Testamente Itsva 2023
Zvita 18–24. Kirisimasi: “Mashoko Akanaka eMufaro Mukuru”


“Zvita 18–24. Kirisimasi ‘Mashoko Akanaka eMufaro Mukuru,’” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: Testamente Itsva 2023 (2022)

“Zvita 18–24. Kirisimasi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reVanhu Pachavo neMhuri: 2023

Mufananidzo
mwana achangozvarwa

Little Lamb [Gwayana Diki], naJenedy Paige

Zvita 18–24

Kirisimasi

“Mashoko Akanaka eMufaro Mukuru.

Funga pamusoro pokuti kuzvarwa nebasa zveMuponesi zvinokwanisa sei kuunza mweya werunyararo nokuera kumwaka weKirisimasi.

Nyora Pasi Manzwiro Ako

Sei kuzvarwa kwemwana kuchiunza mufaro mukuru wakadaro? Pamwe nokuda kwokuti mwana mutsva anokwanisa kuva chiratidzo chetariro. Pane chimwe chinhu pamusoro poupenyu hutsva hwakazara nekwaniso icho chinotikoka kufungisisa pamusoro pezvingazoitika muneramangwana kumwana iyeye uye zvinhu zvinoshamisa zvaanozobudirira pazviri. Izvi hazvina kumbova chokwadi kupfuura pakuzvarwa kweMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Hakuna kumbofa kwakava netariro hurusa yakaiswa mumwana muduku kupfuura maari, uye hakuna kumbofa kwakava nemumwe akazvarwa aine vimbiso huru kudaro.

Apo ngirozi payakakoka vafudzi kuti vatsvage mwana aiva achangozvarwa muchidyiro chezvipfuwo, yakavapawo shoko pamusoro pomwana iyeye. Raiva shoko retariro—kuti mwana mucheche uyu akanga auya panyika kuzozadzikisa basa rinoera. Vafudzi vakaita kuti shoko ravo “rizivikanwe kwose kwose … uye vose vakanzwa vakashamiswa nezvavakavudzwa navafudzi. Asi Maria wakachengeta mashoko iwayo ose, achiafungisisa mumwoyo make” (Ruka 2:17–19). Pamwe zvingava zvakanaka kutevera muenzaniso waMaria Kirisimasi ino: kufungisisa mumwoyo mako zvinhu zvamakadzidza pamusoro peMuponesi gore rino. Akazadzikisa sei basa Rake rokununura murondedzero dzawaverenga? Uye zvakanyanya kukosha, basa Rake rakashandura upenyu hwako sei? Zvino ungangonzwa kufemerwa kutevera muenzaniso wavafudzi: “ungazozivisa kwose kwose” sei izvo Jesu Kristu zvaakakuitira?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwako wega

Mazano eKunzvera Magwaro Matsvene Kwako Wega

Mateo 1:18–25; 2:1–12; Ruka 1:26–38; 2:1–20

Jesu Kristu akazvideredzera pasi kuitira kuti azvarwe pakati pedu panyika.

Kunyangwe kana wakaverenga kana kunzwa nyaya yokuzvarwa kwaJesu Kristu kakawanda kare, inzvere nguva ino neizvi mupfungwa: “Kirisimasi haisi chete mhemberero yamauyiro akaita Jesu panyika asiwo yokuziva kuti ndiani Iye—Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu—uye nokuti sei Akauya” (Craig C. Christensen, “The Fulness of the Story of Christmas” [Munamato weKirisimasi waVatungamiri Vokutanga, Zvita.4, 2016], broadcasts.ChurchofJesusChrist.org).

Chii chaunoziva pamusoro pokuti Jesu Kristu aiva ani asati Azvarwa? (ona, somuenzaniso, Johane 17:5; Mosaya 3:5.; Dzidziso neZvibvumirano 76:13–14, 20–24; Mosesi 4:2). Ruzivo urwu runoshandura sei manzwiro aunoita apo paunoverenga pamusoro pokuzvarwa Kwake?

Chii chaunoziva pamusoro pokuti sei Jesu Kristu akauya panyika? (ona, somuenzaniso, Ruka 4:16–21; Johane 3:16–17; 3 Nifai 27:13–16; Dzidziso neZvibvumirano 20:20–28). Ruzivo urwu runoshandura sei manzwiro aunoita pamusoro poMuponesi? Runoshandura sei nzira yamararamiro aunoita?

Onawo 2 Vakorinte 8:9; VaHeberu 2:7–18; 1 Nifai 11:13–33; Aruma 7:10–13.

1 VaKorinte 15:21–26; Vakorose1:12–22; 1 Petro 2:21–25.

Jesu Kristu akazadzikisa basa Rake uye akaita kuti zvikwanisike kuti ini ndigare nhaka youpenyu hwokusingaperi.

