwa kuita zvaitwa. “Apo paunoita chokwadi chokuti zvawakokwa kuita zvaitwa, unotaridza [nhengo dzemhuri yako] kuti unehanya pamusoro pavo uye namaropafadziro arikuita vhangeri upenyu hwavo. Unovapawo mikana yokugovera zviitiko zvavo” (Teaching in the Savior’s Way, 35).

Mufananidzo
Jesu Kristu akatasva bhiza achidzika kubva kudenga paKuuya kweChipiri Kwake.

Kristu akapfeka nguwo tsvuku akagara pabhiza jena.

Dhinda