Kunyangwe zvazvo nyaya yokuzvarwa kwaKristu yaiva yakakomberedzwa nezviitiko zvinoshamisa, Kuzvarwa kwake kwaizongova kumwe zvako kuzvarwa dai pakanga pasina basa guru iro raAkabudirira pariri pashure muupenyu Hwake. Sokutaurwa kwazvakaitwa naMutungamiri Gordon B. Hinckley, “Mucheche Jesu weBetrehema aizongova mumwewo mwana dai paiva pasina Kristu weGetsemani neKarivari anonunura, uye chokwadi chorukundo choKumuka Kuvakafa” (“The Wondrous and True Story of Christmas,” Ensign, Zvita 2000, 5)

Mufananidzo
Kristu akagwadama muBindu reGetsemani

Gethsemane [Getsemani], naJ. Kirk Richards

Umboo hwebasa rehumwari reMuponesi uye rudo rukurusa Rwake kuna vamwe zvinowanikwa nemuTestamente Itsva yose. Ndedzipi ndima kana rondedzero dzinouya mupfungwa dzako? Ungangotarisa kumashure nemubhuku rino kana mujenari rako raunoshandisa pounonzvera uye wowongorora dzimwe pfungwa dzawakanyora pasi. Unokwanisawo kuverenga 1 Vakorinte 15:21–26; Vakorose 1:12–22; 1 Petro 2:21–25 uye wofungisisa pamusoro pamaropafadzirwo akaitwa upenyu hwako noMuponesi uye nebasa Rake. Chii chaunonzwa kukurudzirwa kuti ushandure muupenyu hwako? Unozoshandisa sei simba reMuponesi?

Mufananidzo
mufananidzo wekunzvera kwemhuri

Mazano ekuNzvera Magwaro Matsvene kweMhuri uye eNguva yeMhuri Pamba Manheru

Mateo 1:18–25; 2:1–12; Ruka 1:26–38; 2:1–20.Unokwanisa kupemberera sei kuzvarwa kwaJesu Kristu nemhuri yako? Heano mazano mashoma, kana kuti unokwanisa kufunga ako wega.

  • Verengai kana kuita mutambo wezvikamu zvenyaya yoKuzvarwa kwaKristu pamwechete.

  • ­

  • ­

  • ­

  • Imbai nziyo dzeKirisimasi pamwechete, kana kuti sarudzai vavakidzani kana shamwari dzokushanyira nokunoimba kwadziri (ona Nziyo neDzavana Vadiki, nhamba 102 ne106).

  • Itai chiito chokushandira vamwe.

  • Kumbira nhengo dzemhuri kuti dzitsvake ruzivo munyaya yoKuzvarwa kwaJesu urwo runovapa mazano ezvishongedzo kana madhekoresheni zvavanokwanisa kugadzira kuitira kuvayeuchidza nezvaJesu Kristu.

1 VaKorinte 15:21–26; 1 Nifai 1:12–22; 1 Petro 2:21–25.Sei tichivonga kuti Jesu Kristu akazvarwa? Ndezvipi zvipo zvaAkatipa? Tinokwanisa kuMuratidza ruvongo rwedu sei? Mhuri yenyu inokwanisa kuimba rumbo urwo runodzidzisa pamusoro pebasa Rake, sezvakaita “Jesu Akazvarwa Semunhu” (Nziyo nedzeVana Vadiki, peji 38).

Kristu Anorarama: Uchapupu hwaVaApositora.”Kana uchida kubatsira mhuri yako kunangisa pfungwa paMuponesi panguva yeKirisimasi, pamwe munokwanisa kupedza nguva muchiverenga nokunzvera pamwechete “Kristu Anorarama: Uchapupu hwaVaApositora” (ChurchofJesusChrist.org). Pamwe munokwanisa kudzidza nomusoro ndima kubva kuchinyora “Kristu Anorarama” kana kutsvaga tsananguro dzeupenyu hweMuponesi muTestamente Yakare idzo dzinotsigira zvirevo zviri machiri. Munokwanisawo kukoka nhengo yemhuri yoga yoga kunyora uchapupu hwake pachake hwaJesu Kristu uye, kana vafemerwa kudaro, vohuverenga kumhuri.

Kuti uwane mamwe mazano ekudzidzisa vana, ona chirongwa chevhiki ino chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reVana Vadiki.

Rumbo rwakapuwa: “Husiku Hutsvene,” Nziyo nedzeVana Vadiki, 104.

Kunatsurudza Kunzvera Kwako Wega

Tsvaga Jesu Kristu. Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti zvinhu zvose zvinopupura nezva Jesu Kristu (ona Mosesi 6:62–63), saka tinofanira kuMutsvaga muzvinhu zvose. Apo paunoverenga magwaro matsvene, funga pamusoro pekunyora kana kumaka ndima dzinokudzidzisa pamusoro Pake. Tora nguva mumazuva ayo anoteverwa neKirisimasi kutsvaga zvinhu zvakakukomberedza izvo zvinopupura nezva Jesu Kristu.

Mufananidzo
Maria, Josefa, uye navafudzi vakakomberedza mucheche Jesu

The Nativity [Kuzvarwa kwaJesu], naBrian Call

Dhinda